Mateo 25:20-40
Mateo 25:20-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akanga apiwa matarenda mashanu, akati, ‘Ishe, makandipa matarenda mashanu, tarirai, ndawana mamwe matarenda mashanu.’ Ishe wake akati kwaari, ‘Zvakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka; wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji; pinda mumufaro washe wako.’ Akanga apiwa matarenda maviri akauyawo, akati, ‘Ishe, makandipa matarenda maviri; tarirai, ndawana mamwe matarenda maviri.’ Ishe wake akati kwaari, ‘Zvakanaka, muranda akanaka, akatendeka; wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji; pinda mumufaro washe wako.’ “Akanga apiwa tarenda rimwe, naiye akauyawo, akati, ‘Ishe, ndakanga ndichikuzivai imi, kuti muri munhu anehasha, munokohwa pamusati makadyara, munounganidza pamusati makakusha; zvino ndakatya, ndikandoviga tarenda renyu pasi; hecho, chinhu chenyu!’ Ishe wake akapindura, akati kwaari, ‘Iwe, muranda akaipa, unousimbe, wakanga uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudyara, ndichiunganidza pandisina kukusha; saka waifanira kuisa mari yangu kune vane bhangi, kuti pakusvika kwangu ndingadai ndapiwa zvangu zvawanda. Naizvozvo mutorerei tarenda rake, mupe ana matarenda ane gumi. Nokuti mumwe nomumwe unazvo, achapiwa, ave nezvizhinji; asi asina, achatorerwa nezvaanazvo. Budisirai muranda pasina, murima nokunze; ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.’ “Zvino kana Mwanakomana womunhu achiuya nokubwinya kwake, navatumwa vose vanaye, achagara pachigaro chake choushe chinobwinya; namarudzi ose achaunganidzwa pamberi pake; achavaraura somufudzi anoraura makwai nembudzi. Achaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruboshwe. “Zvino Ishe achati kuna vari kurudyi, ‘Uyai imi, makaropafadzwa naBaba, mugare nhaka youshe hwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika. Nokuti ndakanga ndine nzara, mukandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa; ndakanga ndiri mweni, mukandigamuchira; ndakanga ndisina nguo, mukandipfekedza; ndakanga ndichirwara, mukandifambira; ndakanga ndiri mujeri, mukauya kwandiri.’ “Zvino vakarurama vachamupindura, vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara, tikakupai chokudya? Kana mune nyota, tikakupai chokunwa? Takakuonai riniko muri mweni, tikakugamuchirai? Kana musina nguo, tikakupfekedzai? Takakuonai riniko muchirwara, kana muri mujeri, tikauya kwamuri?’ “Ishe achapindura, achiti, kwavari, ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, pamakazviitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitireni.’
Mateo 25:20-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Murume akanga apiwa matarenda mashanu akauya namamwe mashanu, akati, ‘Tenzi, makandipa matarenda mashanu. Tarirai ndakawana mamwe mashanu.’ “Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma; ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’ “Murume akanga apiwa matarenda maviri akauyawo. Akati, ‘Tenzi makandipa matarenda maviri, tarirai ndakawanazve mamwe maviri.’ “Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka, iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’ “Ipapo murume akanga apiwa tarenda rimwe chete akauya, akati, ‘Tenzi, ndakaziva kuti muri munhu akaoma, munokohwa pamusina kudyara uye munounganidza pamusina kukusha mbeu. Nokudaro ndakatya ndikandocherera tarenda renyu muvhu. Tarirai, pfuma yenyu iyi.’ “Tenzi wake akapindura akati, ‘Iwe muranda akaipa, ano usimbe! Saka wakanga uchiziva zvako kuti ndinokohwa pandisina kudyara nokuunganidza pandisina kukusha mbeu? Zvino ungadai wakachengetesa mari yangu kune vamabhangi kuitira kuti pakudzoka kwangu ndaizoiwana yabereka. “ ‘Mutorerei tarenda iri mupe kune uyo ane matarenda gumi. Nokuti wose anazvo achapiwa zvimwe, agova nezvakawanda kwazvo. Ani naani asina, kunyange nezvaanazvo achazvitorerwa. Uye chikandai muranda uyo asingabatsiri kunze kurima, uko kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.’ “Mwanakomana woMunhu paanouya nokubwinya kwake, navatumwa vose, achagara pachigaro chake choushe mukubwinya kwokudenga. Ndudzi dzose dzichaunganidzwa pamberi pake, achatsaura vanhu mumwe kubva kuno mumwe somufudzi anotsaura makwai kubva kumbudzi. Achaisa makwai kurudyi rwake, uye mbudzi kuruboshwe rwake. “Ipapo Mambo achati kuna avo vari kurudyi rwake, ‘Uyai imi makaropafadzwa naBaba vangu, mutore nhaka yenyu, umambo hwamakagadzirirwa kubva pakusikwa kwenyika. Nokuti ndakanga ndine nzara mukandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa, ndakanga ndiri mweni mukandipinza mumba, ndakanga ndisina zvokupfeka mukandipfekedza, ndakanga ndichirwara mukandipepa, ndakanga ndiri mutorongo mukandishanyira.’ “Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara tikakupai chokunwa? Takakuonai riniko muri mweni tikakupinzai mumba, kana musina zvokupfeka tikakupfekedzai? Takakuonai riniko muchirwara kana muri mutorongo tikakushanyirai?’ “Mambo achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, chose chamakaitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makachiitira ini.’
Mateo 25:20-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uya akagamuchira mari yamatarenda mashanu, akauya kwaari namamwe matarenda mashanu achiti, ‘Changamire, makandipa mari yamatarenda mashanu, haano matarenda mamwe mashanu andakashava.’ Tenzi wake akati kwaari, ‘Hauchionaka muranda wakanaka wakatendeka. Wakatendeka mune zvidiki, ndavakukuita mutariri wezvakawanda. Saka chiuya tifare pamwechete neni tenzi wako.’ Uya akapiwa mari yamatarenda maviri akauyawo achiti, ‘Changamire, makandipa mari yamatarenda maviri heino imwe mari yematarenda maviri yandakashava.’ Tenzi wake akamuti, ‘Hauchionaka muranda wakanaka, wakatendeka. Wakatendeka mune zvidiki ndavakukuita mutariri wezvakawanda. Saka chiuya tifare pamwechete neni Tenzi wako.’ Uyawo akagamuchira mari yetarenda rimwechete akauyawo akati, ‘Changamire, ndakazviziva kuti muri munhu akaoma. Imi munokohwa pamusina kudyara. Munounganidza pamusina kumbokusha. Ndakatya, naizvozvo ndakaenda ndikandoviga mari yenyu pasi. Hei mari yenyu.’ Tenzi wake akamupindura achiti, ‘Iwe uri muranda wakaipa, nyope yomunhu. Heya waitozviziva zvako kuti ndinokohwa pandisina kurima, ndichiunganidza pandisina kukusha? Saka waifaniraka iwe kunge wakaisa mari yangu muBhangi. Pandainge ndauya ndaizowana mari yangu nemari yayainge yabereka. Saka mutorerei mari iyoyo yetarenda muipe kune ane gumi remari yamatarenda. Nokuti uyo anazvo anotopamhidzirwa zvimwe achitova nezvakatowanda–wanda asi uyo asina, kunyange chaanenge anacho achatorerwa. Uye muranda uya asina maturo mukandei kunze kurima. Ikoko vanhu vachachema vachirumanidza mazino.’ “Kana Mwanakomana womunhu wouya nembiri yake pamwechete navatumwa vose, achagara pachigaro chake choumambo chinembiri. Marudzi ose avanhu achaunganidzwa pamberi pake. Iye achaparadzanisa vanhu, mumwe nomumwe, sokuparadzanisa kunoita mufudzi hwai nembudzi. Achaisa hwai kurudyi rwake, mbudzi achidziisa kuruboshwe. “Ipapo Mambo achati kuna vari kurudyi rwake, ‘Uyai imi makakomborerwa naBaba vangu, muwane nhaka youmambo yamakagadzirirwa kubvira pakutangisa kwapasi nokuti ndakanga ndiine nzara mukandipa chokudya. Ndakanga ndiine nyota mukandipa chokunwa. Ndakanga ndiri muenzi mukandigamuchira. Ndakanga ndisina chokupfeka mukandipfekedza. Ndakanga ndichirwara mukandishanyira. Ndaiva mujeri mukauya kwandiri?’ “Vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Tenzi ndirini watakakuonai muine nzara tikakupai chokudya kana kuti muine nyota tikakupai chokunwa? Ndirini watakakuonai muri muenzi tikakugamuchirai kana kuti musina chokupfeka tikakupfekedzai? Ndirini watakakuonai muchirwara kana kuti muri mujeri tikakushanyirai?’ “Mambo achavapindura achiti, ‘Zvirokwazvo ndinoti kwamuri pamakaitira izvi kune mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makatoitira ini.’
Mateo 25:20-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakaŋga apiwa matarenta mashanu, akaʋuya namamŋe matarenta mashanu, akati: Ishe, makandipa matarenta mashanu, tarirai, ndawana mamŋe matarenta mashanu. Ishe wake akati kwaari: Ɀakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka; wakaŋga wakatendeka paɀinhu ɀishoma, ndicakuisa pamsoro peɀinhu ɀizhinji; pinda pamufaro washe wako. Wakaŋga apiwa matarenta maʋiri akaʋuya ʋo, akati. Ishe, makandipa matarenta maʋiri; tarirai, ndawana mamŋe matarenta maʋiri. Ishe wake akati kwaari: Ɀakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka; wakaŋga wakatendeka paɀinhu ɀishoma, ndicakuisa pamsoro peɀinhu ɀizhinji; pinda pamufaro washe wako. Wakaŋga apiwa tarenta rimŋe, naiye akaʋuya ʋo, akati: Ishe, ndakaŋga ndicikuziʋai imi, kuti muri munhu unehasha, munoceka pamusati makadɀara, munoʋuŋganidza pamusati makakusha; ɀino ndakatya, ndikandoʋiga tarenta renyu pasi; heco, cinhu cenyu! Ishe wake akapindura, akati kwaari: Iwe, muranda wakaipa, unoʋusimbe, wakaŋga uciziʋa kuti ndinoceka pandisina‐kudɀara, ndiciʋuŋganidza pandisina‐kukusha; saka waifanira kuisa mari yaŋgu kunaʋebaŋga, kuti pakuȿika kwaŋgu ndiŋgaɗai ndapiwa ɀaŋgu ɀawanda. Naiɀoɀo mutorerei tarenta rake, mupe unamatarenta anegumi. Nokuti mumŋe nomumŋe unaɀo, ucapiwa, aʋe neɀizhinji; asi usina, ucatorerwa neɀaanaɀo. Ƃuɗisirai muranda pasina, murima rokunze; ipapo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno. Ɀino kana Mŋanakomana womunhu aciʋuya nokubginya kwake, naʋatumŋa ʋose ʋanaye, ucagara pacigaro cake coʋushe cinobginya; namarudzi ose acaʋuŋganidzwa pamberi pake; ucaʋaraʋura somufudzi unoraʋura makwai nembudzi. Ucaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruɓoshwe. Ɀino Ishe ucati kunaʋari kurudyi: Ʋuyai imi, makaropafadzwa naƂaɓa, mugare nhaka yoʋushe bgakagadzirirwemi kubva pakuʋamba kwenyika. Nokuti ndakaŋga ndinenzara, mukandipa cokudya; ndakaŋga ndinenyota, mukandipa cokunwa; ndakaŋga ndiri mŋeni, mukandigamucira; ndakaŋga ndisineŋguʋo, mukandipfekedza; ndakaŋga ndicirwara, mukandifambira; ndakaŋga ndiri mutoroŋgo, mukaʋuya kwandiri. Ɀino ʋakarurama ʋacamupindura, ʋaciti: Ishe, takakuʋonai riniko munenzara, tikakupai cokudya? kana munenyota, tikakupai cokunwa? Takakuʋonai riniko muri mŋeni, tikakugamucirai? kana musineŋguʋo, tikakupfekedzai? Takakuʋonai riniko mucirwara, kana muri mutoroŋgo, tikaʋuya kwamuri? Ishe ucapindura, aciti kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Pamakaɀiitira mumŋe waʋaɗuku ʋehama dzaŋgu idzi, makaɀiitireni.
Mateo 25:20-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)