Mateo 5:11-16
Mateo 5:11-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu. Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti nenzira imwe cheteyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai. “Imi muri munyu wenyika. Asi kana munyu usisavavi ungavaviswe nei? Hauchabatsiri chinhu, kunze kwokuti uraswe ugotsikwa zvawo navanhu. “Imi muri chiedza chenyika. Guta riri pamusoro pegomo haringavanziki. Uye vanhu havangatungidzi mwenje vagouisa pasi pedengu. Asi kutoti vanouisa pachigadziko kuti uvhenekere vose vari mumba. Nenzira imwe cheteyo, chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga.
Mateo 5:11-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Makaropafadzwa imi, kana vachikuzvidzai, vachikutambudzai, vachikupomerai zvakaipa zvose nenhema, nokuda kwangu. Farai, mufarise kwazvo; nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga; nokuti vakatambudza saizvozvo vaporofita vakakutangirai. “Imi muri munyu wenyika; asi kana munyu washapa, ucharungwa neiko? Hauchabatsiri chinhu, asi kurasirwa kunze, utsikwe navanhu. “Imi muri chiedza chenyika. Guta rakavakwa pagomo haringavanziki. Nomwenje havangautungidzi, vakauisa pasi pedengu, asi pachigadziko, uvhenekere vose vari mumba. Naizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze baba venyu vari kudenga.
Mateo 5:11-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Makakomborerwa zvenyu imi kana vanhu vachikushorai nokukutambudzai vachikupomerai zvakaipa zvose zvenhema pamusana pangu. Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Nokuti ndiko kutambudza kwavakaita vaporofita vakakutangirai. “Imi muri munyu wapasi. Zvino kana munyu usisavavi unozovaviswa nei? Unenge usisina basa unofanira kutongoraswa zvawo uchitsikwa zvawo navanhu. “Imi muri chiedza chapasi. Guta rakavakirwa pagomo harivanziki. Vanhu havatungidzi mwenje vachiukwidibira nedengu asi kuti vanotouisa pachigadzikiro chomwenje uchivhenekera vose vari mumbamo. Saizvozvowo, chiedza chenyu ngachivhenekere vanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka varumbidze Baba venyu vari kudenga.
Mateo 5:11-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Makaropafadzwa imi, kana ʋacikuɀidzai, ʋacikutambudzai, ʋacikupomerai ɀakaipa ɀose nenhema, nokuɗa kwaŋgu. Farai, mufarise kwaɀo; nokuti muɓairo wenyu mukuru kuɗeŋga; nokuti ʋakatambudza saiɀoɀo ʋaprofita ʋakakutaŋgirai. Imi muri munyu wenyika; asi kana munyu waɗuruŋgunda, ucaruŋgwa neiko? Haucaɓatsiri cinhu, asi kurashirwa kunze, utsikwe naʋanhu. Imi muri ciedza cenyika. Guta rakaʋakwa pagomo hariŋgaʋanziki. Nomŋenje haʋaŋgautuŋgidzi, ʋakauisa pasi peɗeŋgu, asi pacigadziko, uvenekere ʋose ʋari mumba. Saiɀoɀo ciedza cenyu ŋgacivenekere pamberi paʋanhu, kuti ʋaʋone maɓasa enyu akanaka, ʋakudze Ƃaba ʋenyu ʋari kuɗeŋga.
Mateo 5:11-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)