Mateo 24:45-46
Mateo 24:45-46 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ndiani zvino muranda akatendeka uye akachenjera uyo akaiswa natenzi wake kuti atarire varanda veimba yake kuti agovapa zvokudya panguva yakafanira? Akaropafadzwa muranda uyo anowanikwa achiita izvozvo pakudzoka kwatenzi wake.
Mateo 24:45-46 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndianiko muranda akatendeka, akangwara, akagadzwa nashe wake kuti ave mutariri weimba yake, kuti avape zvokudya nenguva yakafanira? “Akaropafadzwa muranda uyo, anoti kana ishe wake achisvika, akamuwana achiita saizvozvo.
Mateo 24:45-46 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ndoupi zvino muranda wakatendeka uye akangwara anoiswa pabasa natenzi wake rokutarira vomumusha make kuti avape zvokudya zvavo nenguva kwayo? Akakomborerwa muranda uyo anoti kana tenzi wake wouya anomuwana achiita saizvozvo.
Mateo 24:45-46 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndianiko muranda wakatendeka, wakaŋgwara, wakagadzwa nashe wake aʋe mutariri weimba yake, kuti aʋape ɀokudya neŋguʋa yakafanira? Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake aciȿika, akamuwana aciita saiɀoɀo.
Mateo 24:45-46 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)