Mateo 25:41-43
Mateo 25:41-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ipapo achati kune avo vari kuruboshwe rwake, ‘Ibvai kwandiri imi makatukwa mupinde mumoto usingadzimi wakagadzirirwa dhiabhori navatumwa vake. Nokuti ndakanga ndine nzara mukasandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukasandipa chokunwa, ndakanga ndiri mweni mukasandipinza mumba, ndakanga ndisina zvokupfeka mukasandipfekedza, ndakanga ndichirwara uye ndiri mutorongo mukasandishanyira.’

Mateo 25:41-43 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino achati kuna vari kuruboshwe, ‘Ibvai kwandiri, imi manyombwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa Dhiabhori navatumwa vake. Nokuti ndakanga ndine nzara, mukasandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, mukasandipa chokunwa; ndakanga ndiri mweni, mukasandigamuchira; ndisina nguo, mukasandipfekedza; ndichirwara, nomujeri, mukasandifambira.’
Mateo 25:41-43 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ipapo achati kuna vari kuruboshwe rwake, ‘Ibvai kwandiri imi makarengererwa rushambwa mupinde mumoto usingaperi wakagadzirirwa Dhiabhori navatumwa vake, nokuti ndakanga ndiine nzara mukasandipa chokudya. Ndakanga ndiine nyota mukasandipa chokunwa. Ndaiva mweni mukasandigamuchira. Ndakanga ndisina chokupfeka mukasandipa chokupfeka. Ndairwara uye ndaiva mujeri asi hamuna kundishanyira.’
Mateo 25:41-43 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ucati kunaʋari kuruɓoshwe: Ibvai kwandiri, imi makatukwa, muende kumŋoto usiŋgaperi, wakagadzirirwa Diaborosi naʋatumŋa ʋake. Nokuti ndakaŋga ndinenzara, mukasandipa cokudya; ndakaŋga ndinenyota, mukasandipa cokunwa; ndakaŋga ndiri mŋeni, mukasandigamucira; ndisineŋguʋo, mukasandipfekedza; ndicirwara, nomutoroŋgo, mukasandifambira.
Mateo 25:41-43 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)