Mateo 24:36-39
Mateo 24:36-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Hapana anoziva musi kana nguva kunyange vatumwa vokudenga kana Mwanakomana, asi Baba chete. Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNoa, ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu. Nokuti sapamazuva iwayo mafashamu asati auya, vanhu vaidya uye vachinwa, vaiwana nokuwanikwa kusvikira pazuva iro Noa akapinda muareka, uye vakanga vasingazivi chinhu pamusoro pezvaizoitika kusvikira mafashamu avakukura vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu.
Mateo 24:36-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
“Asi zvezuva iroro nenguva yacho hapana anozviziva kunyange vatumwa vedenga, kanawo Mwanakomana asi Baba voga. Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNowa, ndizvozvowo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana womunhu. Sapamazuva iwayo, mafashamo emvura asati auya, vanhu vaidya nokunwa vachiroora nokuroorwa kusvikira pazuva rakapinda Nowa mungarava. Havana kuziva kusvikira mafashamo auya akavatsvaira vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana womunhu.

Mateo 24:36-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Asi kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna anozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana, asi Baba voga. Sapamazuva aNoa, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu. Nokuti sapamazuva iwayo, mvura zhinji isati yasvika, vaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva Noa raakapinda naro muareka, vasingazivi zvichavawira kusvikira mvura zhinji yauya, ikavaparadza vose; ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu.
Mateo 24:36-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Asi zvezuva iroro nenguva yacho hapana anozviziva kunyange vatumwa vedenga, kanawo Mwanakomana asi Baba voga. Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNowa, ndizvozvowo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana womunhu. Sapamazuva iwayo, mafashamo emvura asati auya, vanhu vaidya nokunwa vachiroora nokuroorwa kusvikira pazuva rakapinda Nowa mungarava. Havana kuziva kusvikira mafashamo auya akavatsvaira vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana womunhu.
Mateo 24:36-39 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi kana riri zuʋa iro neŋguʋa iyo, hakuna‐unoɀiziʋa, kunyaŋge ʋatumŋa ʋokuɗeŋga, kunyaŋge Mŋanakomana, asi Ƃaɓa ʋoga. Sapamazuʋa aNoa, ndiɀo ɀicaita kuʋuya kwoMŋanakomana womunhu. Nokuti sapamazuʋa iwayo, mvura zhinji isati yaȿika, ʋaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kuȿikira zuʋa Noa raakapinda naro muareka, ʋasiŋgaziʋi kuȿikira mvura zhinji yaʋuya, ikaʋabvisa ʋose; ndiɀo ɀicaita kuʋuya kwoMŋanakomana womunhu.