Mateo 19:21-22
Mateo 19:21-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akati kwaari, “Kana uchida kukwana, enda utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, ugova nepfuma kudenga; ugouya unditevere.” Asi jaya rakati richinzwa shoko iri, rikaenda rasuwa kwazvo; nokuti rakanga rine pfuma zhinji.
Mateo 19:21-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Jesu akati kwaari, “Kana uchida kuva munhu akaruramisisa, enda undotengesa zvose zvaunazvo upe kuvarombo. Uchava noupfumi kudenga, ugouya wonditevera.” Jaya riya parakazvinzwa rakaenda rasuruvara nokuti rakanga riine zvinhu zvakawanda.
Mateo 19:21-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akati, “Kana uchida kuva wakakwana, enda unotengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya wonditevera.” Jaya riya parakanzwa izvi, rakaenda rakasuwa kwazvo nokuti raiva nepfuma zhinji kwazvo.
Mateo 19:21-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akati kwaari, “Kana uchida kukwana, enda utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, ugova nepfuma kudenga; ugouya unditevere.” Asi jaya rakati richinzwa shoko iri, rikaenda rasuwa kwazvo; nokuti rakanga rine pfuma zhinji.
Mateo 19:21-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akati kwaari, “Kana uchida kuva munhu akaruramisisa, enda undotengesa zvose zvaunazvo upe kuvarombo. Uchava noupfumi kudenga, ugouya wonditevera.” Jaya riya parakazvinzwa rakaenda rasuruvara nokuti rakanga riine zvinhu zvakawanda.
Mateo 19:21-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu akati kwaari: Kana uciɗa kukwana, enda uteŋgese ɀose ɀaunaɀo, upe ʋarombo, ugoʋa nefuma kuɗeŋga; ugoʋuya unditeʋere. Asi jaya rakati ricinzwa shoko iri, rikaenda rineshuŋgu; nokuti rakaŋga rinefuma zhinji.