Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 20:1-28

Mateo 20:1-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

“Nokuti umambo hwokudenga hwakafanana nomuridzi womunda akabuda mangwanani-ngwanani kundotsvaka vanhu vokuti vazoshanda mumunda wake wemizambiringa. Akabvumirana navo kuti aizovapa dhinari pazuva, ndokubva avaendesa mumunda wake wemizambiringa. “Nenguva inenge yechitatu akabuda ndokuona vamwe vamire pamusika vasina chavaiita. Akati kwavari, ‘Nemiwo endai mundoshanda mumunda wangu wemizambiringa, ndichakupai zvakakodzera.’ Saka vakaenda. “Akabudazve nenguva dzinenge dzechitanhatu nedzepfumbamwe akaita zvimwe chetezvo. Nenguva inenge yegumi neimwe akabuda akawanazve vamwe vamire. Akavabvunza achiti, ‘Seiko, maswera makangomira pano zuva rose musina chamuri kuita?’ “Vakapindura vachiti, ‘Nokuti hapana munhu atipa basa.’ “Akati kwavari, ‘Nemiwo endai mundoshanda mumunda wangu wemizambiringa.’ “Akati ava madekwana, muridzi womunda wemizambiringa akati kumutariri wake, ‘Dana vashandi ugovapa mubayiro wavo, uchitanga navapedzisira kupiwa basa kusvikira kune vokutanga.’ “Vashandi vainge vaenda kundoshanda nenguva inenge yegumi neimwe vakauya uye mumwe nomumwe wavo akagamuchira dhinari. Saka pakasvika vaya vakanga vatanga kushanda, vakatarisira kupiwa zvakawanda. Asi mumwe nomumwe wavo akapiwa dhinari. Vakati vagamuchira mari iyi vakatanga kutsutsumwira muridzi womunda. Vakati, ‘Varume ava vapedzisira vangoshanda awa imwe chete, asi mavaenzanisa nesu tatakura mutoro webasa uye tikapiswa nezuva.’ “Asi akapindura mumwe wavo achiti, ‘Shamwari, handina chandakukanganisira. Ko, hauna kutenderana neni kushandira dhinari here? Tora mubayiro wako uende. Ndinoda kupa munhu ashanda kwokupedzisira zvakafanana nezvandakupa. Ko, handina kodzero here yokuita zvandinoda nemari yangu? Kana kuti iwe une godo nokuda kwokupa kwangu zvakawanda.’ “Saka vokupedzisira vachava vokutanga uye vokutanga vachava vokupedzisira.” Zvino Jesu paakanga achikwira kuenda kuJerusarema, akatora vadzidzi vake gumi navaviri parutivi akati kwavari, “Tiri kukwira kuenda kuJerusarema, uye Mwanakomana woMunhu achaiswa kuvaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro. Vachamutongera rufu uye vagomuisa kune veDzimwe Ndudzi kuti asekwe agorohwa uye arovererwe pamuchinjikwa. Pazuva retatu achamutswa kuti ave mupenyu!” Ipapo mai vavanakomana vaZebhedhi vakauya kuna Jesu navanakomana vavo, vakapfugama pamberi pake vaine chikumbiro. Akabvunza akati, “Munodeiko?” Ivo vakati, “Itaiwo kuti mumwe wavanakomana vangu vaviri ava agare kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu muumambo hwenyu.” Jesu akati, kwavari, “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Mungagona kunwa mukombe wandichazonwa here?” Vakapindura vachiti, “Tinogona.” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo muchanwa mumukombe wangu, asi zvokuti mugare kurudyi kana kuruboshwe rwangu, handisini ndinopa. Nzvimbo idzi ndedzaavo vakadzigadzirirwa naBaba vangu.” Vane gumi vakati vanzwa izvi vakatsamwira mukoma nomununʼuna ava. Jesu akavadana pamwe chete uye akati, “Munoziva kuti vatongi veveDzimwe Ndudzi vanobata ushe pamusoro pavo uye machinda avo makuru anoshandisa simba pamusoro pavo. Ngazvirege kudaro kwamuri. Asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu, uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yenyu, sezvazvakangoita kuti Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshandirwa asi kuzoshandira, nokupa upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 20

Mateo 20:1-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Nokuti ushe hwokudenga hwakafanana nasaimba, akabuda mangwanani kundotsvakira munda wake wemidzambiringa vashandi. Akati atenderana navashandi kuvapa dhenari pazuva, akavatuma kumunda wake wemidzambiringa. “Akabuda nenguva inenge yechitatu, akaona vamwe vamire padare, vasina basa, akati kwavari, ‘Endai imiwo mumunda wemidzambiringa, ndigokupai zvakafanira.’ Vakaenda. Akabudazve nenguva inenge yechitanhatu neyepfumbamwe, akadarozve. Akabuda nenguva inenge yegumi neimwe, akawana vamwe vamire; akati kwavari, ‘Makamirireiko pano zuva rose musina basa.’ Vakati kwaari, ‘Nokuti hapana nomunhu akatipa basa.’ Akati kwavari, ‘Endai nemiwo mumunda wangu wemidzambiringa.’ Ava madekwana, mwene womunda wemidzambiringa akati kumutariri wake, ‘Dana vashandi, uvape mubayiro wavo, uchitanga kunowokupedzisira, ugumire kune wokutanga.’ “Zvino venguva inenge yegumi neimwe vakati vachiuya, mumwe nomumwe akapiwa dhenari. Vokutanga vakati vachiuya, vakafunga kuti tichapiwa kupfuura; ivo vakapiwawo mumwe nomumwe dhenari. Vakati vachipiwa, vakapopotera saimba, vakati, ‘Ava vokupedzisira, vakashanda awa imwechete, mavaenzanisa nesu, takatambudzika zuva rose, tichipiswa nezuva.’ Akapindura, akati kunomumwe wavo, ‘Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hauna kutenderana neni kuti upiwe dhenari here? Tora zvako, uende, ndinoda kupa vokupedzisira sewe. Ko handina kutenderwa kuita pandinoda napo here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here?’ ” “Saizvozvo vokupedzisira vachava vokutanga, novokutanga vachava vokupedzisira.” Jesu akati okwira Jerusaremu, akatora vadzidzi vake vane gumi navaviri vari voga, akati kwavari panzira, “Tarirai, tinokwira Jerusaremu, Mwanakomana womunhu achaiswa kuvapristi vakuru navanyori, vachamutongera rufu. “Vachamuisa kuvahedheni, kuti asekwe, aroveswe, aroverwe pamuchinjikwa, asi nezuva retatu achamutswazve.” Zvino mai vavanakomana vaZebhedhi vakauya kwaari navanakomana vavo, vachimupfugamira, kuzokumbira chinhu kwaari. Akati kwavari, “Munotsvakeiko?” Vakati kwaari, “Rayirai, kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, mumwe kurudyi rwenyu, mumwe kuruboshwe, muushe hwenyu.” Asi Jesu akapindura, akati, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kunwira mukombe pandinozonwira ini, here?” Vakati kwaari, “Tingagona.” Akati kwavari, “Muchanwira henyu mukombe wangu, asi kugara kurudyi, nokuruboshwe, handisini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa izvo naBaba vangu.” Vane gumi vakati vachizvinzwa, vakatsamwira avo vaviri vana vomunhu mumwe. Asi Jesu akavadanira kwaari, akati, “Munoziva kuti machinda avahedheni anovarayira, navakuru vavo vanoita simba navo. Pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu. Ani naani anoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu. Zvakaita soMwanakomana womunhu asina kuuya kuzoshandirwa, asi kushandira, nokupa hupenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 20

Mateo 20:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Umambo hwedenga hwakaita sasamusha akafumoenda kundotsvaka vashandi vokushanda mumunda wake wamagirepisi. Akawirirana navashandi mari yapazuva yedhenari, ndokuvatuma kumunda wake wamagirepisi. Akazobudazve paawa yechipfumbamwe mangwanani akaona vamwe vakamira zvavo pamusika. Akavati, “Imi endaiwo mumunda wamagirepisi. Ndichakupaiwo zvinokodzera.” Saizvozvo vakaenda. Akazobudazve paawa yegumi nembiri masikati neawa yechitatu masikati akaita zvimwechetezvo. Panguva inenge yechishanu zuva ravakuda kudoka akabuda akaona vamwe vakamira zvavo. Iye akati kwavari, “Ko munodarirei kungomira zvenyu kudai zuva rose musina chamuri kuita?” Vakati kwaari, “Nokuti hapana atitora kuti atipewo basa.” Iye akati, “Nemiwo endaiwo mumunda wamagirepisi.” Kumanheru muridzi womunda wamagirepisi akati kuno mutariri wake, “Chidaidza vashandi uvape mibayiro yavo utangise novokupedzisira uchigumisira nevokutanga.” Vaya vakapiwa basa paawa yechishanu manheru pavakauya, mumwe nomumwe wavo akagamuchira mubayiro wapazuva uya wedhenari. Vokutanga vaya pavakauyawo, vakafunga kuti vachagamuchira yakawanda, asi mumwe nomumwe wavo akagamuchira dhenari. Pavairigamuchira vakanyunyutira saimba uya vachiti, “Ava vokupedzisira vashanda kweawa imwechete chete asi imi mavaenzanisa nesu, isu tabinduka zuva rose tichipiswa nezuva.” Asi iye akapindura mumwe wavo achiti, “Shamwari, handisi kukutadzira. Hauna kubvumirana neni here mubayiro wemari yedhenari? Iwe ingotora yako uende. Ndini ndasarudza zvangu kupa uyu wokupedzisira yakaenzana neyandakupa. Handibvumirwi here kuita madiro nezvinhu zvangu kana kuti une shanje nemwoyochena wangu here? Saizvozvo vokupedzisira vachava vokutanga, vokutangawo vachava vokupedzisira.” Jesu paakanga achikwira kuJerusaremu akatora vadzidzi gumi navaviri pachavo voga. Vari panzira akati kwavari, “Chinzwai, tavakukwira kuJerusaremu. Mwanakomana womunhu achaturirwa mumaoko avapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo. Vachamutongera rufu, vachimuisa mumaoko evechirudzi kuti anyombwe nokurohwa zvakanyanya achizorovererwa pamuchinjikwa asi iye achamutswa nezuva retatu.” Amai vavanakomana vaZebhedhi vakauya kwaari nevanakomana vavo vakapfugama pamberi pake vakaisa chichemo chavo. Jesu akavati, “Munodeiko?” Ivo vakati kwaari, “Itai kuti, muumambo hwenyu, vanakomana vangu ava vaviri vagare vakati mumwe kurudyi rwenyu mumwe kuruboshwe rwenyu.” Jesu akapindura achiti, “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Munogona here kunwa mukombe wamatambudziko wandichanwa.” Vakati kwaari, “Tinogona.” Iye akati kwavari, “Kunwa mukombe wandichanwa, muchaunwa, asi zvokugara kurudyi rwangu nokuruboshe rwangu handisini ndinozvipa, asi ndokweavo vakakugadzirirwa naBaba vangu.” Vamwe gumi vaya pavakazvinzwa vakashatirirwa mukoma nomunun'una vaya. Jesu akavadaidza akati kwavari, “Munozviziva imi kuti vatongi vechirudzi, pakutonga, vanoita zvomukundo uye vakuru vakuru vavo vanoita zvechisimba. Asi pakati penyu hazvifaniri kudaro. Asi uyo anenge achida kuva mukuru pakati penyu ngaave mushandiri wenyu. Uye ani naani anoda kuva wokutanga pakati penyu, anofanira kuva muranda wenyu. Kunyange Mwanakomana womunhu, haana kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira vamwe uye kuzopira upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 20

Mateo 20:1-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Nokuti ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana nomŋene weimba, wakaɓuɗa maŋgwanani kundotȿakira munda wake wemizambiriŋga ʋaɓati. Wakati atenderana naʋaɓati kuʋapa denari pazuʋa, akaʋatuma kumunda wake wemizambiriŋga. Akaɓuɗa neŋguʋa ineŋge yecitatu, akaʋona ʋamŋe ʋamire paɗare, ʋasiŋgaɓati; akati kwaʋari: Endai imi ʋo mumunda wemizambiriŋga, ndigokupai ɀakafanira. Ʋakaenda. Akaɓuɗa ɀe neŋguʋa ineŋge yecitanhatu neyepfumbamŋe, akaɗaro ɀe. Akaɓuɗa neŋguʋa ineŋge yegumi neimŋe, akawana ʋamŋe ʋamire; akati kwaʋari: Makamirireiko pano zuʋa rose musiŋgaɓati? Ʋakati kwaari: Nokuti hapanomunhu wakatipa ɓasa. Akati kwaʋari: Endai nemi ʋo mumunda wemizambiriŋga. Aʋa maɗekwana, mŋene womunda wemizambiriŋga akati kumutariri wake: Ƌana ʋaɓati, uʋape muɓairo waʋo, ucitaŋga kunoʋokupedzisira, ugumire kunoʋokutaŋga. Ɀino ʋeŋguʋa ineŋge yegumi neimŋe ʋakati ʋaciʋuya, mumŋe nomumŋe akapiwa denari. Ʋokutaŋga ʋakati ʋaciʋuya, ʋakati ʋacapiwa nokupfuʋura; iʋo ʋakapiwa ʋo mumŋe nomumŋe denari. Ʋakati ʋacipiwa, ʋakapopotera mŋene weimba, ʋakati: Aʋa ʋokupedzisira, ʋakaɓata ŋguʋa imŋe cete, maʋaenzanisa nesu, takatambudzika zuʋa rose, ticipiswa nezuʋa. Akapindura, akati kunomumŋe waʋo: Shamŋari, handikuitiri ɀisakarurama; hauna‐kutenderana neni kuti upiwe denari here? Tora ɀako, uende, ndinoɗa kupa wokupedzisira sewe. Ko handina‐kutenderwa kuita neɀaŋgu pandinoɗa napo here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here? Saiɀoɀo ʋokupedzisira ʋacaʋa ʋokutaŋga, noʋokutaŋga ʋacaʋa ʋokupedzisira. Jesu wakati okwira Jerusarema, akatora ʋadzidzi ʋake ʋanegumi naʋaʋiri ʋari ʋoga, akati kwaʋari panzira: Tarirai, tinokwira Jerusarema, Mŋanakomana womunhu ucaiswa kuʋaprista ʋakuru naʋanyori, ʋacamutoŋgera rufu. Ʋacamuisa kuʋahedeni, kuti asekwe, aroʋeswe, aroʋerwe pamucinjikwa, asi nezuʋa retatu ucamutswa ɀe. Ɀino mai ʋaʋanakomana ʋaZebedi ʋakaʋuya kwaari naʋanakomana ʋaʋo, ʋacimunamata, kuzokumbira cinhu kwaari. Akati kwaʋari: Munotȿakeiko? Ʋakati kwaari: Rairai kuti ʋanakomana ʋaŋgu aʋa ʋaʋiri ʋagare, mumŋe kuruʋoko rwenyu rworudyi, mumŋe kuruɓoshwe, muʋushe bgenyu. Asi Jesu akapindura, akati: Hamuziʋi ɀamunokumbira. Muŋgagona kunwira pamukombe pandinozonwira ini, here? Ʋakati kwaari: Tiŋgagona. Akati kwaʋari: Mucanwira henyu pamukombe waŋgu, asi kugara kuruʋoko rwaŋgu rworudyi, nokuruɓoshwe, handizini ndinopa, asi ndeɀaʋakaɀigadzirirwa iɀo naƂaɓa ʋaŋgu. Ʋanegumi ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakatsamŋira aʋo ʋana ʋaʋiri ʋomunhu mumŋe. Asi Jesu akaʋaɗanira kwaari, akati: Munoziʋa kuti macinda aʋahedeni anoʋaraira, naʋakuru ʋaʋo ʋanoita simba naʋo. Pakati penyu ŋgaɀirege kuʋa kuɗaro; asi aninani unoɗa kuʋa mukuru pakati penyu, ŋgaaʋe mushumiri wenyu. Aninani unoɗa kuʋa wokutaŋga pakati penyu, ŋgaaʋe muranda wenyu. Ɀakaita soMŋanakomana womunhu usina‐kuʋuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa ʋupenyu bgake ruʋe rudzikinuro rwaʋazhinji.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 20

Mateo 20:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)