Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 21:33-46

Mateo 21:33-46 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

“Inzwai mumwe mufananidzo. Kwakanga kuno mumwe murume akanga arima munda wake wemizambiringa. Akaukomberedza noruzhowa, akacherera chisviniro chewaini uye akavaka shongwe. Ipapo akasiya munda womuzambiringa kuvarimi vaimupa mari ndokuenda parwendo rurefu. Nguva yokukohwa yakati yasvika, akatuma varanda vake kuvarimi vaya kuti vandotora zvibereko zvake. “Varimi vakabata varanda vaya, vakarova mumwe, vakauraya mumwe, uye vakataka wechitatu namabwe. Ipapo akatumazve vamwe varanda kwavari, vakawanda kupfuura vokutanga, varimi vakavaitira zvimwe chetezvo. Pakupedzisira akatuma mwanakomana wake kwavari. Akati, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’ “Asi varimi pavakaona mwanakomana vakataurirana vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Uyai timuuraye, tigotora nhaka yake.’ Saka vakamutora vakamubudisa kunze kwemunda wemizambiringa vakamuuraya. “Naizvozvo, panouya muridzi womunda womuzambiringa achaiteiko kuvarimi avo?” Vakapindura vakati, “Achaparadza varimi vakaipa ava, uye achapa munda womuzambiringa kuna vamwe varimi avo vachazomupa mugove wake wezvirimwa pakukohwa.” Jesu akati kwavari, “Hamuna kutomborava here muMagwaro panoti: “ ‘Ibwe rakarambwa navavaki ndiro rakazova musoro wekona. Ishe aita izvi, uye zvinoshamisa pamberi pedu’? “Naizvozvo ndinokuudzai kuti umambo hwaMwari huchatorwa kubva kwamuri huchipiwa kuvanhu vachabereka zvibereko zvahwo. Uyo anowira pamusoro pebwe iri achavhunika kuita zvidimbu zvidimbu asi uyo warichawira achapwanyiwa.” Vaprista vakuru navaFarisi pavakanzwa mifananidzo yaJesu, vakaziva kuti aitaura nezvavo. Vakatsvaka nzira yokuti vamusunge nayo, asi vakatya vanhu vazhinji nokuti vakanga vachiti muprofita.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 21

Mateo 21:33-46 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Inzwai mumwe mufananidzo, kwaiva nomunhu aivapo, saimba, akasima munda wake wemidzambiringa; akaukomberedza noruzhowa, akachera guvi rokusvinira mauri, akavaka chirindo chirefu, akaupa varimi, ndokufamba rwendo. “Nguva yemichero yakati yosvika, akatuma varanda vake kuvarimi, kundopiwa michero yake. Asi varimi vakabata varanda vake, vakarova mumwe, vakauraya mumwe, vakataka mumwe namabwe. Akatumazve vamwe varanda, vazhinji kukunda wokutanga; vakavaitira saizvozvo. Zvino pashure akatuma mwanakomana wake kwavari, achiti, ‘Mwanakomana wangu vachava nehanya naye.’ Asi varimi vakati vachiona mwanakomana, vakataurirana, vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai timuuraye, titore nhaka yake.’ Zvino vakamubata vakamubudisa kunze kwomunda wemidzambiringa, vakamuuraya. “Zvino kana tenzi womunda wemidzambiringa achizouya, achaiteiko navarimi ivavo?” Vakati kwaari, “Achaparadza kwazvo vanhu avo vakaipa, akaisa vamwe varimi mumunda wemidzambiringa, vachazomupa michero nenguva yavo.” Jesu akati kwavari, “Hamuna kutongorava here muMagwaro paye panoti: ‘Ibwe rakaraswa navavaki, Ndiro rakazova musoro wekona; Izvozvo zvakaitwa naIshe, Zvinoshamisa pameso edu?’ “Naizvozvo ndinoti kwamuri, muchatorerwa imi ushe hwaMwari, hukapiwa vanhu vanobereka michero yahwo. [ “Anowira pamusoro pebwe iri, achapwanyika asi richaparadza warinowira.]” Vapristi vakuru navaFarisi vakati vachinzwa mifananidzo yake, vakaziva kuti anovareva ivo. Zvino vakatsvaka kumubata, asi vakatya vanhu vazhinji, nokuti vakanga vachiti muporofita.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 21

Mateo 21:33-46 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Inzwai mumŋe mufananidzo: Mumŋe munhu waiʋa’po, mŋene weimba, wakasima munda wake wemizambiriŋga; akaukomba noruzhowa, akacera pokuȿinira mauri, akaʋaka cirindo, akaupa ʋarimi, ndokufamba rwendo. Ŋguʋa yeɀiɓereko yakati yoȿika, akatuma ʋaranda ʋake kuʋarimi, kundotora ɀiɓereko ɀake. Asi ʋarimi ʋakaɓata ʋaranda ʋake, ʋakaroʋa mumŋe, ʋakaʋuraya mumŋe, ʋakataka mumŋe namabge. Akatuma ɀe ʋamŋe ʋaranda, ʋazhinji kunoʋokutaŋga; ʋakaʋaitira saiɀoɀo. Ɀino pashure akatuma mŋanakomana wake kwaʋari, aciti: Mŋanakomana waŋgu ʋacaʋa nehanya naye. Asi ʋarimi ʋakati ʋaciʋona mŋanakomana, ʋakataurirana, ʋaciti: Uyu ndiye mugari wenhaka; ʋuyai timuʋuraye, titore nhaka yake. Ɀino ʋakamuɓata ʋakamuɓuɗisa kunze kwomunda wemizambiriŋga, ʋakamuʋuraya. Ɀino kana mŋene womunda wemizambiriŋga acizoʋuya, ucaiteiko naʋarimi iʋaʋo? Ʋakati kwaari: Ucaparadza kwaɀo ʋanhu aʋo ʋakaipa, akaisa ʋamŋe ʋarimi mumunda wemizambiriŋga, ʋacazomupa ɀiɓereko neŋguʋa dzaɀo. Jesu akati kwaʋari: Hamuna‐kutoŋgoraʋa here paMagwaro panoti: Ibge rakarashwa naʋaʋaki, Ndiro rakazoʋa musoro wekona; Iɀoɀo ɀakaitwa naShe, Ɀinoshamisa pameso eɗu? Naiɀoɀo ndinoti kwamuri: Mucatorerwa imi ʋushe bgaMŋari, bgukapiwa ʋanhu ʋanoɓereka ɀiɓereko ɀabgo. Unowira pamsoro pebge iri, ucavunikanya; asi ricaparadza warinowira. Ʋaprista ʋakuru naʋaFarise ʋakati ʋacinzwa mifananidzo yake, ʋakaziʋa kuti unoʋareʋa iʋo. Ɀino ʋakatȿaka kumuɓata, asi ʋakatya ʋanhu ʋazhinji, nokuti ʋakaŋga ʋaciti muprofita.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 21