Mateo 22:35-38
Mateo 22:35-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mumwe wavo aiva, gweta, akamubvunza mubvunzo wokumuedza achiti, “Mudzidzisi ndoupi murao mukuru mumutemo?” Jesu akati kwaari, “Ida Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose. Iwoyu ndiwo mutemo mukuru uye wokutanga.
Mateo 22:35-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mumwe wavo aiva nyanzvi pane zvemirayiro akamuedza nomubvunzo achiti, “Mudzidzisi, ndoupi murayiro mukuru muMurayiro?” Jesu akapindura akati, “ ‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose nokufunga kwako kwose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru uye wokutanga.
Mateo 22:35-38 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mumwe wavo, mududziri womurayiro, akamubvunza, achimuedza, akati, “Mudzidzisi, murayiro mukuru pamirairo ndoupiko?” Akati kwaari, “Ida Ishe, Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose. Ndiwo murayiro mukuru nowokutanga.
Mateo 22:35-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mumwe wavo aiva, gweta, akamubvunza mubvunzo wokumuedza achiti, “Mudzidzisi ndoupi murao mukuru mumutemo?” Jesu akati kwaari, “Ida Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose. Iwoyu ndiwo mutemo mukuru uye wokutanga.
Mateo 22:35-38 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mumŋe waʋo, muɗudziri womurairo, akamubvunza, acimuidza, akati: Mudzidzisi, murairo mukuru pamirairo ndoupiko? Akati kwaari: Iɗa Ishe, Mŋari wako, nomŋoyo wako wose, nomŋeya wako wose, nokufuŋga kwako kwose. Ndiwo murairo mukuru nowokutaŋga.