Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 21:1-46

Mateo 21:1-46 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Vakati voswedera kuJerusarema uye vasvika muBhetifage pagomo reMiorivhi, Jesu akatuma vadzidzi vaviri, achiti kwavari, “Endai kumusha wamakatarisana nawo uye imomo muchaona mbongoro yakasungirirwa pamwe chete nomwana wayo. Mudzisunungure muuye nadzo kwandiri. Kana pano munhu anotaura chinhu kwamuri, mumuudze kuti, Ishe anodzida uye achadzidzosa nokukurumidza.” Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zvakataurwa kubudikidza nomuprofita achiti: “Muti kuMwanasikana weZioni, ‘Tarira, Mambo wako anouya kwauri, ari munyoro, akatasva mbongoro, ari pamusoro pomwana wembongoro.’ ” Vadzidzi vakaenda vakandoita sezvavakanga varayirwa naJesu. Vakauya nembongoro nomwana wayo, vakaisa nguo dzavo pamusoro padzo, uye Jesu akagara pamusoro padzo. Vanhu vazhinji vakawarira nguo dzavo mumugwagwa, vamwewo vakatema mapazi emiti vakaawarira mumugwagwa. Vazhinji vakanga vakatungamira mberi navaya vakanga vachitevera vakadanidzira vachiti: “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi!” “Akaropafadzwa uyo anouya muzita raIshe!” “Hosana kumusoro-soro!” Jesu akati apinda muJerusarema, guta rose rakazungunuswa, vakabvunza vachiti, “Ndianiko uyu?” Vazhinji vakati, “Uyu ndiye Jesu, muprofita anobva kuNazareta kuGarirea.” Jesu akapinda munzvimbo yetemberi akadzinga vose vaitenga nokutengesa. Akapidigura tafura dzavaitsinhanha mari nezvigaro zvavaitengesa njiva. Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera,’ asi imi mava kuiita ‘bako ramakororo.’ ” Mapofu navakaremara vakauya kwaari kutemberi, uye akavaporesa. Asi vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro pavakaona zvinhu zvinoshamisa zvaakaita, uye vana vachidanidzira mutemberi vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi,” vakatsamwa. Vakamubvunza vachiti, “Uri kunzwa zviri kurehwa navana ava here?” Jesu akavapindura achiti, “Hongu, hamuna kurava here panoti: “ ‘Pamiromo yavana navacheche makaisa rumbidzo’?” Uye akavasiya akabuda muguta umu akaenda kuBhetani kwaakandovata. Mangwanani-ngwanani, paakanga ari munzira achidzokera kuguta, akanzwa nzara. Akati aona muonde pedyo nomugwagwa, akatsaukira pauri asi haana kuwana chinhu pauri kunze kwamashizha. Ipapo akati kwauri, “Ngakurege kuva nemicherozve pauri!” Pakarepo muti uya wakabva wasvava. Vadzidzi vakati vazviona, vakakatyamara, vakati, “Ko, muonde uyu wabva wasvava pakarepo sei?” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti kana mune kutenda uye musingakahadziki, hamungaiti zvaitwa kumuonde uyu chete, asi munogonawo kuti kugomo iri, ‘Enda undozvikanda mugungwa’ uye zvichaitika. Kana muchitenda, muchagamuchira zvose zvamunokumbira mukunyengetera.” Jesu akapinda muruvazhe rwetemberi, uye paakanga achidzidzisa, vaprista vakuru navakuru vavanhu vakauya kwaari. Vakamubvunza vakati, “Muri kuita zvinhu izvi nesimba ripi? Uye ndiani akakupai simba irori?” Jesu akapindura akati, “Nemiwo ndichakubvunzai mubvunzo mumwe chete. Kana mukandipindura ndichakuudzaiwo simba randiri kuita naro zvinhu izvi. Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabvepi? Rwakabva kudenga here kana kuvanhu?” Vakataurirana pakati pavo vachiti, “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga’ achazobvunza kuti, ‘Zvino makaregerei kumutenda?’ Asi kana tikati, ‘Rwakabva kuvanhu,’ tinotya vanhu, nokuti vose vanotenda kuti Johani aiva muprofita.” Saka vakapindura Jesu vachiti, “Hatizivi.” Ipapo iye akati, “Neni handingakuudzeiwo simba randinoita naro zvinhu izvi.” “Munofungei nazvo? Paiva nomurume aiva navanakomana vaviri. Akaenda kuno wokutanga akati, ‘Mwanangu, enda nhasi unoshanda mumunda wemizambiringa.’ “Akapindura achiti, ‘Handidi,’ asi pashure akazvidemba uye akazoenda hake. “Ipapo baba vaya vakaenda kuno mumwe mwanakomana vakasvikomuudza zvimwe chetezvo. Iye akapindura achiti, ‘Ndichaenda, baba’ asi haana kuenda. “Ndoupiko pavaviri ava akaita zvaidiwa nababa vake?” Vakapindura vachiti, “Wokutanga.” Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, vateresi nezvifeve vari kukutangirai kupinda muumambo hwaMwari. Nokuti Johani akauya kwamuri kuti azokuratidzai nzira yokururama, mukasamutenda, asi vateresi nezvifeve vakatenda. Uye kunyange mushure mokunge maona izvi hamuna kutendeuka mukamutenda. “Inzwai mumwe mufananidzo. Kwakanga kuno mumwe murume akanga arima munda wake wemizambiringa. Akaukomberedza noruzhowa, akacherera chisviniro chewaini uye akavaka shongwe. Ipapo akasiya munda womuzambiringa kuvarimi vaimupa mari ndokuenda parwendo rurefu. Nguva yokukohwa yakati yasvika, akatuma varanda vake kuvarimi vaya kuti vandotora zvibereko zvake. “Varimi vakabata varanda vaya, vakarova mumwe, vakauraya mumwe, uye vakataka wechitatu namabwe. Ipapo akatumazve vamwe varanda kwavari, vakawanda kupfuura vokutanga, varimi vakavaitira zvimwe chetezvo. Pakupedzisira akatuma mwanakomana wake kwavari. Akati, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’ “Asi varimi pavakaona mwanakomana vakataurirana vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Uyai timuuraye, tigotora nhaka yake.’ Saka vakamutora vakamubudisa kunze kwemunda wemizambiringa vakamuuraya. “Naizvozvo, panouya muridzi womunda womuzambiringa achaiteiko kuvarimi avo?” Vakapindura vakati, “Achaparadza varimi vakaipa ava, uye achapa munda womuzambiringa kuna vamwe varimi avo vachazomupa mugove wake wezvirimwa pakukohwa.” Jesu akati kwavari, “Hamuna kutomborava here muMagwaro panoti: “ ‘Ibwe rakarambwa navavaki ndiro rakazova musoro wekona. Ishe aita izvi, uye zvinoshamisa pamberi pedu’? “Naizvozvo ndinokuudzai kuti umambo hwaMwari huchatorwa kubva kwamuri huchipiwa kuvanhu vachabereka zvibereko zvahwo. Uyo anowira pamusoro pebwe iri achavhunika kuita zvidimbu zvidimbu asi uyo warichawira achapwanyiwa.” Vaprista vakuru navaFarisi pavakanzwa mifananidzo yaJesu, vakaziva kuti aitaura nezvavo. Vakatsvaka nzira yokuti vamusunge nayo, asi vakatya vanhu vazhinji nokuti vakanga vachiti muprofita.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 21

Mateo 21:1-46 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Vakati vachisvika Bhetifage, pagomo reMiorivhi, Jesu akatuma vadzidzi vaviri, akati kwavari, “Endai kumusha wakatarisana nemi, pakarepo muchawana dhongi nemwana waro akasungirirwa, murisunungure, muuye naro kwandiri. Kana ani naani achitaura chinhu kwamuri, muti, ‘Ishe anorida;’ pakarepo acharidzosa.” Izvozvo zvakaitwa, kuti zvakataurwa nomuporofita zviitike, paakati, “Udzai mwanasikana weZioni, Tarira Mambo wako anouya kwauri, Ari munyoro, akatasva dhongi, Nemhuru yechipfuwo chinokweva.” Vadzidzi vakaenda, vakaita sezvavakarairwa naJesu, vakauya nedhongi nemwana waro, vakaisa nguo dzavo pamusoro paro; Jesu ndokuritasva. Vazhinji pakati pavanhu vakawarira nguo dzavo munzira; vamwe vakatema matavi emiti vakaawarira munzira. Vanhu vazhinji vakanga vakamutungamirira, navakanga vachitevera, vakadanidzira, vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi! Ngaakudzwe iye anouya muzita raIshe! Hosana kumusorosoro!” Akati apinda Jerusaremu, guta rose rikapesaniswa, vanhu vakati, “Uyu ndianiko?” Vanhu vazhinji vakati, “NdiJesu muporofita weNazareta reGariria.” Zvino Jesu akapinda mutemberi, akabudisa vose vaitengesa navaitenga mutemberi; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva, akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera,’ asi imi munoiita bako ramakororo.” Zvino mapofu navaikamhinha vakauya kwaari mutemberi akavaporesa. Asi vapristi vakuru navanyori vakati vachiona zvinoshamisa zvaakanga achiita, navana vachidanidzira mutemberi, vachiti, “Hosana Mwanakomana waDhavhidhi!” vakafa neshungu, vakati kwaari, “Unonzwa zvavanotaura ivavo here?” Jesu akati kwavari, “Hongu,” hamuna kutongorava here, panoti, “Mumiromo yavacheche navanomwa makakwanisa kukudza?” Akavasiya, akabva muguta, akaenda Bhetania, kwaakandovata. Mangwanani akati achidzokera kuguta, akanzwa nzara. Zvino, akati achiona muonde mumwe panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha bedzi; akati kwauri, “Ngakurege kuva nemichero kwauri nokusingaperi.” Muonde ukaoma pakarepo. Vadzidzi vakati vachizviona, vakashamiswa, vakati, “Muonde waoma pakarepo seiko?” Jesu akapindura, akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, dai maiva nokutenda, musinganyunyuti, hamungaiti izvi zvomuonde bedzi, asi kana mukati kugomo iri, ‘Simudzwa, ukandirwe mugungwa,’ zvichaitwa. Nezvose zvamunokumbira muchinyengetera, kana muchitenda, muchazvipiwa.” Akati achipinda mutemberi, vapristi vakuru navakuru vavanhu vakauya kwaari achidzidzisa, vakati, “Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndiani akakupai simba iri?” Jesu akapindura, akati kwavari, “Neni ndichakubvunzaiwo shoko rimwe; kana mukandiudza iro, neni ndichakuudzaiwo simba randinoita naro zvinhu izvi. “Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabvepiko? Kudenga kana kuvanhu here?” Vakataurirana vachiti, “Kana tikati, ‘Kudenga,’ uchati kwatiri, ‘Makagoregerei kumutenda?’ Asi kana tikati, ‘Kuvanhu,’ tinotya vanhu vazhinji; nokuti vose vanoti, Johani muporofita.” Vakapindura, vakati kuna Jesu, “Hatizivi.” Akati kwavari, “Neni handingakuudziyiwo simba randinoita naro zvinhu izvi. “Zvino munofungeiko? Mumwe munhu akanga ana vana vaviri; akaenda kuno wokutanga, akati, ‘Mwana, enda nhasi undoshanda mumunda wangu wemidzambiringa.’ Iye akapindura, akati, ‘Handidi;’ asi pashure akazvidya mwoyo, akaenda. Akaenda kuno wechipiri, akataura saizvozvo. Iye akapindura, akati, ‘Ndinoenda, ishe;’ akasaenda. “Ndoupiko kunaivavo vaviri akaita kuda kwababa vake?” Vakati, “Wokutanga.” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vateresi nezvipfeve vanokutangirai kupinda muushe hwaMwari. Nokuti Johani akauya kwamuri nenzira yokururama, mukasamutenda, asi vateresi nezvipfeve vakamutenda. Imi makati muchiona izvozvo, hamuna kuzopinduka mukamutenda. “Inzwai mumwe mufananidzo, kwaiva nomunhu aivapo, saimba, akasima munda wake wemidzambiringa; akaukomberedza noruzhowa, akachera guvi rokusvinira mauri, akavaka chirindo chirefu, akaupa varimi, ndokufamba rwendo. “Nguva yemichero yakati yosvika, akatuma varanda vake kuvarimi, kundopiwa michero yake. Asi varimi vakabata varanda vake, vakarova mumwe, vakauraya mumwe, vakataka mumwe namabwe. Akatumazve vamwe varanda, vazhinji kukunda wokutanga; vakavaitira saizvozvo. Zvino pashure akatuma mwanakomana wake kwavari, achiti, ‘Mwanakomana wangu vachava nehanya naye.’ Asi varimi vakati vachiona mwanakomana, vakataurirana, vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai timuuraye, titore nhaka yake.’ Zvino vakamubata vakamubudisa kunze kwomunda wemidzambiringa, vakamuuraya. “Zvino kana tenzi womunda wemidzambiringa achizouya, achaiteiko navarimi ivavo?” Vakati kwaari, “Achaparadza kwazvo vanhu avo vakaipa, akaisa vamwe varimi mumunda wemidzambiringa, vachazomupa michero nenguva yavo.” Jesu akati kwavari, “Hamuna kutongorava here muMagwaro paye panoti: ‘Ibwe rakaraswa navavaki, Ndiro rakazova musoro wekona; Izvozvo zvakaitwa naIshe, Zvinoshamisa pameso edu?’ “Naizvozvo ndinoti kwamuri, muchatorerwa imi ushe hwaMwari, hukapiwa vanhu vanobereka michero yahwo. [ “Anowira pamusoro pebwe iri, achapwanyika asi richaparadza warinowira.]” Vapristi vakuru navaFarisi vakati vachinzwa mifananidzo yake, vakaziva kuti anovareva ivo. Zvino vakatsvaka kumubata, asi vakatya vanhu vazhinji, nokuti vakanga vachiti muporofita.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 21

Mateo 21:1-46 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ʋakati ʋacisweɗera Jerusarema, ʋakaȿika Betefage, pagomo reMiorivi, Jesu akatuma ʋadzidzi ʋaʋiri, akati kwaʋari: Endai kumusha wakatarisana nemi, pakarepo mucawana mboŋgoro yakasuŋgirwa, inemhuru yayo; mudzisunuŋgure, muʋuye nadzo kwandiri. Kana aninani acitaura cinhu kwamuri, muti: Ishe unodziɗa; pakarepo ucadzituma. Iɀoɀo ɀakaitwa, kuti ɀakataurwa nomuprofita ɀiitike, paakati: Ʋudzai mŋanasikana weZioni: Tarira Mambo wako unoʋuya kwauri, Ari munyoro, akataȿa mboŋgoro, Nemhuru yecipfuwo cinokweʋa. Ʋadzidzi ʋakaenda, ʋakaita seɀaʋakarairwa naJesu, ʋakaʋuya nemboŋgoro nemhuru, ʋakaisa ŋguʋo dzaʋo pamsoro padzo; akagara pamsoro padzo. Ʋazhinji pakati paʋanhu ʋakawarira ŋguʋo dzaʋo munzira; ʋamŋe ʋakatema mataʋi emiti ʋakaawarira munzira. Ʋanhu ʋazhinji ʋakaŋga ʋakamutuŋgamirira, naʋakaŋga ʋaciteʋera, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Hosana kuMŋanakomana waDavidi! Ŋgaakudzwe iye unoʋuya muzita raShe! Hosana kumsoro‐soro! Wakati apinda Jerusarema, guta rose rikapesaniswa, ʋanhu ʋakati: Uyu ndianiko? Ʋanhu ʋazhinji ʋakati: NdiJesu muprofita weNazareta reGarirea. Ɀino Jesu wakapinda mutembere, akaɓuɗisa ʋose ʋaiteŋgesa naʋaiteŋga mutembere; akawisa matafura aʋaitsinhanhisa mari, neɀigaro ɀaʋaiteŋgesa njiʋa, akati kwaʋari: Kwakanyorwa kucinzi: Imba yaŋgu icanzi imba yokunyeŋgetera, asi imi munoiita ɓako ramakororo. Ɀino mapofu naʋaikamhina ʋakaʋuya kwaari mutembere, akaʋaporesa. Asi ʋaprista ʋakuru naʋanyori ʋakati ʋaciʋona ɀinoshamisa ɀaakaŋga aciita, naʋana ʋaciɗanidzira mutembere, ʋaciti: Hosana kuMŋanakomana waDavidi! ʋakafa neshuŋgu, ʋakati kwaari: Unonzwa ɀaʋanotaura iʋaʋo here? Jesu akati kwaʋari: Hoŋo, hamuna‐kutoŋgoraʋa here, panoti: mumiromo yaʋacece naʋanomŋa makakwanisa kukudza? Akaʋasiya, akabva muguta, akaenda Betania, ndokuʋata’po. Maŋgwanani wakati acidzokera kuguta, akanzwa nzara. Ɀino, wakati aciʋona muʋonde mumŋe panzira, akaenda kwauri, akasawana cinhu kwauri, asi mashizha ɓedzi; akati kwauri: Ŋgakurege kuʋa neɀiɓereko kwauri nokusiŋgaperi. Muʋonde ukawoma pakarepo. Ʋadzidzi ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakashamiswa, ʋakati: Muʋonde wawoma pakarepo seiko? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ƌai maiʋa nokutenda, musiŋganyunyuti, hamuŋgaiti iɀi ɀomuʋonde ɓedzi, asi kana mukati kugomo iri: Simudzwa, ukandirwe muguŋgwa, ɀicaitwa. Neɀose ɀamunokumbira mucinyeŋgetera, kana mucitenda, mucaɀipiwa. Wakati acipinda mutembere, ʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋaʋanhu ʋakaʋuya kwaari acidzidzisa, ʋakati: Munoita ɀinhu iɀoɀi nesimba ripiko? Ndiani wakakupai simba iri? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Neni ndicakubvunzai ʋo shoko rimŋe; kana mukandiʋudza iro, neni ndicakuʋudzai ʋo simba randinoita naro ɀinhu iɀi. Rubapatidzo rwaJohane rwakabvepiko? Kuɗeŋga kana kuʋanhu here? Ʋakataurirana ʋaciti: Kana tikati, Kuɗeŋga, ucati kwatiri: Makagoregerei kumutenda? Asi kana tikati, Kuʋanhu, tinotya ʋanhu ʋazhinji; nokuti ʋose ʋanoti, Johane muprofita. Ʋakapindura, ʋakati kunaJesu: Hatiziʋi. Akati kwaʋari: Neni handiŋgakuʋudziyi ʋo simba randinoita naro ɀinhu iɀi. Ɀino munofuŋgeiko? Mumŋe munhu wakaŋga anaʋana ʋaʋiri; akaenda kunowokutaŋga, akati: Mŋana, enda nhasi kundoɓata mumunda waŋgu wemizambiriŋga. Iye akapindura, akati: Handiɗi; asi pashure akaɀidya mŋoyo, akaenda. Akaenda kunowecipiri, akataura saiɀoɀo. Iye akapindura, akati: Ndinoenda, ishe; akasaenda. Ndoupiko kunaiʋaʋo ʋaʋiri wakaita kuɗa kwaɓaɓa ʋake? Ʋakati: Wokutaŋga. Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ʋateresi neɀifeʋe ʋanokutaŋgirai kupinda muʋushe bgaMŋari. Nokuti Johane wakaʋuya kwamuri nenzira yokururama, mukasamutenda, asi ʋateresi neɀifeʋe ʋakamutenda. Imi makati muciʋona iɀoɀo, hamuna‐kuzoɀidya mŋoyo mukamutenda. Inzwai mumŋe mufananidzo: Mumŋe munhu waiʋa’po, mŋene weimba, wakasima munda wake wemizambiriŋga; akaukomba noruzhowa, akacera pokuȿinira mauri, akaʋaka cirindo, akaupa ʋarimi, ndokufamba rwendo. Ŋguʋa yeɀiɓereko yakati yoȿika, akatuma ʋaranda ʋake kuʋarimi, kundotora ɀiɓereko ɀake. Asi ʋarimi ʋakaɓata ʋaranda ʋake, ʋakaroʋa mumŋe, ʋakaʋuraya mumŋe, ʋakataka mumŋe namabge. Akatuma ɀe ʋamŋe ʋaranda, ʋazhinji kunoʋokutaŋga; ʋakaʋaitira saiɀoɀo. Ɀino pashure akatuma mŋanakomana wake kwaʋari, aciti: Mŋanakomana waŋgu ʋacaʋa nehanya naye. Asi ʋarimi ʋakati ʋaciʋona mŋanakomana, ʋakataurirana, ʋaciti: Uyu ndiye mugari wenhaka; ʋuyai timuʋuraye, titore nhaka yake. Ɀino ʋakamuɓata ʋakamuɓuɗisa kunze kwomunda wemizambiriŋga, ʋakamuʋuraya. Ɀino kana mŋene womunda wemizambiriŋga acizoʋuya, ucaiteiko naʋarimi iʋaʋo? Ʋakati kwaari: Ucaparadza kwaɀo ʋanhu aʋo ʋakaipa, akaisa ʋamŋe ʋarimi mumunda wemizambiriŋga, ʋacazomupa ɀiɓereko neŋguʋa dzaɀo. Jesu akati kwaʋari: Hamuna‐kutoŋgoraʋa here paMagwaro panoti: Ibge rakarashwa naʋaʋaki, Ndiro rakazoʋa musoro wekona; Iɀoɀo ɀakaitwa naShe, Ɀinoshamisa pameso eɗu? Naiɀoɀo ndinoti kwamuri: Mucatorerwa imi ʋushe bgaMŋari, bgukapiwa ʋanhu ʋanoɓereka ɀiɓereko ɀabgo. Unowira pamsoro pebge iri, ucavunikanya; asi ricaparadza warinowira. Ʋaprista ʋakuru naʋaFarise ʋakati ʋacinzwa mifananidzo yake, ʋakaziʋa kuti unoʋareʋa iʋo. Ɀino ʋakatȿaka kumuɓata, asi ʋakatya ʋanhu ʋazhinji, nokuti ʋakaŋga ʋaciti muprofita.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 21