Mateo 22:1-33
Mateo 22:1-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jesu akapindura, akataurazve navo nemifananidzo, akati, “Ushe hwedenga hungafananidzwa nomumwe mambo, wakaitira mwanakomana wake mutambo wokuchata; akatuma varanda vake kundodana avo vakanga vakokerwa kumutambo wokuchata; vakaramba kuuya. Akatumazve vamwe varanda, akati, ‘Udzai vakakokwa, muti, tarirai, ndagadzira mabiko angu; nzombe dzangu nezvakakora zvangu zvabayiwa, zvinhu zvose zvagadzirwa; uyai kumutambo wokuchata.’ Asi havana kurangarira, vakaenda, mumwe kumunda wake, mumwe kukutengesa kwake; vamwe vakabata varanda vake, vakavaitira zvakaipa, vakavauraya. Zvino mambo akatsamwa, akatuma hondo dzake, akaparadza vaya vakauraya, varanda vake akapisa guta ravo. “Zvino akati kuvaranda vake, ‘Mutambo wokuchata wakagadzirwa, asi vakanga vakokerwa vakanga vasina kufanirwa. Naizvozvo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumutambo vose vamuNowana.’ Varanda ivavo vakaenda kunzira, vakaunganidza vose vavakawana, vakaipa navakanaka; imba yomuchato ikazara navagere pakudya. “Zvino mambo akati achipinda kuzoona vagere pakudya, akaona munhu asina kupfeka nguo yomuchato; akati kwaari, ‘Shamwari, wapinda pano seiko, usina nguo yomuchato?’ ” Akanyarara. Zvino mambo akati kuvaranda, “Musungei makumbo namaoko, mumukandirei kunze murima; apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.” “Nokuti vazhinji vakadanwa, asi vakasanangurwa vashoma.” Zvino vaFarisi vakaenda kundorangana kuti vangamubata sei pakutaura kwake. Vakatuma kwaari vadzidzi vavo navaHerodhi, vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wechokwadi, munodzidzisa nzira yaMwari nechokwadi, musingarangariri zvinoonekwa zvomunhu; nokuti hamutariri zviri kunze kwomunhu. Zvino tiudzei, munofungeiko? Munhu anotenderwa kutera mutero waKesari here, kana kwete?” Asi Jesu akaziva kuipa kwavo, akati, “Munondiedzereiko, imi vanyengeri? Ndiratidzei mari yomutero.” Vakauya kwaari nedhenari. Zvino akati kwavari, “Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvaani?” Vakati kwaari, “ZvaKesari.” Akati kwavari, “Naizvozvo, ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.” Vakati vachinzwa izvozvo, vakashamiswa, vakamusiya, vakaenda. Nezuva iro vaSadhusi vakasvika kwaari, ivo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakamubvunza, vachiti, “Mudzidzisi, Mosesi akati, kana munhu akafa asina vana, munun'una wake ngaawane mukadzi wake, agomutsira mukoma wake vana. Kwatiri kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akawana mukadzi, akafa asina vana, akasiyira munun'una wake mukadzi wake; nokudarowo wechipiri, nowechitatu, kusvikira kuno wechinomwe. Shure kwavose mukadzi akafawo. Zvino pakumuka kwavakafa, achava mukadzi waaniko wavanomwe ava, nokuti vose vaiva naye.” Jesu akapindura, akati kwavari, “Marasika, nokusaziva Magwaro, kana simba raMwari. Nokuti pakumuka kwavakafa havawani, kana kuwaniswa; asi vakaita savatumwa kudenga. Asi kana kuri kumuka kwavakafa, hamuna kurava here zvamakaudzwa naMwari, paakati, ‘Ini ndiri Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho?’ Haasi Mwari wavakafa, asi wavapenyu.” Vanhu vazhinji vachinzwa izvozvo, vakashamiswa nokudzidzisa kwake.
Mateo 22:1-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akataurazve kwavari nemifananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana namambo akagadzirira mwanakomana wake mutambo wesvitsa. Akatuma varanda vake kuna avo vainge vakakokwa kumutambo kuti vachiuya, asi vakaramba kuuya. “Ipapo akatumazve vamwe varanda achiti, ‘Taurirai vose vakakokwa kuti ndagadzirira mabiko: Ndabaya nzombe nemombe dzakakodzwa uye zvose zvagadzirirwa. Uyai kumutambo wesvitsa.’ “Asi hapana akateerera uye vakaenda mumwe kumunda wake, mumwewo kune rimwe basa rake. Vamwe vavo vakabata varanda vake vakavaitira zvakaipa uye vakavauraya. Mambo akatsamwa kwazvo. Akatuma hondo yake kundoparadza vaurayi vaya uye akapisa guta ravo. “Ipapo akati kuvaranda vake, ‘Mutambo wesvitsa wagadzirirwa asi vaya vandakakoka vakanga vasingakodzeri kuti vauye. Endai kumharadzano dzenzira mundokoka kumutambo ani zvake wamuchawana.’ Saka varanda vakaenda mumigwagwa vakandokokorodza vose vavakagona kuwana, vose vakanaka nevakaipa, uye imba yesvitsa ikazara navakanga vakokwa. “Asi mambo akati apinda kuzoona vakanga vakokwa, akaona munhu imomo akanga asina nguo yesvitsa. Akamubvunza akati, ‘Shamwari, wapinda seiko muno usina nguo yesvitsa?’ Munhu uya akashaya chokureva. “Ipapo mambo akaudza varanda vake akati, ‘Musungei maoko namakumbo mumukande panze, murima, umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno.’ “Nokuti vazhinji vakakokwa asi vakasarudzwa vashoma.” Ipapo vaFarisi vakabuda vakandoronga kuti vamubate namashoko ake. Vakatuma vadzidzi vavo kwaari pamwe chete navaHerodhi. Vakati, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu akarurama uye kuti munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nechokwadi. Hamutsauswi navanhu nokuti hamutarisi kuti ndivanaani. Tiudzei zvino kuti imi, munoti kudini? Zvakanaka here kutera mutero kuna Kesari kana kuti hazvina?” Asi Jesu, achiziva kuipa kwavo, akati, “Imi vanyengeri munondiedzereiko? Ndiratidzei mari inoshandiswa pakutera mutero.” Vakamuvigira dhenari uye akavabvunza akati, “Ko, mufananidzo uyu ndowaani uye runyoro urwu ndorwaani?” Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.” Ipapo akati kwavari, “Ipai kuna Kesari zvaKesari, uye kuna Mwari zvaMwari.” Vakati vanzwa izvi, vakashamiswa. Saka vakamusiya vakaenda. Pazuva rimwe chetero vaSadhusi, avo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya kwaari nomubvunzo. Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatiudza kuti murume akafa asina vana mununʼuna wake anofanira kuwana chirikadzi agomuberekera vana. Zvino pakati pedu paiva navanakomana vomunhu mumwe vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi ndokubva iye afa, uye sezvo akanga asina vana, akasiyira mununʼuna wake mukadzi. Zvimwe chetezvo zvakaitika kuno wechipiri nowechitatu kusvikira kuno wechinomwe. Pakupedzisira mukadzi akazofawo. Zvino pakumuka kwavakafa, achava mukadzi waaniko pavanomwe vaya sezvo vose vaiva varume vake?” Jesu akavapindura akati, “Ndipo pamunorasika ipapo nokuti hamuzivi Magwaro kana simba raMwari. Pakumuka kwavakafa vanhu havawani kana kuwanikwa, vachange vakaita savatumwa kudenga. Asi pane zvokumuka kwavakafa, hamuna kuverenga here zvakarehwa naMwari kwamuri, achiti, ‘Ndini Mwari waAbhurahama naMwari waIsaka naMwari waJakobho’? Haasi Mwari wavakafa asi wavapenyu.” Vanhu vazhinji vakati vanzwa izvi, vakashamiswa nokudzidzisa kwake.
Mateo 22:1-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akataurazve kwavari nemienzaniso achiti, “Umambo hwedenga hungafanidzwe namambo akaitira mwanakomana wake mabiko omuchato. Akatuma varanda vake kundodaidza avo vakanga vakokwa kumabiko omuchato; asi havana kuda kuuya. Akatumazve vamwe varanda achiti indotaurirai vakakokwa vaya kuti, ‘Onai, ndagadzirira mabiko angu, ndabaya mombe, ndikabaya zvimhuru zvangu zvakakora. Zvose zvagadzirirwa. Chiuyai kumabiko omuchato.’ Asi ivo havana kumboita hanya nazvo, vakabva vatoenda zvavo, mumwe kupurazi yake, mumwe kushawo yake. “Vamwewo vakatobata varanda vake vakavafumura vakavauraya. Mambo akashatirwa akatumira masoja ake akaparadza mhondi idzodzo. Akapisa guta ravo. Akazoti kuvaranda vake, ‘Muchato wagadzirirwa asi vaya vakakokwa vanga vasina kukodzera. Saka endai pamharadzano dzemigwagwa mundokoka kumabiko omuchato vose vamunenge makwanisa kuwana.’ Varanda vaya vakafamba nemigwagwa vakakokorodza vose vavakakwanisa kuwana, vakanaka navakaipa. Saizvozvo zimba romuchato rakazara navakanga vakokwa. “Mambo paakauya kuzoona vaeni, akaona imomo mumwe munhu akanga asina hanzu yomuchato. Akati kwaari, ‘Shamwari, wapinda seiko muno usina hanzu yomuchato?’ Akabva aomerwa nerokutaura. Mambo akati kuna vashandi vake, ‘Musungei maoko namakumbo mumukande murima rokunze.’ ” Ikoko vanhu vachachema nokurumanidza mazino. Nokuti vazhinji vanodaidzwa asi vashoma ndivo vanosarudzwa. VaFarisei vakaenda vakandoita musangano kuti vangamubate sei mukutaura kwake. Vakatuma kwaari vadzidzi vavo pamwechete nevechikwata chokwaHerodhi vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu ari pachokwadi uye kuti munodzidzisa gwara raMwari zviri pachokwadi musingatyi munhu nokuti hamunei nechigaro chino munhu. Saka tiudzei kuti munofungei, zviri pamutemo here kutera mutero kuna Siza kana kuti kwete?” Jesu akaziva uipi hwavo akati, “Munondiedzereiko nhai imi vanyengedzi? Ndiratidzei mari yacho yamunotera nayo mutero.” Vakamuunzira mari chena yainzi dhenari. Jesu ndokuti kwavari, “Ko mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvani?” Vakati, “NdezvaSiza.” Iye ndokuvati, “Ipai zvaSiza kuna Siza, mupewo zvaMwari kuna Mwari.” Pavakazvinzwa zvakavashamisa vakamusiya voenda zvavo. Pazuva rimwechetero, vaSadhusei vakauyawo kwaari. Ndivo vaya vanoti zvokumuka kwavakafa hakuna. Vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, Mosesi akati kana murume akafa asina vana munun'una wake anofanira kumugara nhaka kuti aberekere mukoma vana. Zvino pakati pedu kwaiva navarume, mukoma nomunun'una vanomwe. Wokutanga akaroora akafa asina kuita vana. Akasiya mukadzi wake kumunun'una wake. Ndizvozvowo zvakaitika kune wechipiri newechitatu kusvika kune wechinomwe. Mushure mavo vose, mukadzi uya akafa. Ko zvino pakumuka kwavakafa achava mukadzi woupi pavanomwe ivava nokuti akambova wavo vose zvavo?” Jesu akavapindura achiti, “Munokanganisa, nokuti hamuzivi Magwaro Matsvene uye simba raMwari. Nokuti pakumuka kwavanhu kubva kuvafi, havazoroori kana kuroorwa. Asi vanenge vaita savatumwa vokudenga. Pane zvokumuka kwavakafa hamuna kuverenga here zvakataurwa naMwari kwamuri achiti, ‘Ndini Mwari waAbhurahamu naMwari Isaki, naMwari Jakobho. Haasi Mwari wavakafa asi Mwari wavapenyu?’ ” Uuzhinji hwavanhu pahwakazvinzwa hwakashamiswa nechidzidziso chake.
Mateo 22:1-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jesu wakapindura, akataura ɀe naʋo nemifananidzo, akati: Ʋushe bgokuɗeŋga bguŋgafananidzwa nomumŋe mambo, wakaitira mŋanakomana wake mutambo wokuwana; akatuma ʋaranda ʋake kundoɗana aʋo ʋakaŋga ʋakokerwa kumutambo wokuwana; ʋakaramba kuʋuya. Akatuma ɀe ʋamŋe ʋaranda, akati: Ʋudzai ʋakakokerwa, muti: Tarirai, ndagadzira ciȿuȿuro caŋgu; nzombe dzaŋgu neɀakakora ɀaŋgu ɀaɓayiwa, ɀinhu ɀose ɀagadzirwa; ʋuyai kumutambo wokuwana. Asi haʋana‐kuraŋgarira, ʋakaenda, mumŋe kumunda wake, mumŋe kukuteŋgesa kwake; ʋamŋe ʋakaɓata ʋaranda ʋake, ʋakaʋaitira ɀakaipa, ʋakaʋaʋuraya. Ɀino mambo wakatsamŋa, akatuma hondo dzake, akaparadza ʋaya ʋakaʋaʋuraya, akapisa guta raʋo. Ɀino akati kuʋaranda ʋake: Mutambo wokuwana wakagadzirwa, asi ʋakaŋga ʋakokerwa ʋakaŋga ʋasina‐kufanirwa. Naiɀoɀo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumutambo ʋose ʋamunowana. Ʋaranda iʋaʋo ʋakaɓuɗira kunzira, ʋakaʋuŋganidza ʋose ʋaʋakawana, ʋakaipa naʋakanaka; imba yokuwana ikazara naʋagere pakudya. Ɀino mambo wakati acipinda kuzoʋona ʋagere pakudya, akaʋona munhu usina‐kupfeka ŋguʋo yomutambo wokuwana; akati kwaari: Shamŋari, wapinda pano seiko, usineŋguʋo yomutambo wokuwana? Akanyarara. Ɀino mambo akati kuʋaranda: Mumusuŋgei makumbo namaʋoko, mumukandirei kunze murima; apo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno. Nokuti ʋazhinji ʋakaɗanwa, asi ʋakasanaŋgurwa ʋashoma. Ɀino ʋaFarise ʋakaenda kundoraŋgana kuti ʋaŋgamuɓata sei pakutaura kwake. Ʋakatuma kwaari ʋadzidzi ʋaʋo naʋaHerode, ʋaciti: Mudzidzisi, tinoziʋa kuti ndimi waɀokwaɗi, munodzidzisa nzira yaMŋari neɀokwaɗi, musiŋgaraŋgariri ɀinoʋonekwa ɀomunhu; nokuti hamutariri ɀiri kunze kwomunhu. Ɀino tiʋudzei, munofuŋgeiko? Munhu unotenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete? Asi Jesu wakaziʋa kuipa kwaʋo, akati: Munondiidzireiko, imi ʋanyeŋgeri? Ndiratidzei mari yomutero. Ʋakaʋuya kwaari nedenari. Ɀino akati kwaʋari: Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndeɀani? Ʋakati kwaari: ⱿaKesari. Akati kwaʋari: Naiɀoɀo, ipai Kesari ɀaKesari, naMŋari ɀaMŋari. Ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakashamiswa, ʋakamusiya, ʋakaenda. Nezuʋa iro ʋaSaduse ʋakaȿika kwaari, iʋo ʋanoti hakuna‐kumuka kwaʋakafa, ʋakamubvunza, ʋaciti: Mudzidzisi, Mosesi wakati, kana munhu akafa asinaʋana, munuŋuna wake ŋgaawane mukadzi wake, agomutsira mukoma wake ʋana. Kwatiri kwakaŋga kunaʋanakomana ʋomunhu mumŋe ʋanomŋe; weɗaŋgwe akawana mukadzi, akafa asinaʋana, akasiyira munuŋuna wake mukadzi wake; nokuɗaro ʋo wecipiri, nowecitatu, kuȿikira kunowecinomŋe. Shure kwaʋose mukadzi akafa ʋo. Ɀino pakumuka kwaʋakafa, ucaʋa mukadzi waniko waʋanomŋe aʋo, nokuti ʋose ʋaiʋa naye. Jesu akapindura, akati kwaʋari: Marashika, nokusaziʋa Magwaro, kana simba raMŋari. Nokuti pakumuka kwaʋakafa haʋawani, kana kuwaniswa; asi ʋakaita saʋatumŋa kuɗeŋga. Asi kana kuri kumuka kwaʋakafa, hamuna‐kuraʋa here ɀamakaʋudzwa naMŋari, paakati: Ini ndiri Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo? Haazi Mŋari waʋakafa, asi waʋapenyu. Ʋanhu ʋazhinji ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakashamiswa nokudzidzisa kwake.
Mateo 22:1-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)