Mateo 5:44-47
Mateo 5:44-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi ini ndinokuudzai kuti, Idai vavengi venyu, mugonyengeterera avo vanokutambudzai, kuitira kuti mugova vana vaBaba venyu vari kudenga. Ivo vanoita kuti zuva ravo ribude pane vakaipa nevakanaka uye vanonayisa mvura yavo pane vakarurama nevasakarurama. Kana mukangoda avo vanokudai, muchawana mubayiro wei? Vateresi havaiti zvimwe chetezvo here? Kana muchingokwazisana nehama dzenyu bedzi, mungakunda vamwe pakudii? Ko, vasingatendi havaiti zvimwe chetezvo here?
Mateo 5:44-47 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Ida vavengi venyu, munyengeterere vanokutambudzai; kuti muve vana vaBaba venyu vari kudenga; nokuti vanobudisira zuva ravo vakanaka nevakaipa vanonisira mvura vakarurama navasakarurama.’ Nokuti kana muchida avo vanokudai, muno mubayiro weiko? Ko vateresi havaiti saizvozvowo here? “Kana muchikwazisa hama dzenyu bedzi, munopfuura vamwe neiko? Ko vahedheni havaiti saizvozvowo here?
Mateo 5:44-47 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Idai vavengi venyu munamatire vanokutambudzai kuti muve vana vaBaba venyu vari kudenga,’ nokuti ivo vanobudisira zuva ravo vakaipa navakanaka; uye vanonaisira mvura yavo vakarurama navasina kururama. Ko kana muchida vanokudai, munowana mubayiro wei, ko vateresi havaiti saizvozvo here? Kana muchingokwazisa hama dzenyu chete, chii chamunokunda vamwe nacho ipapa? Vechirudzi havaiti zvimwechetezvo here?
Mateo 5:44-47 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ini ndinoti kwamuri: Iɗai ʋaʋeŋgi ʋenyu, munyeŋgeterere ʋanokutambudzai; kuti muʋe ʋanakomana ʋaƋaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga; nokuti ʋanoɓuɗisira ʋakaipa naʋakanaka zuʋa raʋo, nemvura ʋanoinisira ʋakarurama naʋasakarurama. Nokuti kana muciɗa ʋanokuɗai, munomuɓairo weiko? Ko ʋateresi haʋaiti saiɀoɀo ʋo here? Kana mucikwazisa hama dzenyu ɓedzi, munopfuʋura ʋamŋe neiko? Ko naʋahedeni haʋaiti saiɀoɀo ʋo here?
Mateo 5:44-47 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)