Mateo 6:1-24
Mateo 6:1-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Chenjerai kuti murege kuita ‘mabasa enyu okururama’ pamberi pavanhu kuti muonekwe navo. Kana mukaita saizvozvo, hamuzovi nomubayiro kuna Baba venyu vari kudenga. “Saka kana mopa kuna vanoshaya, musaridza hwamanda sezvinoitwa navanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa kuti vakudzwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara. Asi kana wopa kuna vanoshaya ruoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva zviri kuitwa noruoko rwako rworudyi, kuitira kuti kupa kwako kuve pakavanda. Ipapo Baba vako, vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro. “Uye pamunonyengetera, musava savanyengeri nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira kuti vaonekwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara. Asi paunonyengetera, pinda mumba mako, ugopfiga musiwo uye ugonyengetera kuna Baba vako avo vasingaonekwi. Ipapo Baba vako avo vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro. Uye pamunonyengetera, musangoramba muchidzokorora zvimwe chetezvo sezvinoitwa navasingatendi nokuti vanofunga kuti vachanzwikwa nokuda kwamashoko avo mazhinji. Musafanana navo nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa musati mavakumbira. “Zvino aya ndiwo manyengeterero amunofanira kuita: “ ‘Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe, umambo hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvinoitwa kudenga. Tipei nhasi chingwa chedu chamazuva namazuva. Tiregererei zvatinokutadzirai, sezvatinoregererawo vanotitadzira isu. Musatitungamirira mukuedzwa, uye mutinunure kubva kuno wakaipa.’ Nokuti kana mukaregerera vanokutadzirai, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo. Asi kana musingaregereri vamwe zvitadzo zvavo, Baba venyu havazokuregererai zvitadzo zvenyu. “Pamunotsanya, musaunyanisa zviso sezvinoita vanyengeri nokuti vanounyanisa zviso zvavo kuti vaonekwe navanhu kuti vari kutsanya. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara. Asi pamunotsanya, zorai mafuta mumisoro yenyu uye mugogeza kumeso kwenyu, kuitira kuti zvirege kuonekwa navanhu kuti muri kutsanya, asi zvizivikanwe chete naBaba venyu avo vasingaonekwi. Uye Baba venyu vanoona pakavandika, vachakupai mubayiro. “Musazviunganidzira pfuma panyika, pane zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye pane mbavha dzinopaza dzichiba. Asi zviunganidzirei pfuma kudenga uko kusina zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye kusina mbavha dzinopaza dzichiba. Nokuti apo pane pfuma yako ndipo pane mwoyo wakowo. “Ziso ndiwo mwenje womuviri. Kana maziso ako akanaka, muviri wako wose uchava nechiedza. Asi kana maziso ako akaipa muviri wako wose uchange uzere nerima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, richange riri rima rakakura zvakadii! “Hapana angakwanise kushandira vatenzi vaviri. Achavenga mumwe uye agoda mumwe, kana kuti achazvipira kushandira mumwe uye agozvidza mumwe. Haungashandire zvose Mwari neMari.
Mateo 6:1-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Chenjerai, kuti murege kuita kururama kwenyu pamberi pavanhu, kuti muonekwe navo; kana madaro hamuna mubayiro kuna baba venyu vari kudenga. “Zvino kana uchipa varombo zvipo, rega kuridza hwamanda pamberi pako, sezvinoita vanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa kuti vakudzwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vapiwa mubayiro wavo. Asi iwe, kana uchipa zvipo, ruoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva chinoitwa norudyi rwako, kuti kupa kwako kuve pakavanda; ipapo Baba vako vanoona pakavanda vachakupa mubayiro. “Kana muchinyengetera, musava savanyengeri, nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzemigwagwa dzomusha, kuti vaonekwe navanhu. Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, vapiwa mubayiro wavo. “Asi iwe, kana uchinyengetera, pinda mumba mako, kana wazarira mukova wako, unyengetere kunaBaba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda, vachakupa mubayiro. “Pakunyengetera kwenyu, musapamhidza zvisina maturo savahedheni; nokuti ivo vanofunga kuti vachanzwika nokutaura kwavo kuzhinji. Naizvozvo musafanana navo; nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa, musati makumbira kwavari. Zvino imi nyengeterai kudai: ‘Baba vedu muri kudenga, zita renyu ngarikudzwe. Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga. Mutipei nhasi zvokudya zvedu zvinotiringana. Mutiregererei mhosva dzedu sezvatinoregererawo vane mhosva nesu. Musatirege tichiedzwa, asi mutinunurei pane zvakaipa. (Nokuti ushe ndohwenyu, nesimba nokubwinya, nokusingaperi. Ameni)’ Nokuti kana muchiregerera vanhu kutadza kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo Asi kana musingaregerera vanhu kutadza kwavo, Baba venyu havangakuregerereiwo kutadza kwenyu. “Kana muchizvinyima zvokudya, regai kuva nechiso chinopunyaira, savanyengeri; nokuti vanoipisa zviso zvavo, vaonekwe navanhu kuti vanozvinyima zvokudya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Vapiwa mubayiro wavo.’ Asi iwe, kana uchizvinyima zvokudya, zodza musoro wako, ugeze chiso chako; kuti urege kuonekwa navanhu kuti unozvinyima zvokudya, asi kuonekwa naBaba vako vari pakavanda; zvino baba vako vanoona pakavanda, vachakupa mubayiro. “Regai kuzviunganidzira pfuma pasi pano, pane zvipfunho nengura zvinopedza, napane mbava dzinopaza dzichiba. “Asi muzviunganidzire pfuma kudenga, pasina zvipfunho nengura zvinopedza, pasina mbavha dzinopaza dzichiba. “Nokuti pane pfuma yako, nomwoyo wako uchavapowo. Mwenje womuviri iziso; zvino kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa. “Asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wose uchava rima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, rima iro iguru sei! “Hapana munhu angashandire vatenzi vaviri; nokuti achavenga mumwe, akada mumwe; kana achafarira mumwe, akazvidza mumwe. Hamungashandire Mwari nemari.
Mateo 6:1-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ngwarirai kuti murege kuita zvokushamisira pamberi pavanhu kuti vakuonei mukuita kwenyu kwakarurama. Nokuti mukadaro hamuzowana mubayiro unobva kuna Baba venyu vari kudenga. “Nezvo kana mopa zvipo musaridze hwamanda sezvinoita vanyengedzi mumasinagogu; nomumigwagwa kuti varumbidzwe navanhu. Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri, vakatowana mubayiro wavo kare. Asi kana mopa zvipo, ruoko rwenyu rworuboshe ngarurege kuziva zviri kuitwa norudyi kuti kupa kwenyu zvipo kuve kwomuchivande, kuti Baba venyu vanoona muchivande vagokupai mubayiro. “Kana mava kunamata regai kuita savanyengedzi. Vanoda kumira vachinamata mumasinagogu napamharadzano dzenzira vachiitira kuti vaonekwe navanhu. Chokwadi–chokwadi ndinoti kwamuri vakatowana mubayiro wavo kare. Asi kana iwe wava kunamata, pinda mumba mako uzarire gonhi rako unamate kuna Baba vako vari muchivande. Ivo Baba vako vanoona zviri muchivande, vachakupa mubayiro. “Asi imi kana mava kunamata regai kuzavaza sezvinoita vechirudzi nokuti vanofunga kuti vanonzwika nokuda kokuwanda kwamazwi avo. Musafanane navo, nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoda musati mavakumbira. Nezvo namatai sezvizvi muchiti: ‘Baba vedu muri kudenga zita renyu ngariereswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga. Tipeiwo nhasi kudya kwedu kwezuva nezuva. Tiregerereiwo zvitadzo zvedu, sokuregerera kwatinoita vanotitadzira Musatirege tichipinda muchiedzo. Asi tinunureiwo kune zvakaipa.’ Nokuti umambo ndowenyu, nesimba nembiri, narini narini. Ameni. “Kana mukaregerera vanhu zvikanganiso zvavo, Baba venyu vokudenga vanokuregereraiwo zvikanganiso zvenyu. Kana musingaregereri vanhu zvikanganiso zvavo, Baba venyuwo havakuregererei zvikanganiso zvenyu. “Kana motsanya musasuruvarise uso sezvinoita vanyengedzi nokuti vanounyanisa kumeso kuti vaonekwe navanhu kuti vari kutsanya. Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri vatogamuchira mubayiro wavo. “Asi kana imi motsanya, zorai musoro mafuta, mushambe uso hwenyu; kuti kutsanya kwenyu kurege kuonekwa navanhu; asi kuti kuonekwe naBaba venyu vari muchivande. Ivo Baba venyu vanoona muchivande vachakupai mubayiro. “Regai kuzviunganidzira upfumi panyika. Pahunodyiwa nezvipfukuto nengura nehonye, panozopazwa nembavha dzichiba. Asi zviunganidzirei upfumi kudenga, kusina chipfukuto kana ngura inohudya, kusingapazwi nembavha dzichiba, nokuti pano upfumi hwako ndipo pano mwoyo wakowo. “Ziso ndiro mwenje womuviri. Nezvo kana ziso rako rakanaka muviri wako wose uchazara nechiedza. Asi kana ziso rako risina kunaka muviri wako wose uchazara nerima. Zvino kana chiedza chiri mamuri chava rima, rima racho richava rakakura sei! “Hapana munhu angashandire vatenzi vaviri, nokuti anogona kuvenga mumwe achida mumwe, kana kuti anoti kwati kwati nomumwe achizvidza mumwe. Haugoni kuva muranda waMwari nomuranda wemari. “Vimba naMwari kuti anokupa zvinokuraramisa.
Mateo 6:1-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Cenjerai, kuti murege kuita kururama kwenyu pamberi paʋanhu, kuti muʋonekwe naʋo; kana maɗaro hamunamuɓairo kunaƂaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga. Ɀino kana ucipa ʋarombo ɀipo, rega kuridza hwamanda pamberi pako, seɀinoita ʋanyeŋgeri mumasinagoge nomunzira dzomumusha, kuti ʋakudzwe naʋanhu. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, ʋapiwa muɓairo waʋo. Asi iwe, kana ucipa ɀipo, ruʋoko rwako rworuɓoshwe ŋgarurege kuziʋa cinoitwa norudyi rwako, kuti kupa kwako kuʋe pakaʋanda; ipapo Ƃaɓa ʋako ʋanoʋona pakaʋanda ʋacakupa muɓairo. Kana mucinyeŋgetera, musaʋa saʋanyeŋgeri, nokuti ʋanofarira kunyeŋgetera ʋamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira dzomumusha, kuti ʋaʋonekwe naʋanhu. Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Ʋapiwa muɓairo waʋo. Asi iwe, kana ucinyeŋgetera, pinda muimba yako yomukati; kana wazarira mukoʋa wako, unyeŋgetere kunaƂaɓa ʋako ʋari pakaʋanda; ɀino Ƃaɓa ʋako ʋanoʋona pakaʋanda, ʋacakupa muɓairo. Pakunyeŋgetera kwenyu, musapamhidza ɀisinamaturo saʋahedeni; nokuti iʋo ʋanofuŋga kuti ʋacanzwika nokutaura kwaʋo kuzhinji. Naiɀoɀo musafanana naʋo; nokuti Ƃaɓa ʋenyu ʋanoziʋa ɀamunoshaiwa, musati makumbira kwaʋari. Ɀino imi nyeŋgeterai kuɗai: Ƃaɓa ʋeɗu ʋari kuɗeŋga, zita renyu ŋgarikudzwe noʋutȿene. Ʋushe bgenyu ŋgabguʋuye, kuɗa kwenyu ŋgakuitwe panyika seɀakunoitwa kuɗeŋga. Mutipei nhasi ɀokudya ɀeɗu ɀinotiriŋgana. mutikaŋganwirei mhoȿa dzeɗu seɀatinokaŋganwira ʋo ʋanemhoȿa nesu. Regai kutiisa pakuidzwa, asi mutirwirei panowakaipa. [Nokuti ʋushe ndobgenyu, nesimba, nokubginya, nokusiŋgaperi. Ameni.] Nokuti kana mucikaŋganwira ʋanhu kuɗarika kwaʋo, Ƃaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga ʋacakukaŋganwirai ʋo. Asi kana musiŋgakanwiri ʋanhu kuɗarika kwaʋo, Ƃaɓa ʋenyu haʋaŋgakukaŋganwiriyi ʋo kuɗarika kwenyu. Kana muciɀinyima ɀokudya, regai kuʋa neciso cinopunyaira, saʋanyeŋgeri; nokuti ʋanoipisa ɀiso ɀaʋo, ʋaʋonekwe naʋanhu kuti ʋanoɀinyima ɀokudya. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ʋapiwa muɓairo waʋo. Asi iwe, kana uciɀinyima ɀokudya, zodza musoro wako, ushambe ciso cako; kuti urege kuʋonekwa naʋanhu kuti unoɀinyima ɀokudya, asi naƂaɓa ʋako ʋari pakaʋanda; ɀino Ƃaɓa ʋako ʋanoʋona pakaʋanda, ʋacakupa muɓairo. Regai kuɀiʋuŋganidzira fuma panyika, paneɀipfunho neŋgura ɀinopedza, napanembava dzinopaza dziciɓa. Asi muɀiʋuŋganidzire fuma kuɗeŋga, pasineɀipfunho neŋgura ɀinopedza, pasinembava dzinopaza dziciɓa. Nokuti panefuma yako, nomŋoyo wako ucaʋa’po ʋo. Mŋenje womuʋiri iziso; ɀino kana ziso rako rakanaka, muʋiri wako wose ucavenekerwa. Asi kana ziso rako rakaipa, muʋiri wako wose ucaʋa nerima. Ɀino kana ciedza ciri mauri riri rima, rima iro iguru sei! Hapano munhu uŋgaɓatira ʋatenzi ʋaʋiri; nokuti ucaʋeŋga mumŋe, akaɗa mumŋe; kana ucanamatira mumŋe, akaɀidza mumŋe. hamuŋgaɓatiri Mŋari neFuma.
Mateo 6:1-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)