Mateo 25:25-26
Mateo 25:25-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokudaro ndakatya ndikandocherera tarenda renyu muvhu. Tarirai, pfuma yenyu iyi.’ “Tenzi wake akapindura akati, ‘Iwe muranda akaipa, ano usimbe! Saka wakanga uchiziva zvako kuti ndinokohwa pandisina kudyara nokuunganidza pandisina kukusha mbeu?
Mateo 25:25-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
zvino ndakatya, ndikandoviga tarenda renyu pasi; hecho, chinhu chenyu!’ Ishe wake akapindura, akati kwaari, ‘Iwe, muranda akaipa, unousimbe, wakanga uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudyara, ndichiunganidza pandisina kukusha
Mateo 25:25-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakatya, naizvozvo ndakaenda ndikandoviga mari yenyu pasi. Hei mari yenyu.’ Tenzi wake akamupindura achiti, ‘Iwe uri muranda wakaipa, nyope yomunhu. Heya waitozviziva zvako kuti ndinokohwa pandisina kurima, ndichiunganidza pandisina kukusha?
Mateo 25:25-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ɀino ndakatya, ndikandoʋiga tarenta renyu pasi; heco, cinhu cenyu! Ishe wake akapindura, akati kwaari: Iwe, muranda wakaipa, unoʋusimbe, wakaŋga uciziʋa kuti ndinoceka pandisina‐kudɀara, ndiciʋuŋganidza pandisina‐kukusha
Mateo 25:25-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)