Mateo 6:13-15
Mateo 6:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Musatitungamirira mukuedzwa, uye mutinunure kubva kuno wakaipa.’ Nokuti kana mukaregerera vanokutadzirai, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo. Asi kana musingaregereri vamwe zvitadzo zvavo, Baba venyu havazokuregererai zvitadzo zvenyu.
Mateo 6:13-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Musatirege tichiedzwa, asi mutinunurei pane zvakaipa. (Nokuti ushe ndohwenyu, nesimba nokubwinya, nokusingaperi. Ameni)’ Nokuti kana muchiregerera vanhu kutadza kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo Asi kana musingaregerera vanhu kutadza kwavo, Baba venyu havangakuregerereiwo kutadza kwenyu.
Mateo 6:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Musatirege tichipinda muchiedzo. Asi tinunureiwo kune zvakaipa.’ Nokuti umambo ndowenyu, nesimba nembiri, narini narini. Ameni. “Kana mukaregerera vanhu zvikanganiso zvavo, Baba venyu vokudenga vanokuregereraiwo zvikanganiso zvenyu. Kana musingaregereri vanhu zvikanganiso zvavo, Baba venyuwo havakuregererei zvikanganiso zvenyu.
Mateo 6:13-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Regai kutiisa pakuidzwa, asi mutirwirei panowakaipa. [Nokuti ʋushe ndobgenyu, nesimba, nokubginya, nokusiŋgaperi. Ameni.] Nokuti kana mucikaŋganwira ʋanhu kuɗarika kwaʋo, Ƃaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga ʋacakukaŋganwirai ʋo. Asi kana musiŋgakanwiri ʋanhu kuɗarika kwaʋo, Ƃaɓa ʋenyu haʋaŋgakukaŋganwiriyi ʋo kuɗarika kwenyu.
Mateo 6:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)