Mateo 25:1-10
Mateo 25:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Panguva iyoyo umambo hwokudenga huchange hwakafanana navasikana gumi, vakatora mwenje yavo vakabuda kundochingamidza chikomba. Vashanu vavo vakanga vari mapenzi uye vashanu vavo vakanga vakachenjera. Mapenzi vaya vakatora mwenje yavo asi havana kuisa mafuta mairi. Kunyange zvakadaro, vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo pamwe chete nemwenje yavo. Chikomba chakanonoka kusvika, vose vakabatwa nehope ndokuvata. “Pava pakati pousiku vakanzwa mheremhere: ‘Chikomba chauya! Budai mumuchingamidze!’ “Ipapo vasikana vose vakamuka uye vakagadziridza mwenje yavo. Mapenzi akati kuna vakachenjera, ‘Tipeiwo mamwe emafuta enyu; mwenje yedu yava kudzima.’ “Vakapindura vakati, ‘Kwete, zvimwe haangakwaniri isu nemi tose. Asi endai kuna vaya vanotengesa mafuta mugondozvitengera mamwe.’ “Asi vachiri munzira kundotenga mafuta, chikomba chakasvika. Vasikana vakanga vakagadzirira vakapinda naye mumutambo wesvitsa uye musuo ukapfigwa.
Mateo 25:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvino ushe hwedenga hungafananidzwa navasikana vane gumi, vakatora mwenje yavo, vakabuda kundochingamidza muwani. Vashanu vavo vakanga vasina hanya, vashanu vakanga vakachenjera. “Nokuti vasina hanya vakatora mwenje yawo, vakasatora mafuta. Asi vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemwenje yavo. Zvino, muwani akati anonoka, vakakotsira vose, vakavata. “Pakati pohusiku vakanzwa mheremhere, ‘Muwani auya! Budai mumuchingamidze!’ Zvino vasikana vose vakamuka, vakagadzira mwenje yavo. Vasina hanya vakati kuna vakachenjera, ‘Tipeiwo mamwe mafuta enyu, nokuti mwenje yedu yodzima.’ Asi vakachenjera vakapindura, vakati, ‘Kwete, zvimwe haangakwaniri isu nemi tose; endai henyu kuna vanotengesa, muzvitengere.’ Vakati vachienda kundotenga, muwani ndokusvika; zvino, vakanga vakazvigadzira vakapinda naye pamutambo wemuchato, mukova ukapfigwa.
Mateo 25:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Umambo hwedenga huchafananidzwa navasikana vane gumi vakatora marambi avo vakaenda kundochingura muwani. Vashanu vavo vakanga vasina kungwara, vamwe vashanuwo vakanga vakangwara. Vakanga vasina kungwara vaya, pavakatora marambi avo, havana kutakura mamwe mafuta. Asi vakachenjera vakatakura zvigubhu zvamafuta pamwechete namarambi avo. Muwani paakanonoka vakanzwa hope ndokubva vakotsira. Pakati pousiku pakaridzwa mhere yokuti, ‘Muwani wouya, budai mumuchingure.’ Vasikana vaya vose vakamuka vakabatidza marambi avo. Vasina kungwara vakati kuna vakangwara, ‘Tipungurireiwo mafuta enyu nokuti marambi edu ava kuda kudzima.’ Asi vakangwara vakapindura vachiti, ‘Pamwe haangazotikwanira isu nemi. Zvirinani kuti muende kuna vanotengesa mundozvitengera.’ Pavakanga vaenda kundotenga, muwani ndiye vhu kusvika. Vaya vakanga vakagadzirira vakapinda naye mumabiko omuchato. Gonhi ndiye dhwa kuzarirwa.
Mateo 25:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋushe bgokuɗeŋga bguŋgafananidzwa naʋasikana ʋanegumi, ʋakatora mŋenje yaʋo, ʋakaɓuɗa kundociŋgamidza cikomba. Ʋashanu ʋaʋo akaŋga ari mapenzi, ʋashanu ʋakaŋga ʋakacenjera. Nokuti mapenzi akatora mŋenje yawo, akasatora mafuta. Asi ʋakacenjera ʋakatora mafuta mumidziyo yaʋo nemŋenje yaʋo. Ɀino, cikomba cakati cicinonoka, ʋakakotsira ʋose, ʋakaʋata. Pakati poʋusiku ʋakanzwa mhere‐mhere: Cikomba coʋuya! Ƃuɗai mumuciŋgamidzei! Ɀino ʋasikana ʋose ʋakamuka, ʋakagadzira mŋenje yaʋo. Mapenzi akati kunaʋakacenjera: Tipeiʋo mamŋe mafuta enyu, nokuti mŋenje yeɗu yodzima. Asi ʋakacenjera ʋakapindura, ʋakati: Kwete, ɀimŋe haaŋgakwaniri isu nemi tose; endai henyu kunaʋanoteŋgesa, muɀiteŋgere. Ʋakati ʋacienda kundoteŋga, cikomba ndokuȿika; ɀino, ʋakaŋga ʋakaɀigadzira ʋakapinda naco pamutambo wokuwana, mukoʋa ukapfigwa.
Mateo 25:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)