Mateo 28:1-8
Mateo 28:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mushure meSabata, ava mambakwedza nomusi wokutanga wevhiki, Maria Magadharena nomumwe Maria vakaenda kundoona guva. Pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru nokuti mutumwa waShe akabva kudenga akaenda paguva akasvikokungurutsa ibwe riya akagara pamusoro paro. Kuonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni uye nguo dzake dzakanga dzakachena sechando. Varindi vakamutya kwazvo zvokuti vakadedera vakaita savanhu vafa. Mutumwa akati kuvakadzi vaya, “Musatya nokuti ndinoziva kuti muri kutsvaka Jesu uyo akarovererwa pamuchinjikwa. Haapo pano; amuka sokutaura kwaakaita. Uyai muone panzvimbo paakanga avete. Zvino kurumidzai muende kundoudza vadzidzi vake kuti, ‘Amuka kubva kuvakafa uye kuti afanotungamira kuGarirea. Muchanomuona ikoko.’ Zvino ndakuudzai.” Saka vakadzi ava vakakurumidza kubva paguva vachitya asi vakazadzwa nomufaro, uye vakamhanya kundoudza vadzidzi vake.
Mateo 28:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokupera kweSabata, kwoedza, nomusi wokutanga wevhiki, Maria Magadharene, nomumwe Maria, vakauya kuzoona bwiro. Zvino kukavapo kudengenyeka kukuru kwenyika, nokuti mutumwa waIshe akaburuka kudenga, akauya, akakungurusa ibwe, ndokugara pamusoro paro. Kuonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni, nezvokufuka zvake zvaiva zvichena sechando. Zvino vanyakugaririra vakadedera vachimutya, vakaita savakafa. Zvino mutumwa akapindura, akati kuvakadzi, “Musatya imi, nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu, akanga akaroverwa pamuchinjikwa. Haapo pano, nokuti akamuka, sezvaakareva. Uyai, muone paakanga akaradzikwa. “Kurumidzai muende mundoudza vadzidzi vake, ‘Kuti akamuka kuvakafa;’ tarirai anokutungamirirai Gariria, muchandomuonapo. Tarirai, ndakuudzai.” Zvino vakakurumidza kubva pabwiro, vachitya nokufara zvikuru, vakamhanyira kundoudza vadzidzi vake.
Mateo 28:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino kuzoti Sabata rapfuura, mambakwedza ezuva rokutanga revhiki, Maria Magadharena nomumwe Maria uya vakaenda kuguva. Heko kundengendeka kukuru kwenyika kwakaitika nokuti mutumwa waMwari akaburuka kubva kudenga. Akauya akakungurutsa dombo riya ndokugara pamusoro paro. Aitarisika semheni, hanzu dzake dzakachena kuti mbuu samazaya echando. Mapurisa aya akadedera nokumutya vakati papata sokunge vafa. Asi mutumwa akati kumadzimai, “Imi musatye henyu nokuti ndinoziva kuti murikutsvaka Jesu akaroverwa pamuchinjikwa. Haapo pano nokuti amuka sezvaakareva. Uyai muone paanga arere. Zvino chiendai nokukurumidza mundoudza vadzidzi vake kuti amuka muvafi. Arikufanokutungamirirai kuGarirea. Muchamuona ikoko. Hezvoka ndakutaurirai.” Nokudaro vakabva paguva nokukurumidza zvabatana nokutya nokufara kukuru. Vakamhanya kundoudza vadzidzi vake.
Mateo 28:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokupera kwesaɓata, kwoedza, nomusi wokutaŋga weviki, Maria Magdarene, nomumŋe Maria, ʋakaʋuya kuzoʋona bgiro. Ɀino kukaʋa’po kuɗeŋgenyeka kukuru kwenyika, nokuti mutumŋa waShe wakaɓuruka kuɗeŋga, akaʋuya, akakuŋgurusa ibge, ndokugara pamsoro paro. Kuʋonekwa kwake kwakaŋga kwakaita semheni, neɀokufuka ɀake ɀaiʋa ɀicena secando. Ɀino ʋarindi ʋakaɗeɗera ʋacimutya, ʋakaita saʋakafa. Ɀino mutumŋa akapindura, akati kuʋakadzi: Musatya imi, nokuti ndinoziʋa kuti munotȿaka Jesu, wakaŋga akaroʋerwa pamucinjikwa. Haa’po pano, nokuti wakamuka, seɀaakareʋa. Ʋuyai, muʋone pakaŋga paʋete Ishe. Kurumidzai muende mundoʋudza ʋadzidzi ʋake, kuti wakamuka kuʋakafa; tarirai unokutuŋgamirirai Garirea, mucandomuʋona’po. Tarirai, ndakuʋudzai. Ɀino ʋakakurumidza kubva pabgiro, ʋacitya nokufara ɀikuru, ʋakamhanyira kundoʋudza ʋadzidzi ʋake.
Mateo 28:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)