Mateo 16:16-17
Mateo 16:16-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Simoni Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.” Jesu akapindura akati, “Wakaropafadzwa iwe Simoni mwanakomana waJona, nokuti izvi hazvina kuzarurirwa kwauri nomunhu asi naBaba vangu vari kudenga.
Mateo 16:16-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Simoni Petirosi akapindura, akati, “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.” Jesu akapindura, akati kwaari, “Wakaropafadzwa iwe, Simoni Bharijona, nokuti nyama neropa hazvina kukuzivisa izvozvo, asi Baba vangu vari kudenga.
Mateo 16:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Simoni Pita akapindura achiti, “Ndimi Kristu chaiye Mwanakomana waMwari mupenyu.” Jesu akamupindurawo achiti, “Zvako wakakomborerwa Simoni mwanakomana waJona, nokuti haasi munhu ane nyama neropa akakuzivisa izvi asi Baba vangu vari kudenga.
Mateo 16:16-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Simoni Petro akapindura, akati: Ndimi Kristu Mŋanakomana waMŋari mupenyu. Jesu akapindura, akati kwaari: Wakaropafadzwa iwe, Simoni Bar‐Jona, nokuti nyama neropa haɀinakukuziʋisa iɀoɀo, asi Ƃaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga.
Mateo 16:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)