Mateo 16:17-19
Mateo 16:17-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akapindura akati, “Wakaropafadzwa iwe Simoni mwanakomana waJona, nokuti izvi hazvina kuzarurirwa kwauri nomunhu asi naBaba vangu vari kudenga. Ndinoti kwauri, iwe ndiwe Petro, paruware urwu ndichavaka kereke yangu, kunyange masuo eHadhesi haangaikundi. Ndichakupa kiyi dzoumambo hwokudenga; chose chaunosunga pano pasi chichasungwa kudenga, uye chose chaunosunungura pano pasi nokudenga chichasunungurwa.”
Mateo 16:17-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akapindura, akati kwaari, “Wakaropafadzwa iwe, Simoni Bharijona, nokuti nyama neropa hazvina kukuzivisa izvozvo, asi Baba vangu vari kudenga. Neni ndinoti kwauri, ndiwe Petirosi, pamusoro poruware urwu ndichavaka kereke yangu, masuo eHadhesi haangaikundi. Ndichakupa kiyi dzoushe hwedenga; chinhu chipi nechipi chauchasunga panyika, chichasungwa kudenga, nechinhu chipi nechipi chauchasunungura panyika, chichasunungurwa kudenga.”
Mateo 16:17-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akamupindurawo achiti, “Zvako wakakomborerwa Simoni mwanakomana waJona, nokuti haasi munhu ane nyama neropa akakuzivisa izvi asi Baba vangu vari kudenga. Zvino ini ndinoti kwauri ndiwe Pita uye paruware urwu ndichavakira sangano rangu. Masimba erufu haachazorikuriri. Ndichakupa kii dzoumambo hwedenga. Chose chauchasunga pasi pano chichabva chasungwawo kudenga. Chose chauchasunungura pasi pano chichabva chasunungurwawo kudenga.”
Mateo 16:17-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu akapindura, akati kwaari: Wakaropafadzwa iwe, Simoni Bar‐Jona, nokuti nyama neropa haɀinakukuziʋisa iɀoɀo, asi Ƃaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga. Neni ndinoti kwauri, ndiwe Petro, pamsoro poruware urwu ndicaʋaka kereke yaŋgu, masuʋo eHadesi haaŋgaikundi. Ndicakupa kiyi dzoʋushe bgokuɗeŋga; cinhu cipi necipi caucasuŋga panyika, cicasuŋgwa kuɗeŋga, necinhu cipi necipi caucasunuŋgura panyika, cicasunuŋgurwa kuɗeŋga.
Mateo 16:17-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)