Mateo 25:26-29
Mateo 25:26-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Tenzi wake akapindura akati, ‘Iwe muranda akaipa, ano usimbe! Saka wakanga uchiziva zvako kuti ndinokohwa pandisina kudyara nokuunganidza pandisina kukusha mbeu? Zvino ungadai wakachengetesa mari yangu kune vamabhangi kuitira kuti pakudzoka kwangu ndaizoiwana yabereka. “ ‘Mutorerei tarenda iri mupe kune uyo ane matarenda gumi. Nokuti wose anazvo achapiwa zvimwe, agova nezvakawanda kwazvo. Ani naani asina, kunyange nezvaanazvo achazvitorerwa.
Mateo 25:26-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ishe wake akapindura, akati kwaari, ‘Iwe, muranda akaipa, unousimbe, wakanga uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudyara, ndichiunganidza pandisina kukusha; saka waifanira kuisa mari yangu kune vane bhangi, kuti pakusvika kwangu ndingadai ndapiwa zvangu zvawanda. Naizvozvo mutorerei tarenda rake, mupe ana matarenda ane gumi. Nokuti mumwe nomumwe unazvo, achapiwa, ave nezvizhinji; asi asina, achatorerwa nezvaanazvo.
Mateo 25:26-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi wake akamupindura achiti, ‘Iwe uri muranda wakaipa, nyope yomunhu. Heya waitozviziva zvako kuti ndinokohwa pandisina kurima, ndichiunganidza pandisina kukusha? Saka waifaniraka iwe kunge wakaisa mari yangu muBhangi. Pandainge ndauya ndaizowana mari yangu nemari yayainge yabereka. Saka mutorerei mari iyoyo yetarenda muipe kune ane gumi remari yamatarenda. Nokuti uyo anazvo anotopamhidzirwa zvimwe achitova nezvakatowanda–wanda asi uyo asina, kunyange chaanenge anacho achatorerwa.
Mateo 25:26-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ishe wake akapindura, akati kwaari: Iwe, muranda wakaipa, unoʋusimbe, wakaŋga uciziʋa kuti ndinoceka pandisina‐kudɀara, ndiciʋuŋganidza pandisina‐kukusha; saka waifanira kuisa mari yaŋgu kunaʋebaŋga, kuti pakuȿika kwaŋgu ndiŋgaɗai ndapiwa ɀaŋgu ɀawanda. Naiɀoɀo mutorerei tarenta rake, mupe unamatarenta anegumi. Nokuti mumŋe nomumŋe unaɀo, ucapiwa, aʋe neɀizhinji; asi usina, ucatorerwa neɀaanaɀo.
Mateo 25:26-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)