Mateo 5:17-20
Mateo 5:17-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Musafunga kuti ndakauya kuzoparadza Murayiro kana Vaprofita; handina kuuya kuzozviparadza asi kuzozvizadzisa. Ndinokuudzai chokwadi, kuti kusvikira denga nenyika zvapfuura, hakuna vara duku sei kana chimwe chinhu chiduku sei chichabviswa paMurayiro, kusvikira zvose zvazadziswa. Asi ani naani anotyora mumwe chete wemirayiro miduku iyi uye achizodzidzisawo vamwe kuita zvimwe chetezvo achanzi muduku muumambo hwokudenga. Asi ani naani anochengeta uye anodzidzisa mirayiro iyi, achanzi mukuru muumambo hwokudenga. Nokuti ndinokuudzai zvirokwazvo kuti kana kururama kwenyu kukasapfuura kwavaFarisi nokwavadzidzisi vemirayiro, zvirokwazvo hamungapindi muumambo hwokudenga.
Mateo 5:17-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Musafunga kuti ndakauya kuparadza murayiro kana vaporofita, handina kuuya kuzoparadza, asi kuzadzisa. “Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kusvikira denga napasi zvichipfuura, yota imwe kana tsanga imwe yomurayiro hazvingatongopfuuri, zvisati zvaitika zvose. “Naizvozvo ani naani anotyora mumwe wemirairo miduku iyi, akadzidzisa vanhu kuita saizvozvo, achanzi muduku muushe hwedenga; asi anoiita, akaidzidzisa, achanzi mukuru muushe hwedenga. “Nokuti ndinoti kwamuri, ‘Kana kururama kwenyu kusingapfuuri kwavanyori nokwavaFarisi, hamungatongopindi muushe hwedenga.’
Mateo 5:17-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Regai kumbofunga zvenyu kuti ndakauya kuzoparadza mutemo kana vaporofita. Handina kuuya kuzozviparadza, asi kuzozvizadzisa. Nokuti ndinokutaurirai zvechokwadi chaizvo kuti denga napasi zvingapfuure zvazvo asi hapana kana kabhii kana kaga zvako komutemo kachabviswa mumutemo kusvikira zvose zvaitika. Nezvo ani naani anotyora mumwe wemitemo iyi achidzidzisa vanhu kudaro achanzi mudiki muumambo hwedenga. Asi uyo anoichengeta achiidzidzisa achanzi mukuru muumambo hwedenga. “Nokuti ndinokutaurirai kuti kana ururami hwenyu hukasadarika ururami hwenyanzvi dzomutemo navaFarisei hamumbopinda muumambo hwedenga.
Mateo 5:17-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Musafuŋga kuti ndakaʋuya kuparadza murairo kana ʋaprofita: Handina‐kuʋuya kuparadza, asi kuzadzisa. Nokuti ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, kuȿikira ɗeŋga napasi ɀicipfuʋura, yota imŋe kana tsaŋga imŋe yomurairo haɀiŋgatoŋgopfuʋuri, ɀisati ɀaitika ɀose. Naiɀoɀo aninani unoputsa mumŋe wemirairo miɗuku iyi, akadzidzisa ʋanhu kuita saiɀoɀo, ucanzi muɗuku muʋushe bgokuɗeŋga; asi unoiita, akaidzidzisa, ucanzi mukuru muʋushe bgokuɗeŋga. Nokuti ndinoti kwamuri: Kana kururama kwenyu kusiŋgapfuʋuri kwaʋanyori nokwaʋaFarise, hamuŋgatoŋgopindi muʋushe bgokuɗeŋga.
Mateo 5:17-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)