Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 25:1-46

Mateo 25:1-46 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

“Panguva iyoyo umambo hwokudenga huchange hwakafanana navasikana gumi, vakatora mwenje yavo vakabuda kundochingamidza chikomba. Vashanu vavo vakanga vari mapenzi uye vashanu vavo vakanga vakachenjera. Mapenzi vaya vakatora mwenje yavo asi havana kuisa mafuta mairi. Kunyange zvakadaro, vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo pamwe chete nemwenje yavo. Chikomba chakanonoka kusvika, vose vakabatwa nehope ndokuvata. “Pava pakati pousiku vakanzwa mheremhere: ‘Chikomba chauya! Budai mumuchingamidze!’ “Ipapo vasikana vose vakamuka uye vakagadziridza mwenje yavo. Mapenzi akati kuna vakachenjera, ‘Tipeiwo mamwe emafuta enyu; mwenje yedu yava kudzima.’ “Vakapindura vakati, ‘Kwete, zvimwe haangakwaniri isu nemi tose. Asi endai kuna vaya vanotengesa mafuta mugondozvitengera mamwe.’ “Asi vachiri munzira kundotenga mafuta, chikomba chakasvika. Vasikana vakanga vakagadzirira vakapinda naye mumutambo wesvitsa uye musuo ukapfigwa. “Pashure vamwe vaya vakadzokawo. Vakati, ‘Ishe! Ishe! Tizarurireiwo musuo!’ “Asi akavapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi, handikuzivei.’ “Naizvozvo garai makagadzirira nokuti hamuzivi musi kana nguva. “Zvakare, zvichaita somurume akabuda kuti afambe rwendo, akadana varanda vake akavachengetesa pfuma yake. Kuno mumwe akapa matarenda mashanu emari, kuno mumwe matarenda maviri, uye kuno mumwe tarenda rimwe chete, mumwe nomumwe maererano nokugona kwake. Ipapo akaenda zvake parwendo rwake. Murume akapiwa matarenda mashanu akaenda pakarepo akandoshandisa mari yake akawanazve mamwe mashanu. Saizvozvo uya aiva namatarenda maviri akawana mamwe maviri. Asi murume akanga apiwa tarenda rimwe chete akaenda akandochera gomba muvhu ndokuviga mari yatenzi wake. “Shure kwenguva refu tenzi wavaranda vaya akadzoka akagadzirisa nezvemari idzi navo. Murume akanga apiwa matarenda mashanu akauya namamwe mashanu, akati, ‘Tenzi, makandipa matarenda mashanu. Tarirai ndakawana mamwe mashanu.’ “Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma; ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’ “Murume akanga apiwa matarenda maviri akauyawo. Akati, ‘Tenzi makandipa matarenda maviri, tarirai ndakawanazve mamwe maviri.’ “Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka, iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’ “Ipapo murume akanga apiwa tarenda rimwe chete akauya, akati, ‘Tenzi, ndakaziva kuti muri munhu akaoma, munokohwa pamusina kudyara uye munounganidza pamusina kukusha mbeu. Nokudaro ndakatya ndikandocherera tarenda renyu muvhu. Tarirai, pfuma yenyu iyi.’ “Tenzi wake akapindura akati, ‘Iwe muranda akaipa, ano usimbe! Saka wakanga uchiziva zvako kuti ndinokohwa pandisina kudyara nokuunganidza pandisina kukusha mbeu? Zvino ungadai wakachengetesa mari yangu kune vamabhangi kuitira kuti pakudzoka kwangu ndaizoiwana yabereka. “ ‘Mutorerei tarenda iri mupe kune uyo ane matarenda gumi. Nokuti wose anazvo achapiwa zvimwe, agova nezvakawanda kwazvo. Ani naani asina, kunyange nezvaanazvo achazvitorerwa. Uye chikandai muranda uyo asingabatsiri kunze kurima, uko kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.’ “Mwanakomana woMunhu paanouya nokubwinya kwake, navatumwa vose, achagara pachigaro chake choushe mukubwinya kwokudenga. Ndudzi dzose dzichaunganidzwa pamberi pake, achatsaura vanhu mumwe kubva kuno mumwe somufudzi anotsaura makwai kubva kumbudzi. Achaisa makwai kurudyi rwake, uye mbudzi kuruboshwe rwake. “Ipapo Mambo achati kuna avo vari kurudyi rwake, ‘Uyai imi makaropafadzwa naBaba vangu, mutore nhaka yenyu, umambo hwamakagadzirirwa kubva pakusikwa kwenyika. Nokuti ndakanga ndine nzara mukandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa, ndakanga ndiri mweni mukandipinza mumba, ndakanga ndisina zvokupfeka mukandipfekedza, ndakanga ndichirwara mukandipepa, ndakanga ndiri mutorongo mukandishanyira.’ “Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara tikakupai chokunwa? Takakuonai riniko muri mweni tikakupinzai mumba, kana musina zvokupfeka tikakupfekedzai? Takakuonai riniko muchirwara kana muri mutorongo tikakushanyirai?’ “Mambo achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, chose chamakaitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makachiitira ini.’ “Ipapo achati kune avo vari kuruboshwe rwake, ‘Ibvai kwandiri imi makatukwa mupinde mumoto usingadzimi wakagadzirirwa dhiabhori navatumwa vake. Nokuti ndakanga ndine nzara mukasandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukasandipa chokunwa, ndakanga ndiri mweni mukasandipinza mumba, ndakanga ndisina zvokupfeka mukasandipfekedza, ndakanga ndichirwara uye ndiri mutorongo mukasandishanyira.’ “Naizvozvo vachapindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara kana mune nyota kana muri mweni kana musina zvokupfeka kana muchirwara kana muri mutorongo tikasakubatsirai?’ “Achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, zvose zvamusina kuitira mumwe wavaduku ava, hamuna kuzviitira ini.’ “Ipapo vachaenda mukurangwa kusingaperi, asi vakarurama vachipinda muupenyu husingaperi.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 25

Mateo 25:1-46 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Zvino ushe hwedenga hungafananidzwa navasikana vane gumi, vakatora mwenje yavo, vakabuda kundochingamidza muwani. Vashanu vavo vakanga vasina hanya, vashanu vakanga vakachenjera. “Nokuti vasina hanya vakatora mwenje yawo, vakasatora mafuta. Asi vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemwenje yavo. Zvino, muwani akati anonoka, vakakotsira vose, vakavata. “Pakati pohusiku vakanzwa mheremhere, ‘Muwani auya! Budai mumuchingamidze!’ Zvino vasikana vose vakamuka, vakagadzira mwenje yavo. Vasina hanya vakati kuna vakachenjera, ‘Tipeiwo mamwe mafuta enyu, nokuti mwenje yedu yodzima.’ Asi vakachenjera vakapindura, vakati, ‘Kwete, zvimwe haangakwaniri isu nemi tose; endai henyu kuna vanotengesa, muzvitengere.’ Vakati vachienda kundotenga, muwani ndokusvika; zvino, vakanga vakazvigadzira vakapinda naye pamutambo wemuchato, mukova ukapfigwa. “Pashure vaya vamwe vasikana vakasvika, vakati, ‘Ishe, Ishe, tizarurireiwo!’ “Akapindura, akati, ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, handikuzivii imi.’ ” “Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi zuva kana nguva. “Nokuti zvakafanana nomunhu akaenda kune imwe nyika, akadana varanda vake, akavaronzera pfuma yake. Akapa mumwe matarenda mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwe, mumwe nomumwe zvakakwanira simba rake; akaenda kune imwe nyika. Pakarepo iye, akapiwa matarenda mashanu, akaenda akaita mhindu nawo, akawana mamwe mashanu. Saizvozvowo, akapiwa maviri, akawana mamwe maviri. Asi akapiwa rimwe, akenda, akachera pasi, akaviga mari yaishe wake. “Nguva huru yakati yapfuura, ishe wavaranda ivavo akasvika, akagadzira mashoko navo. Akanga apiwa matarenda mashanu, akati, ‘Ishe, makandipa matarenda mashanu, tarirai, ndawana mamwe matarenda mashanu.’ Ishe wake akati kwaari, ‘Zvakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka; wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji; pinda mumufaro washe wako.’ Akanga apiwa matarenda maviri akauyawo, akati, ‘Ishe, makandipa matarenda maviri; tarirai, ndawana mamwe matarenda maviri.’ Ishe wake akati kwaari, ‘Zvakanaka, muranda akanaka, akatendeka; wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji; pinda mumufaro washe wako.’ “Akanga apiwa tarenda rimwe, naiye akauyawo, akati, ‘Ishe, ndakanga ndichikuzivai imi, kuti muri munhu anehasha, munokohwa pamusati makadyara, munounganidza pamusati makakusha; zvino ndakatya, ndikandoviga tarenda renyu pasi; hecho, chinhu chenyu!’ Ishe wake akapindura, akati kwaari, ‘Iwe, muranda akaipa, unousimbe, wakanga uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudyara, ndichiunganidza pandisina kukusha; saka waifanira kuisa mari yangu kune vane bhangi, kuti pakusvika kwangu ndingadai ndapiwa zvangu zvawanda. Naizvozvo mutorerei tarenda rake, mupe ana matarenda ane gumi. Nokuti mumwe nomumwe unazvo, achapiwa, ave nezvizhinji; asi asina, achatorerwa nezvaanazvo. Budisirai muranda pasina, murima nokunze; ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.’ “Zvino kana Mwanakomana womunhu achiuya nokubwinya kwake, navatumwa vose vanaye, achagara pachigaro chake choushe chinobwinya; namarudzi ose achaunganidzwa pamberi pake; achavaraura somufudzi anoraura makwai nembudzi. Achaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruboshwe. “Zvino Ishe achati kuna vari kurudyi, ‘Uyai imi, makaropafadzwa naBaba, mugare nhaka youshe hwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika. Nokuti ndakanga ndine nzara, mukandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa; ndakanga ndiri mweni, mukandigamuchira; ndakanga ndisina nguo, mukandipfekedza; ndakanga ndichirwara, mukandifambira; ndakanga ndiri mujeri, mukauya kwandiri.’ “Zvino vakarurama vachamupindura, vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara, tikakupai chokudya? Kana mune nyota, tikakupai chokunwa? Takakuonai riniko muri mweni, tikakugamuchirai? Kana musina nguo, tikakupfekedzai? Takakuonai riniko muchirwara, kana muri mujeri, tikauya kwamuri?’ “Ishe achapindura, achiti, kwavari, ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, pamakazviitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitireni.’ Zvino achati kuna vari kuruboshwe, ‘Ibvai kwandiri, imi manyombwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa Dhiabhori navatumwa vake. Nokuti ndakanga ndine nzara, mukasandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, mukasandipa chokunwa; ndakanga ndiri mweni, mukasandigamuchira; ndisina nguo, mukasandipfekedza; ndichirwara, nomujeri, mukasandifambira.’ Zvino naivava vachapindura, vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara, kana mune nyota, kana muri mweni, kana musina nguo, kana muchirwara, kana muri mutorongo, tikasakushumirai?’ Zvino achavapindura, achiti, ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, pamusati makazviitira mumwe wavaduku ava, hamusakazviitireni.’ Ava vachaenda kunorohwa kusingaperi; asi vakarurama kuupenyu husingaperi.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 25

Mateo 25:1-46 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Umambo hwedenga huchafananidzwa navasikana vane gumi vakatora marambi avo vakaenda kundochingura muwani. Vashanu vavo vakanga vasina kungwara, vamwe vashanuwo vakanga vakangwara. Vakanga vasina kungwara vaya, pavakatora marambi avo, havana kutakura mamwe mafuta. Asi vakachenjera vakatakura zvigubhu zvamafuta pamwechete namarambi avo. Muwani paakanonoka vakanzwa hope ndokubva vakotsira. Pakati pousiku pakaridzwa mhere yokuti, ‘Muwani wouya, budai mumuchingure.’ Vasikana vaya vose vakamuka vakabatidza marambi avo. Vasina kungwara vakati kuna vakangwara, ‘Tipungurireiwo mafuta enyu nokuti marambi edu ava kuda kudzima.’ Asi vakangwara vakapindura vachiti, ‘Pamwe haangazotikwanira isu nemi. Zvirinani kuti muende kuna vanotengesa mundozvitengera.’ Pavakanga vaenda kundotenga, muwani ndiye vhu kusvika. Vaya vakanga vakagadzirira vakapinda naye mumabiko omuchato. Gonhi ndiye dhwa kuzarirwa. Mushure mezvo, vamwe vasikana vaya vakauya vachiti, ‘Tenzi, Tenzi tizarurireiwo.’ Asi iye akapindura achiti, ‘Zvechokwadi ndinoti kwamuri handikuzivii. Naizvozvo garirirai nokuti hamuzivi zuva kana nguva yacho.’ “Ndinodaro nokuti umambo hwedenga huchaita somunhu akanga ava kuenda kurwendo akadaidza varanda vake akaturira kwavari zvinhu zvake. Akapa mumwe wavo mari yematarenda mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwechete, munhu nemunhu achipiwa maererano nezvaaikwanisa kuita. Ndokubva aenda zvake. Uya akagamuchira mari yamatarenda mashanu akabva aenda pakarepo akandoita mhindu nayo, akaita mari yamamwe matarenda mashanu. Ndizvozvowo zvakaita akapiwa mari yamatarenda maviri, akawana imwe mari yamatarenda maviri. Asi uya akagamuchira mari yetarenda rimwechete akaenda akandoricherera pasi akaviga mari yatenzi wake. Mumashure menguva ndefu, tenzi wavaranda vaya akauya akagadzirisana nezvemari yake navo. Uya akagamuchira mari yamatarenda mashanu, akauya kwaari namamwe matarenda mashanu achiti, ‘Changamire, makandipa mari yamatarenda mashanu, haano matarenda mamwe mashanu andakashava.’ Tenzi wake akati kwaari, ‘Hauchionaka muranda wakanaka wakatendeka. Wakatendeka mune zvidiki, ndavakukuita mutariri wezvakawanda. Saka chiuya tifare pamwechete neni tenzi wako.’ Uya akapiwa mari yamatarenda maviri akauyawo achiti, ‘Changamire, makandipa mari yamatarenda maviri heino imwe mari yematarenda maviri yandakashava.’ Tenzi wake akamuti, ‘Hauchionaka muranda wakanaka, wakatendeka. Wakatendeka mune zvidiki ndavakukuita mutariri wezvakawanda. Saka chiuya tifare pamwechete neni Tenzi wako.’ Uyawo akagamuchira mari yetarenda rimwechete akauyawo akati, ‘Changamire, ndakazviziva kuti muri munhu akaoma. Imi munokohwa pamusina kudyara. Munounganidza pamusina kumbokusha. Ndakatya, naizvozvo ndakaenda ndikandoviga mari yenyu pasi. Hei mari yenyu.’ Tenzi wake akamupindura achiti, ‘Iwe uri muranda wakaipa, nyope yomunhu. Heya waitozviziva zvako kuti ndinokohwa pandisina kurima, ndichiunganidza pandisina kukusha? Saka waifaniraka iwe kunge wakaisa mari yangu muBhangi. Pandainge ndauya ndaizowana mari yangu nemari yayainge yabereka. Saka mutorerei mari iyoyo yetarenda muipe kune ane gumi remari yamatarenda. Nokuti uyo anazvo anotopamhidzirwa zvimwe achitova nezvakatowanda–wanda asi uyo asina, kunyange chaanenge anacho achatorerwa. Uye muranda uya asina maturo mukandei kunze kurima. Ikoko vanhu vachachema vachirumanidza mazino.’ “Kana Mwanakomana womunhu wouya nembiri yake pamwechete navatumwa vose, achagara pachigaro chake choumambo chinembiri. Marudzi ose avanhu achaunganidzwa pamberi pake. Iye achaparadzanisa vanhu, mumwe nomumwe, sokuparadzanisa kunoita mufudzi hwai nembudzi. Achaisa hwai kurudyi rwake, mbudzi achidziisa kuruboshwe. “Ipapo Mambo achati kuna vari kurudyi rwake, ‘Uyai imi makakomborerwa naBaba vangu, muwane nhaka youmambo yamakagadzirirwa kubvira pakutangisa kwapasi nokuti ndakanga ndiine nzara mukandipa chokudya. Ndakanga ndiine nyota mukandipa chokunwa. Ndakanga ndiri muenzi mukandigamuchira. Ndakanga ndisina chokupfeka mukandipfekedza. Ndakanga ndichirwara mukandishanyira. Ndaiva mujeri mukauya kwandiri?’ “Vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Tenzi ndirini watakakuonai muine nzara tikakupai chokudya kana kuti muine nyota tikakupai chokunwa? Ndirini watakakuonai muri muenzi tikakugamuchirai kana kuti musina chokupfeka tikakupfekedzai? Ndirini watakakuonai muchirwara kana kuti muri mujeri tikakushanyirai?’ “Mambo achavapindura achiti, ‘Zvirokwazvo ndinoti kwamuri pamakaitira izvi kune mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makatoitira ini.’ “Ipapo achati kuna vari kuruboshwe rwake, ‘Ibvai kwandiri imi makarengererwa rushambwa mupinde mumoto usingaperi wakagadzirirwa Dhiabhori navatumwa vake, nokuti ndakanga ndiine nzara mukasandipa chokudya. Ndakanga ndiine nyota mukasandipa chokunwa. Ndaiva mweni mukasandigamuchira. Ndakanga ndisina chokupfeka mukasandipa chokupfeka. Ndairwara uye ndaiva mujeri asi hamuna kundishanyira.’ “Ivo vachapindurawo vachiti, ‘Tenzi ndirini watakakuonai muine nzara kana kuti muine nyota kana muri mweni kana musina chokupfeka kana kuti muchirwara kana kuti muri mujeri tikasakuitirai chinhu.’ Iye achavapindura achiti, ‘Zvechokwadi chaizvo zvamusina kuzviita kuno mumwe wavadiki ava, hamuna kuzviita kwandiri?’ “Ava vachaenda kuchirango chisingaperi asi vakarurama vachienda kuupenyu usingaperi.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 25

Mateo 25:1-46 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ʋushe bgokuɗeŋga bguŋgafananidzwa naʋasikana ʋanegumi, ʋakatora mŋenje yaʋo, ʋakaɓuɗa kundociŋgamidza cikomba. Ʋashanu ʋaʋo akaŋga ari mapenzi, ʋashanu ʋakaŋga ʋakacenjera. Nokuti mapenzi akatora mŋenje yawo, akasatora mafuta. Asi ʋakacenjera ʋakatora mafuta mumidziyo yaʋo nemŋenje yaʋo. Ɀino, cikomba cakati cicinonoka, ʋakakotsira ʋose, ʋakaʋata. Pakati poʋusiku ʋakanzwa mhere‐mhere: Cikomba coʋuya! Ƃuɗai mumuciŋgamidzei! Ɀino ʋasikana ʋose ʋakamuka, ʋakagadzira mŋenje yaʋo. Mapenzi akati kunaʋakacenjera: Tipeiʋo mamŋe mafuta enyu, nokuti mŋenje yeɗu yodzima. Asi ʋakacenjera ʋakapindura, ʋakati: Kwete, ɀimŋe haaŋgakwaniri isu nemi tose; endai henyu kunaʋanoteŋgesa, muɀiteŋgere. Ʋakati ʋacienda kundoteŋga, cikomba ndokuȿika; ɀino, ʋakaŋga ʋakaɀigadzira ʋakapinda naco pamutambo wokuwana, mukoʋa ukapfigwa. Pashure ʋamŋe ʋasikana ʋakaȿika, ʋakati: Ishe, Ishe, tizarurirei! Akapindura, akati: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Handikuziʋiyi imi. Naiɀoɀo rindai, nokuti hamuziʋi zuʋa kana ŋguʋa. Nokuti ɀakafanana nomunhu wakaenda kuneimŋe nyika, akaɗana ʋaranda ʋake, akaʋapa fuma yake. Akapa mumŋe matarenta mashanu, mumŋe maʋiri, mumŋe rimŋe, mumŋe nomumŋe ɀakakwanira simba rake; akaenda kuneimŋe nyika. Pakarepo iye, wakapiwa matarenta mashanu, akaenda akaita mhindu nawo, akawana mamŋe mashanu. Saiɀoɀo ʋo, wakapiwa maʋiri, wakawana mamŋe maʋiri. Asi wakapiwa rimŋe, wakaenda, akacera pasi, akaʋiga mari yashe wake. Ŋguʋa huru yakati yapfuʋura, ishe waʋaranda iʋaʋo akaȿika, akagadzira mashoko naʋo. Wakaŋga apiwa matarenta mashanu, akaʋuya namamŋe matarenta mashanu, akati: Ishe, makandipa matarenta mashanu, tarirai, ndawana mamŋe matarenta mashanu. Ishe wake akati kwaari: Ɀakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka; wakaŋga wakatendeka paɀinhu ɀishoma, ndicakuisa pamsoro peɀinhu ɀizhinji; pinda pamufaro washe wako. Wakaŋga apiwa matarenta maʋiri akaʋuya ʋo, akati. Ishe, makandipa matarenta maʋiri; tarirai, ndawana mamŋe matarenta maʋiri. Ishe wake akati kwaari: Ɀakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka; wakaŋga wakatendeka paɀinhu ɀishoma, ndicakuisa pamsoro peɀinhu ɀizhinji; pinda pamufaro washe wako. Wakaŋga apiwa tarenta rimŋe, naiye akaʋuya ʋo, akati: Ishe, ndakaŋga ndicikuziʋai imi, kuti muri munhu unehasha, munoceka pamusati makadɀara, munoʋuŋganidza pamusati makakusha; ɀino ndakatya, ndikandoʋiga tarenta renyu pasi; heco, cinhu cenyu! Ishe wake akapindura, akati kwaari: Iwe, muranda wakaipa, unoʋusimbe, wakaŋga uciziʋa kuti ndinoceka pandisina‐kudɀara, ndiciʋuŋganidza pandisina‐kukusha; saka waifanira kuisa mari yaŋgu kunaʋebaŋga, kuti pakuȿika kwaŋgu ndiŋgaɗai ndapiwa ɀaŋgu ɀawanda. Naiɀoɀo mutorerei tarenta rake, mupe unamatarenta anegumi. Nokuti mumŋe nomumŋe unaɀo, ucapiwa, aʋe neɀizhinji; asi usina, ucatorerwa neɀaanaɀo. Ƃuɗisirai muranda pasina, murima rokunze; ipapo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno. Ɀino kana Mŋanakomana womunhu aciʋuya nokubginya kwake, naʋatumŋa ʋose ʋanaye, ucagara pacigaro cake coʋushe cinobginya; namarudzi ose acaʋuŋganidzwa pamberi pake; ucaʋaraʋura somufudzi unoraʋura makwai nembudzi. Ucaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruɓoshwe. Ɀino Ishe ucati kunaʋari kurudyi: Ʋuyai imi, makaropafadzwa naƂaɓa, mugare nhaka yoʋushe bgakagadzirirwemi kubva pakuʋamba kwenyika. Nokuti ndakaŋga ndinenzara, mukandipa cokudya; ndakaŋga ndinenyota, mukandipa cokunwa; ndakaŋga ndiri mŋeni, mukandigamucira; ndakaŋga ndisineŋguʋo, mukandipfekedza; ndakaŋga ndicirwara, mukandifambira; ndakaŋga ndiri mutoroŋgo, mukaʋuya kwandiri. Ɀino ʋakarurama ʋacamupindura, ʋaciti: Ishe, takakuʋonai riniko munenzara, tikakupai cokudya? kana munenyota, tikakupai cokunwa? Takakuʋonai riniko muri mŋeni, tikakugamucirai? kana musineŋguʋo, tikakupfekedzai? Takakuʋonai riniko mucirwara, kana muri mutoroŋgo, tikaʋuya kwamuri? Ishe ucapindura, aciti kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Pamakaɀiitira mumŋe waʋaɗuku ʋehama dzaŋgu idzi, makaɀiitireni. Ɀino ucati kunaʋari kuruɓoshwe: Ibvai kwandiri, imi makatukwa, muende kumŋoto usiŋgaperi, wakagadzirirwa Diaborosi naʋatumŋa ʋake. Nokuti ndakaŋga ndinenzara, mukasandipa cokudya; ndakaŋga ndinenyota, mukasandipa cokunwa; ndakaŋga ndiri mŋeni, mukasandigamucira; ndisineŋguʋo, mukasandipfekedza; ndicirwara, nomutoroŋgo, mukasandifambira. Ɀino naiʋaʋa ʋacapindura, ʋaciti: Ishe, takakuʋonai riniko munenzara, kana munenyota, kana muri mŋeni, kana musineŋguʋo, kana mucirwara, kana muri mutoroŋgo, tikasakushumirai? Ɀino ucaʋapindura, aciti: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri, pamusati makaɀiitira mumŋe waʋaɗuku aʋa, hamuzakaɀiitireni. Aʋa ʋacaenda kukurobga kusiŋgaperi; asi ʋakarurama kuʋupenyu bgusiŋgaperi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 25

Mateo 25:1-46 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)