Mateo 25:14-23
Mateo 25:14-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Zvakare, zvichaita somurume akabuda kuti afambe rwendo, akadana varanda vake akavachengetesa pfuma yake. Kuno mumwe akapa matarenda mashanu emari, kuno mumwe matarenda maviri, uye kuno mumwe tarenda rimwe chete, mumwe nomumwe maererano nokugona kwake. Ipapo akaenda zvake parwendo rwake. Murume akapiwa matarenda mashanu akaenda pakarepo akandoshandisa mari yake akawanazve mamwe mashanu. Saizvozvo uya aiva namatarenda maviri akawana mamwe maviri. Asi murume akanga apiwa tarenda rimwe chete akaenda akandochera gomba muvhu ndokuviga mari yatenzi wake. “Shure kwenguva refu tenzi wavaranda vaya akadzoka akagadzirisa nezvemari idzi navo. Murume akanga apiwa matarenda mashanu akauya namamwe mashanu, akati, ‘Tenzi, makandipa matarenda mashanu. Tarirai ndakawana mamwe mashanu.’ “Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma; ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’ “Murume akanga apiwa matarenda maviri akauyawo. Akati, ‘Tenzi makandipa matarenda maviri, tarirai ndakawanazve mamwe maviri.’ “Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka, iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’
Mateo 25:14-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Nokuti zvakafanana nomunhu akaenda kune imwe nyika, akadana varanda vake, akavaronzera pfuma yake. Akapa mumwe matarenda mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwe, mumwe nomumwe zvakakwanira simba rake; akaenda kune imwe nyika. Pakarepo iye, akapiwa matarenda mashanu, akaenda akaita mhindu nawo, akawana mamwe mashanu. Saizvozvowo, akapiwa maviri, akawana mamwe maviri. Asi akapiwa rimwe, akenda, akachera pasi, akaviga mari yaishe wake. “Nguva huru yakati yapfuura, ishe wavaranda ivavo akasvika, akagadzira mashoko navo. Akanga apiwa matarenda mashanu, akati, ‘Ishe, makandipa matarenda mashanu, tarirai, ndawana mamwe matarenda mashanu.’ Ishe wake akati kwaari, ‘Zvakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka; wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji; pinda mumufaro washe wako.’ Akanga apiwa matarenda maviri akauyawo, akati, ‘Ishe, makandipa matarenda maviri; tarirai, ndawana mamwe matarenda maviri.’ Ishe wake akati kwaari, ‘Zvakanaka, muranda akanaka, akatendeka; wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji; pinda mumufaro washe wako.’
Mateo 25:14-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ndinodaro nokuti umambo hwedenga huchaita somunhu akanga ava kuenda kurwendo akadaidza varanda vake akaturira kwavari zvinhu zvake. Akapa mumwe wavo mari yematarenda mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwechete, munhu nemunhu achipiwa maererano nezvaaikwanisa kuita. Ndokubva aenda zvake. Uya akagamuchira mari yamatarenda mashanu akabva aenda pakarepo akandoita mhindu nayo, akaita mari yamamwe matarenda mashanu. Ndizvozvowo zvakaita akapiwa mari yamatarenda maviri, akawana imwe mari yamatarenda maviri. Asi uya akagamuchira mari yetarenda rimwechete akaenda akandoricherera pasi akaviga mari yatenzi wake. Mumashure menguva ndefu, tenzi wavaranda vaya akauya akagadzirisana nezvemari yake navo. Uya akagamuchira mari yamatarenda mashanu, akauya kwaari namamwe matarenda mashanu achiti, ‘Changamire, makandipa mari yamatarenda mashanu, haano matarenda mamwe mashanu andakashava.’ Tenzi wake akati kwaari, ‘Hauchionaka muranda wakanaka wakatendeka. Wakatendeka mune zvidiki, ndavakukuita mutariri wezvakawanda. Saka chiuya tifare pamwechete neni tenzi wako.’ Uya akapiwa mari yamatarenda maviri akauyawo achiti, ‘Changamire, makandipa mari yamatarenda maviri heino imwe mari yematarenda maviri yandakashava.’ Tenzi wake akamuti, ‘Hauchionaka muranda wakanaka, wakatendeka. Wakatendeka mune zvidiki ndavakukuita mutariri wezvakawanda. Saka chiuya tifare pamwechete neni Tenzi wako.’
Mateo 25:14-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ɀakafanana nomunhu wakaenda kuneimŋe nyika, akaɗana ʋaranda ʋake, akaʋapa fuma yake. Akapa mumŋe matarenta mashanu, mumŋe maʋiri, mumŋe rimŋe, mumŋe nomumŋe ɀakakwanira simba rake; akaenda kuneimŋe nyika. Pakarepo iye, wakapiwa matarenta mashanu, akaenda akaita mhindu nawo, akawana mamŋe mashanu. Saiɀoɀo ʋo, wakapiwa maʋiri, wakawana mamŋe maʋiri. Asi wakapiwa rimŋe, wakaenda, akacera pasi, akaʋiga mari yashe wake. Ŋguʋa huru yakati yapfuʋura, ishe waʋaranda iʋaʋo akaȿika, akagadzira mashoko naʋo. Wakaŋga apiwa matarenta mashanu, akaʋuya namamŋe matarenta mashanu, akati: Ishe, makandipa matarenta mashanu, tarirai, ndawana mamŋe matarenta mashanu. Ishe wake akati kwaari: Ɀakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka; wakaŋga wakatendeka paɀinhu ɀishoma, ndicakuisa pamsoro peɀinhu ɀizhinji; pinda pamufaro washe wako. Wakaŋga apiwa matarenta maʋiri akaʋuya ʋo, akati. Ishe, makandipa matarenta maʋiri; tarirai, ndawana mamŋe matarenta maʋiri. Ishe wake akati kwaari: Ɀakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka; wakaŋga wakatendeka paɀinhu ɀishoma, ndicakuisa pamsoro peɀinhu ɀizhinji; pinda pamufaro washe wako.
Mateo 25:14-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)