Mateo 22:34-46
Mateo 22:34-46 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vanzwa kuti Jesu akanga akunda vaSadhusi, vaFarisi vakaungana pamwe chete. Mumwe wavo aiva nyanzvi pane zvemirayiro akamuedza nomubvunzo achiti, “Mudzidzisi, ndoupi murayiro mukuru muMurayiro?” Jesu akapindura akati, “ ‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose nokufunga kwako kwose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru uye wokutanga. Wechipiri wakafanana nawo unoti, ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’ Murayiro wose naVaprofita zvakabatanidzwa pamirayiro iyi miviri.” VaFarisi pavakanga vachakaungana pamwe chete, Jesu akavabvunza akati, “Munofungei nezvaKristu? Mwana waani?” Vakapindura vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi.” Akati kwavari, “Ko, zvino sei Dhavhidhi achitaura noMweya akamuti, ‘Ishe’? Nokuti anoti, “ ‘Ishe akati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi, kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.’ Zvino kana Dhavhidhi achimuti, ‘Ishe’ angagova mwanakomana wake sei?” Hapana akagona kutaura shoko rimwe, uye kubva pazuva iroro zvichienda mberi hapana akazoshinga kumubvunza mimwezve mibvunzo.
Mateo 22:34-46 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
VaFarisi vakati vachinzwa kuti wapwisa vaSadhusi, vakaungana pamwechete. Mumwe wavo, mududziri womurayiro, akamubvunza, achimuedza, akati, “Mudzidzisi, murayiro mukuru pamirairo ndoupiko?” Akati kwaari, “Ida Ishe, Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose. Ndiwo murayiro mukuru nowokutanga. Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu, ‘Ida wokwako, sezvaunozvida iwe.’ Murayiro wose navaporofita zvakabatanidzwa pamirairo iyi miviri.” Zvino vaFarisi vachakaungana, Jesu akavabvunza, akati, “Munofungeiko pamusoro paKristu? Mwanakomana waaniko?” Vakati kwaari, “WaDhavhidhi.” Akati kwavari, “Dhavhidhi akagomutumidza seiko noMweya, Ishe wake, achiti, ‘Ishe akati kuna Ishe wangu, Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako?’ Zvino, kana Dhavhidhi achimutumidza Ishe, angagova mwanakomana wake seiko?” Kwakanga kusina munhu akagona kumupindura shoko, uye kwakanga kusina munhu akatsunga kumubvunza chinhu pazuva iro.
Mateo 22:34-46 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
VaFarisei pavakanzwa kuti akapwisa vaSadhusei, vakaungana. Mumwe wavo aiva, gweta, akamubvunza mubvunzo wokumuedza achiti, “Mudzidzisi ndoupi murao mukuru mumutemo?” Jesu akati kwaari, “Ida Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose. Iwoyu ndiwo mutemo mukuru uye wokutanga. Wechipiri wakafanana naiwo unoti, ‘Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako.’ Mirao miviri iyoyi ndiyo misimboti yemitemo yose navaporofita.” VaFarisei pavakanga vakaungana, Jesu akavabvunza mubvunzo achiti, “Munofungei nezvaKristu? Mwanakomana waani?” Vakati kwaari, “Mwana waDhavhidhi.” Iye akati kwavari, “Ko sei Dhavhidhi, afemerwa naMweya Mutsvene, anomuti Tenzi paanoti, “ ‘Tenzi akati kuna tenzi wangu gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako?’ Ko zvino kana Dhavhidhi achimuti, ‘Tenzi,’ ko angave Mwana wake sei?” Hapana akagona kumupindura kana izwi zvaro. Uyewo kubvira pazuva iroro hapana akazofemerazve kumubvunza mibvunzo mimwe.
Mateo 22:34-46 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ƲaFarise ʋakati ʋacinzwa kuti wapxisa ʋaSaduse, ʋakaʋuŋgana pamŋe cete. Mumŋe waʋo, muɗudziri womurairo, akamubvunza, acimuidza, akati: Mudzidzisi, murairo mukuru pamirairo ndoupiko? Akati kwaari: Iɗa Ishe, Mŋari wako, nomŋoyo wako wose, nomŋeya wako wose, nokufuŋga kwako kwose. Ndiwo murairo mukuru nowokutaŋga. Wecipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Iɗa wokwako, seɀaunoɀiɗa iwe. Murairo wose naʋaprofita ɀakaɓatanidzwa pamirairo iyi miʋiri. Ɀino ʋaFarise ʋacakaʋuŋgana, Jesu akaʋabvunza, akati: Munofuŋgeiko pamsoro paKristu? Mŋanakomana waniko? Ʋakati kwaari: WaDavidi. Akati kwaʋari: Davidi wakagomutumidza seiko noMŋeya, Ishe wake, aciti: Ishe wakati kunaShe waŋgu: Gara kurudyi rwaŋgu, Kuȿikira ndaisa ʋaʋeŋgi ʋako pasi petsoka dzako? Ɀino, kana Davidi acimutumidza Ishe, uŋgagoʋa mŋanakomana wake seiko? Kwakaŋga kusinomunhu wakagona kumupindura shoko, ʋuye kwakaŋga kusinomunhu wakatsuŋga kumubvunza cinhu pazuʋa iro.
Mateo 22:34-46 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)