Mateo 4:1-25
Mateo 4:1-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jesu akatungamirirwa naMweya Mutsvene kurenje kuti andoedzwa nadhiabhori. Mushure mokunge atsanya kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana, akanzwa nzara. Muedzi akauya kwaari akasvikoti, “Kana uri Mwanakomana waMwari, rayira mabwe aya kuti ave chingwa.” Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararame nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari.’ ” Ipapo dhiabhori akamutora akaenda naye muguta dzvene uye akandomuita kuti amire pachiruvi chetemberi, akati, “Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Acharayira vatumwa vake pamusoro pako uye vachakusimudza namaoko avo kuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe.” Jesu akamupindura akati, “Kwakanyorwawo kuchinzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ ” Dhiabhori akamutorazve akaenda naye pamusoro pegomo refu kwazvo uye akamuratidza ushe hwose hwenyika nokubwinya kwahwo, akati, “Zvose izvi ndichakupa kana ukandikotamira uye ukandinamata.” Jesu akati kwaari, “Ibva pandiri Satani! Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako uye umushumire iye oga.’ ” Ipapo dhiabhori akamusiya, uye vatumwa vakauya vakamushandira. Jesu akati anzwa kuti Johani akanga aiswa mutorongo, akadzokera kuGarirea. Achibva kuNazareta, akaenda akandogara kuKapenaume, guta raiva pamahombekombe egungwa mudunhu reZebhuruni neNafutari, kuti azadzise zvakarehwa nomuprofita Isaya achiti: “Nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, nzira inoenda kugungwa, ichitevedza Jorodhani, Garirea reveDzimwe Ndudzi, vanhu vaigara murima vakaona chiedza chikuru; kune avo vaigara munyika yomumvuri worufu, chiedza chavhenekera.” Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, Jesu akatanga kuparidza achiti, “Tendeukai nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.” Jesu paakanga achifamba pedyo negungwa reGarirea, akaona varume vaviri, Simoni ainzi Petro nomununʼuna wake Andirea. Vakanga vachikanda mambure avo mugungwa nokuti vaiva vabati vehove. Jesu akati kwavari, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.” Pakarepo vakabva vasiya mambure avo, vakamutevera. Achibva ipapo, akaonazve vamwe varume vaviri vaiva mukoma nomununʼuna, Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani. Vakanga vari mugwa nababa vavo Zebhedhi vachigadzira mambure avo. Jesu akavadana, uye pakarepo vakasiya igwa nababa vavo vakamutevera. Jesu akapota neGarirea rose achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa hosha dzose nourwere hwose pakati pavanhu. Mukurumbira wake wakapararira muSiria yose, uye vanhu vakauya kwaari navose vairwara nezvirwere zvakasiyana-siyana, avo vaitambudzwa namarwadzo akanyanya, vakanga vakabatwa namadhimoni, vaiva nezvipusha, nevakanga vakafa mitezo, uye akavaporesa. Vanhu vazhinji kwazvo vaibva kuGarirea, Dhekapori, Jerusarema, Judhea nedunhu riri mhiri kweJorodhani vakamutevera.
Mateo 4:1-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jesu akatungamirirwa naMweya kurenje, kuzoedzwa naDhiabhori. Akati azvinyima zvokudya mazuva ana makumi mana, nousiku hunamakumi mana, akabva oziya. Zvino muedzi akauya akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, taura kuti mabwe awa zvive zvingwa.” Asi akapindura, akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararami nechingwa bedzi, asi namashoko ose anobuda mumuromo waMwari.’ ” Zvino Dhiabhori akaenda naye kuguta dzvene, akamumisa pachiruvi chetemberi, akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, uzviwisire pasi; nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Iye acharaira vatumwa vake pamusoro pako, Pamaoko avo vachakusimudza, Kuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe.’ ” Jesu akati kwaari, “Kwakanyorwawo, ‘Usaedza Ishe, Mwari wako.’ ” Dhiabhori akamuisazve pagomo refu-refu, akamuratidza ushe hwose hwenyika, nokubwinya kwahwo; akati kwaari, “Izvi zvose ndichakupa, kana ukawira pasi ukandipfugamira.” Ipapo Jesu akati kwaari, “Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Pfugamira Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga.’ ” Zvino Dhiabhori akamusiya, vatumwa vakauya vakamushandira. Jesu akati anzwa kuti Johani asungwa, akaenda Gariria. Zvino, akabva Nazareta, akandogara Kapenaume pagungwa, munyika yeZabhuroni neNafitari; kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya, achiti, “Nyika yeZabhuroni, nenyika yeNafitari, Panzira yegungwa, mhiri kwaJorodhani, Gariria ravahedheni; Vanhu vakanga vagere murima Vakaona chiedza chikuru; Navakanga vagere panyika yorufu nomumumvuri worufu, Chiedza chakavabudira.” Kubva panguva iyeyo Jesu akatanga kuparidza, achiti, “Tendeukai, nokuti ushe hwokudenga hwaswedera pedyo.” Akati achifamba pagungwa reGariria, akaona varume vaviri, vana vomunhu mumwe, Simoni anonzi Petirosi, naAndireya munun'una wake, vachikandira usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove. Akati kwavari, “Nditeverei, ndigokuitai vabati vavanhu.” Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo, vakamutevera. Zvino akati apfuura mberi, akaona vamwe varume vaviri muigwa, vana vomunhu mumwe, Jakobho mwanakomana waZebhedhi, naJohani munun'una wake, vaina Zebhedhia, baba vavo, vachigadzira usvasvi hwavo, akavadana. Pakarepo vakasiya igwa nababa vavo, vakamutevera. Jesu akapota neGariria rose, akadzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza Vhangeri youshe, achiporesa hosha dzose namarwere ose avanhu. Mukurumbira wake wakanzwika kunyika yose yeSiria; vakauya kwaari navairwara vose, navakabatwa nehosha dzamarudzi mazhinji namarwadzo, navakanga vane mweya yakaipa, navakanga vane zvipusha, navakanga vakafa mitezo, akavaporesa. Vanhu vazhinji-zhinji vaibva Gariria, neDhekapori, neJerusaremu, neJudhea, nemhiri kwaJorodhani vakamutevera.
Mateo 4:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo Jesu akatungamirirwa naMweya kuenda murenje kundoedzwa naSatani. Akatsanya siku nesikati kwamazuva makumi mana. Mushure mezvo akabva oziya. Muedzi akauya akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari iti matombo aya ave chingwa.” Asi iye akapindura achiti, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Munhu haararami nechingwa choga asi neizwi rose rinobuda mumuromo maMwari.’ ” Dhiabhori akamutora akaenda naye kuguta dzvene pamusorosoro chaipo peTemberi akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari zviwisire pasi nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Achaudza vatumwa vake kuti vakuchengete, vachakugama mumaoko avo kuti urege kugumburwa rutsoka rwako nebwe.’ ” Jesu akati kwaari, “Zvakanyorwazve kuti, ‘Usaedze Tenzi Mwari wako.’ ” Dhiabhori akamutorazve akaenda naye kugomo refu–refu akamuratidza umambo noumambo hwapasi pose nembiri yaho. Satani akati kwaari, “Zvose izvi ndinokupa kana ukati pasi gwadagwa uchindinamata.” Jesu akati kwaari, “Ibvapo! Satani nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Unofanira kugwadamira uchinamata Tenzi Mwari wako. Iye oga ndiye waunofanira kushandira.’ ” Dhiabhori akabva akamusiya. Vatumwa vakabva vauya kuzomushandira. Jesu paakanzwa kuti Johani akanga asungwa, akaenda kuGarirea. Akabva kuNazareti akandogara kuKapanaumu padyo negungwa, mudunhu rokwaZabhuroni nerokwaNafutari kuti zviya zvakanga zvataurwa nomuporofita Isaya zvizadzikiswe zvokuti, “Iwe nyika yeZabhuroni newe nenyika yeNafutari iri pedyo negungwa mhiri kwaJorodhani, Garirea yevechirudzi, vanhu vakanga vagere murima vakaona chiedza chikuru navavo vakanga vagere munyika nomumumvuri worufu chiedza chakavabudira.” Kubvira nguva iyoyo Jesu akatangisa kuparidza achiti pindukai nokuti umambo hokudenga hwaswedera. Zvino Jesu akati achifamba pamahombekombe egungwa reGarirea, akaona mukoma nomunun'una, vana Simoni anonzi Pita naAndireya munun'una wake vachikanda usvasvi hwavo mugungwa nokuti vakanga vari vabvuvi vehove. Akati kwavari, “Nditeverei. Ini ndichakuitai vabvuvi vavanhu.” Pakarepo vakabva vasiya usvasvi hwavo vakamutevera. Akaenda mberi akaona vamwe, mukoma nomunun'una, Jemusi mwanakomana waZebhedhi naJohani munun'una wake vari mugwa navaZebhedhi, baba vavo vachigadzira usvasvi hwavo. Akavadaidza. Pakarepo vakabva vasiya igwa nababa vavo vakamutevera. Jesu akafamba neGarirea yose achidzidzisa mumasinagogu avo achiparidza Shoko Rakanaka roumambo uye achirapa zvirwere zvose noundonda hwose pakati pavanhu. Mukurumbira wake wakapararira neSiria yose. Vakaunza kwaari varwere vose vakanga vachirwara nezvirwere zvakasiyana–siyana namamwewo marwadzo navakanga vakagarwa nemweya yakaipa, navaiva netsviyo navakanga vane mitezo yomuviri yavo yakafa akavarapa. Gurusvusvu ravanhu rakamutevera richibva kuGarirea nokuDhekaporisi nokuJerusaremu nokuJudhea uye nokumhiri kwaJorodhani.
Mateo 4:1-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jesu wakatuŋgamirirwa noMŋeya kurenje, kuzoidzwa naDiaborosi. Wakati aɀinyima ɀokudya mazuʋa anamakumi manna, noʋusiku bgunamakumi manna, akabva oziya. Ɀino muidzi akaʋuya kwaari, akati kwaari: Kana uri Mŋanakomana waMŋari, taura kuti mabge awa ɀiʋe ɀiŋgwa. Asi wakapindura, akati: Kwakanyorwa kucinzi: Munhu haaŋgararami neciŋgwa ɓedzi, asi namashoko ose anoɓuɗa mumuromo waMŋari. Ɀino Diaborosi akamuisa muguta dɀene, akamumisa paciruʋu cetembere, akati kwaari: Kana uri Mŋanakomana waMŋari, uɀiwisire pasi; nokuti kwakanyorwa kucinzi: Iye ucaraira ʋatumŋa ʋake pamsoro pako, Pamaʋoko avo ʋacakusimudza, Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabge. Jesu akati kwaari: Kwakanyorwa ʋo: Usaidza Ishe, Mŋari wako. Diaborosi akamuisa ɀe pagomo refu‐refu, akamuratidza ʋushe bgose bgenyika, nokubginya kwabgo; akati kwaari: Iɀi ɀose ndicakupa, kana ukawira pasi ukandinamata. Ipapo Jesu akati kwaari: Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kucinzi: Namata Ishe, Mŋari wako, umushumire iye oga. Ɀino Diaborosi akamurega, ʋatumŋa ʋakaʋuya ʋakamushumira. Jesu wakati anzwa kuti Johane wasuŋgwa, akaenda Garirea. Ɀino, wakabva Nazareta, akandogara Kapernaume paguŋgwa, munyika yeZaburoni neNeftarimi; kuti ɀiitike ɀakarebga nomuprofita Isaya, aciti: Nyika yeZaburoni, nenyika yeNeftarimi, Panzira yeguŋgwa, mhiri kwaJoridani, Garirea raʋahedeni; Ʋanhu ʋakaŋga ʋagere murima Ʋakaʋona ciedza cikuru; Naʋakaŋga ʋagere panyika yorufu nomumumvuri worufu, Ciedza cakaʋaɓuɗira. Kubva paŋguʋa iyeyo Jesu wakataŋga kuparidza, aciti: Tendeʋukai, nokuti ʋushe bgokuɗeŋga bgasweɗera pedyo. Wakati acifamba paguŋgwa reGarirea, akaʋona ʋarume ʋaʋiri, ʋana ʋomunhu mumŋe, Simoni unonzi Petro, naAndrea munuŋuna wake, ʋacikandira ʋutaʋa muguŋgwa, nokuti ʋakaŋga ʋari ʋaɓati ʋehoʋe. Akati kwaʋari: Nditeʋerei, ndigokuitai ʋaɓati ʋaʋanhu. Pakarepo ʋakasiya ʋutaʋa bgaʋo, ʋakamuteʋera. Ɀino wakati apfuʋura mberi, akaʋona ʋamŋe ʋarume ʋaʋiri mugwa, ʋana ʋomunhu mumŋe, Jakobo mŋanakomana waZebedi, naJohane munuŋuna wake, ʋanaZebedi, ɓaɓa ʋaʋo, ʋacigadzira ʋutaʋa bgaʋo; akaʋaɗana. Pakarepo ʋakasiya igwa naɓaɓa ʋaʋo, ʋakamuteʋera. Jesu akapota neGarirea rose, akadzidzisa mumasinagoge aʋo, aciparidza Evaŋgeri yoʋushe, aciporesa hosha dzose namarwere ose aʋanhu. Mukurumbira wake ukanzwika kunyika yose yeSiria; ʋakaʋuya kwaari naʋairwara ʋose, naʋakaɓatwa nehosha dzamarudzi mazhinji namarwadzi, naʋakaŋga ʋanemŋeya yakaipa, naʋaneɀipusha, naʋakaŋga ʋakafa mitezo, akaʋaporesa. Ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋaibva Garirea, neDekapori, neJerusarema, neJudea, nemhiri kwaJo ridani ʋakamuteʋera.
Mateo 4:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)