Mateo 4:18-22
Mateo 4:18-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu paakanga achifamba pedyo negungwa reGarirea, akaona varume vaviri, Simoni ainzi Petro nomununʼuna wake Andirea. Vakanga vachikanda mambure avo mugungwa nokuti vaiva vabati vehove. Jesu akati kwavari, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.” Pakarepo vakabva vasiya mambure avo, vakamutevera. Achibva ipapo, akaonazve vamwe varume vaviri vaiva mukoma nomununʼuna, Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani. Vakanga vari mugwa nababa vavo Zebhedhi vachigadzira mambure avo. Jesu akavadana, uye pakarepo vakasiya igwa nababa vavo vakamutevera.
Mateo 4:18-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati achifamba pagungwa reGariria, akaona varume vaviri, vana vomunhu mumwe, Simoni anonzi Petirosi, naAndireya munun'una wake, vachikandira usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove. Akati kwavari, “Nditeverei, ndigokuitai vabati vavanhu.” Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo, vakamutevera. Zvino akati apfuura mberi, akaona vamwe varume vaviri muigwa, vana vomunhu mumwe, Jakobho mwanakomana waZebhedhi, naJohani munun'una wake, vaina Zebhedhia, baba vavo, vachigadzira usvasvi hwavo, akavadana. Pakarepo vakasiya igwa nababa vavo, vakamutevera.
Mateo 4:18-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino Jesu akati achifamba pamahombekombe egungwa reGarirea, akaona mukoma nomunun'una, vana Simoni anonzi Pita naAndireya munun'una wake vachikanda usvasvi hwavo mugungwa nokuti vakanga vari vabvuvi vehove. Akati kwavari, “Nditeverei. Ini ndichakuitai vabvuvi vavanhu.” Pakarepo vakabva vasiya usvasvi hwavo vakamutevera. Akaenda mberi akaona vamwe, mukoma nomunun'una, Jemusi mwanakomana waZebhedhi naJohani munun'una wake vari mugwa navaZebhedhi, baba vavo vachigadzira usvasvi hwavo. Akavadaidza. Pakarepo vakabva vasiya igwa nababa vavo vakamutevera.
Mateo 4:18-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakati acifamba paguŋgwa reGarirea, akaʋona ʋarume ʋaʋiri, ʋana ʋomunhu mumŋe, Simoni unonzi Petro, naAndrea munuŋuna wake, ʋacikandira ʋutaʋa muguŋgwa, nokuti ʋakaŋga ʋari ʋaɓati ʋehoʋe. Akati kwaʋari: Nditeʋerei, ndigokuitai ʋaɓati ʋaʋanhu. Pakarepo ʋakasiya ʋutaʋa bgaʋo, ʋakamuteʋera. Ɀino wakati apfuʋura mberi, akaʋona ʋamŋe ʋarume ʋaʋiri mugwa, ʋana ʋomunhu mumŋe, Jakobo mŋanakomana waZebedi, naJohane munuŋuna wake, ʋanaZebedi, ɓaɓa ʋaʋo, ʋacigadzira ʋutaʋa bgaʋo; akaʋaɗana. Pakarepo ʋakasiya igwa naɓaɓa ʋaʋo, ʋakamuteʋera.
Mateo 4:18-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)