Mateo 28:5-10
Mateo 28:5-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mutumwa akati kuvakadzi vaya, “Musatya nokuti ndinoziva kuti muri kutsvaka Jesu uyo akarovererwa pamuchinjikwa. Haapo pano; amuka sokutaura kwaakaita. Uyai muone panzvimbo paakanga avete. Zvino kurumidzai muende kundoudza vadzidzi vake kuti, ‘Amuka kubva kuvakafa uye kuti afanotungamira kuGarirea. Muchanomuona ikoko.’ Zvino ndakuudzai.” Saka vakadzi ava vakakurumidza kubva paguva vachitya asi vakazadzwa nomufaro, uye vakamhanya kundoudza vadzidzi vake. Pakarepo Jesu akasangana navo, akati, “Kwaziwai.” Vakauya kwaari vakabata tsoka dzake uye vakamunamata. Ipapo Jesu akati kwavari, “Musatya. Endai mundoudza hama dzangu kuti vaende kuGarirea; ikoko ndiko kwavachanondiona.”
Mateo 28:5-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mutumwa akapindura, akati kuvakadzi, “Musatya imi, nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu, akanga akaroverwa pamuchinjikwa. Haapo pano, nokuti akamuka, sezvaakareva. Uyai, muone paakanga akaradzikwa. “Kurumidzai muende mundoudza vadzidzi vake, ‘Kuti akamuka kuvakafa;’ tarirai anokutungamirirai Gariria, muchandomuonapo. Tarirai, ndakuudzai.” Zvino vakakurumidza kubva pabwiro, vachitya nokufara zvikuru, vakamhanyira kundoudza vadzidzi vake. Zvino tarira, Jesu akasangana navo, akati, “Kwaziwai!” Vakauya, vakabata tsoka dzake, vakamupfugamira. Zvino Jesu akati kwavari, “Musatya, endai mundoudza hama dzangu, kuti vaende Gariria, vagondionako.”
Mateo 28:5-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi mutumwa akati kumadzimai, “Imi musatye henyu nokuti ndinoziva kuti murikutsvaka Jesu akaroverwa pamuchinjikwa. Haapo pano nokuti amuka sezvaakareva. Uyai muone paanga arere. Zvino chiendai nokukurumidza mundoudza vadzidzi vake kuti amuka muvafi. Arikufanokutungamirirai kuGarirea. Muchamuona ikoko. Hezvoka ndakutaurirai.” Nokudaro vakabva paguva nokukurumidza zvabatana nokutya nokufara kukuru. Vakamhanya kundoudza vadzidzi vake. Jesu akabva asangana navo akati, “Kwaziwai” ivo vakauya kwaari vakabata tsoka dzake vachimugwadamira. Jesu akati kwavari, “Musatye. Chiendai mundotaurira hama dzangu kuti dziende kuGarirea. Ndiko kwavachandiona ikoko.”
Mateo 28:5-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mutumŋa akapindura, akati kuʋakadzi: Musatya imi, nokuti ndinoziʋa kuti munotȿaka Jesu, wakaŋga akaroʋerwa pamucinjikwa. Haa’po pano, nokuti wakamuka, seɀaakareʋa. Ʋuyai, muʋone pakaŋga paʋete Ishe. Kurumidzai muende mundoʋudza ʋadzidzi ʋake, kuti wakamuka kuʋakafa; tarirai unokutuŋgamirirai Garirea, mucandomuʋona’po. Tarirai, ndakuʋudzai. Ɀino ʋakakurumidza kubva pabgiro, ʋacitya nokufara ɀikuru, ʋakamhanyira kundoʋudza ʋadzidzi ʋake. Ɀino tarira, Jesu wakasoŋgana naʋo, akati: Kwaziwai! Ʋakaʋuya, ʋakaɓata tsoka dzake, ʋakamunamata. Ɀino Jesu akati kwaʋari: Musatya, endai mundoʋudza hama dzaŋgu, kuti ʋaende Garirea, ʋagondiʋona’ko.
Mateo 28:5-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)