Mateo 17:17-20
Mateo 17:17-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akapindura akati, “Haiwa, imi rudzi rusingatendi uye rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira rinhiko? Uyai nomukomana uyu kwandiri.” Jesu akatuka dhimoni rikabva rabuda mumukomana uya achibva apora kubva panguva iyoyo. Ipapo vadzidzi vakauya kuna Jesu vari voga vakamubvunza vachiti, “Ko, takundikana sei kuridzinga?” Akavapindura achiti, “Nokuda kwokuti mune kutenda kudiki. Ndinokuudzai chokwadi kuti dai maiva nokutenda kudiki hako semhodzi yemasitadhi maigona kuti kugomo iri, ‘Ibva apa uende uko,’ zvichiitika. Hapana chamunozokundikana kuita.
Mateo 17:17-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akapindura, akati, “Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvikira riniko? Uyai naye pano kwandiri.” Zvino Jesu akamuraira, mweya wakaipa ukabuda kwaari, mukomana akapora kubva panguva iyo. Zvino vadzidzi vakauya kuna Jesu vari voga, vakati, “Ko isu takanga tisingagoni neiko kuubudisa?” Akati kwavari, “Nemhaka yokutenda kwenyu kuduku, nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kana muno kutenda kwakaita setsanga yemasitadhi, mungati kugomo iri, ‘Ibva pano, enda koko!’ Ringaenda hakuna chinhu chingakukundai.” [
Mateo 17:17-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akapindura achiti, “Aiwaiwa rudzi rusingatendi uru! Rudzi rwakarasika zvarwo. Ndichange ndinemi kusvikira rini? Ndichaita mwoyo murefu nemi kusvikira rini? Uyai naye kuno kwandiri.” Jesu akamukarira, mweya wakaipa ukabva wabuda maari. Mukomana akabva arapwa pakarepo. Vadzidzi vakauya kuna Jesu vari pachavo voga. Vakati, “Ko isu tatadza nei kuudzinga?” Iye akati kwavari, “Pamusana perudaviro rwenyu rwudiki nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri dai muine chitendero chakaita setsanga yemastadhi, maigona kuti kugomo iri ibva apo uende apo richibva rabva. Hapana chamainge musingakwanisi.”
Mateo 17:17-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu akapindura, akati: Haiwa! rudzi rusiŋgatendi, rwakatsauka, ndicagara nemi kuȿikira riniko? Ndicakuitirai mŋoyo murefu kuȿikira riniko? Ʋuyai naye pano kwandiri. Ɀino Jesu akamuraira, mŋeya wakaipa ukaɓuɗa kwaari, mukomana akapora kubva paŋguʋa iyo. Ɀino ʋadzidzi ʋakaʋuya kunaJesu ʋari ʋoga, ʋakati: Ko isu takaŋga tisiŋgagoni neiko kuuɓuɗisa? Akati kwaʋari: Nemhaka yokutenda kwenyu kuɗuku, nokuti ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Kana munokutenda kwakaita setsaŋga yemastarda, muŋgati kugomo iri: Ibva pano, enda koko! riŋgaenda; hakunecinhu ciŋgakukundai.
Mateo 17:17-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)