Mateo 16:13-23
Mateo 16:13-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akati asvika kudunhu reKesaria Firipi, akabvunza vadzidzi vake akati, “Vanhu vanoti Mwanakomana woMunhu ndiani?” Vakati, “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi, vamwewo vanoti Eria, vamwewo vachiti Jeremia kana mumwe wavaprofita.” Akabvunza akati, “Ko, imi munoti ndini ani?” Simoni Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.” Jesu akapindura akati, “Wakaropafadzwa iwe Simoni mwanakomana waJona, nokuti izvi hazvina kuzarurirwa kwauri nomunhu asi naBaba vangu vari kudenga. Ndinoti kwauri, iwe ndiwe Petro, paruware urwu ndichavaka kereke yangu, kunyange masuo eHadhesi haangaikundi. Ndichakupa kiyi dzoumambo hwokudenga; chose chaunosunga pano pasi chichasungwa kudenga, uye chose chaunosunungura pano pasi nokudenga chichasunungurwa.” Ipapo akayambira vadzidzi vake kuti vasaudze ani zvake kuti iye ndiye Kristu. Kubva panguva iyoyo Jesu akatanga kutsanangurira vadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusarema kundotambudzwa kwazvo pamaoko avakuru navaprista vakuru navadzidzisi vemirayiro uye kuti anofanira kuurayiwa nokumutswazve pazuva retatu. Petro akamutora padivi akatanga kumutsiura achiti, “Hazviitiki, Ishe. Izvi hazvisi kuzoitika kwamuri!” Jesu akatendeukira kwaari akati, “Enda shure kwangu Satani! Uri chigumbuso kwandiri nokuti hauna zvinhu zvaMwari mupfungwa dzako asi zvavanhu.”
Mateo 16:13-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akati asvika kumativi enyika yeKesaria Firipi, akabvunza vadzidzi vake, akati, “Vanhu vanoti Mwanakomana womunhu ndianiko?” Vakati, “Vamwe vanoti, Johani Mubhabhatidzi; vamwe Eria; vamwe Jeremiya, kana mumwe wavaporofita.” Akati kwavari, “Ko imi munoti ndini ani?” Ipapo Simoni Petirosi akapindura, akati, “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.” Jesu akapindura, akati kwaari, “Wakaropafadzwa iwe, Simoni Bharijona, nokuti nyama neropa hazvina kukuzivisa izvozvo, asi Baba vangu vari kudenga. Neni ndinoti kwauri, ndiwe Petirosi, pamusoro poruware urwu ndichavaka kereke yangu, masuo eHadhesi haangaikundi. Ndichakupa kiyi dzoushe hwedenga; chinhu chipi nechipi chauchasunga panyika, chichasungwa kudenga, nechinhu chipi nechipi chauchasunungura panyika, chichasunungurwa kudenga.” Ipapo akaraira vadzidzi vake kuti varege kuudza munhu kuti ndiye Kristu. Kubva panguva iyo Jesu akatanga kuzivisa vadzidzi vake, kuti anofanira kuenda Jerusaremu, kundotambudzwa zvizhinji navakuru navapristi vakuru navanyori, nokuurawa, nokumutswazve nezuva retatu. Petirosi akaenda naye vari voga, akatanga kumuraira, akati, “Mwari ngaakunzwirei ngoni, Ishe! Hamungaitirwi izvozvo.” Asi wakatendeuka, akati kuna Petirosi, “Ndibvirepo Satani! Uri chigumburiso kwandiri, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.”
Mateo 16:13-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu paakasvika kudunhu reSezariafiripi, akabvunza vadzidzi vake achiti, “Vanhu vanoti Mwanakomana womunhu ndiani?” Vakati, “Vamwe vanoti ndiJohani Muombeki vamwewo vachiti ndiEriya, vamwewo vachiti ndiJeremiya kana kuti mumwe wavaporofita.” Akazoti kwavari, “Ko imi, munoti ndini ani?” Simoni Pita akapindura achiti, “Ndimi Kristu chaiye Mwanakomana waMwari mupenyu.” Jesu akamupindurawo achiti, “Zvako wakakomborerwa Simoni mwanakomana waJona, nokuti haasi munhu ane nyama neropa akakuzivisa izvi asi Baba vangu vari kudenga. Zvino ini ndinoti kwauri ndiwe Pita uye paruware urwu ndichavakira sangano rangu. Masimba erufu haachazorikuriri. Ndichakupa kii dzoumambo hwedenga. Chose chauchasunga pasi pano chichabva chasungwawo kudenga. Chose chauchasunungura pasi pano chichabva chasunungurwawo kudenga.” Ipapo Jesu akatsindidza vadzidzi vake kuti vasataurire kana munhu zvake kuti ndiye Mesia. Kubvira nguva iyoyo Jesu akatangisa kuratidza vadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusaremu achindotambudzika zvikuru zvichibva kuvakuru vakuru navapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo ozouraiwa achizomutswa nezuva retatu. Pita akamutora ndokutanga kumutsiura achiti, “Mwari haangadaro Tenzi. Hazvimbofa zvakaitika kwamuri izvi.” Jesu akatendeuka akati kuna Pita, “Ndibvirepo, Satani! Uri chipinganidzo, nokuti hausiri kudivi kwaMwari, asi kudivi kwavanhu.”
Mateo 16:13-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu wakati aȿika kumatiʋi enyika yeKesaria Firipo, akabvunza ʋadzidzi ʋake, akati: Ʋanhu ʋanoti Mŋanakomana womunhu ndianiko? Ʋakati: Ʋamŋe ʋanoti: Johane Mubapatidzi; ʋamŋe Eria; ʋamŋe Jeremia, kana mumŋe waʋaprofita. Akati kwaʋari: Ko imi munoti ndini ani? Ipapo Simoni Petro akapindura, akati: Ndimi Kristu Mŋanakomana waMŋari mupenyu. Jesu akapindura, akati kwaari: Wakaropafadzwa iwe, Simoni Bar‐Jona, nokuti nyama neropa haɀinakukuziʋisa iɀoɀo, asi Ƃaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga. Neni ndinoti kwauri, ndiwe Petro, pamsoro poruware urwu ndicaʋaka kereke yaŋgu, masuʋo eHadesi haaŋgaikundi. Ndicakupa kiyi dzoʋushe bgokuɗeŋga; cinhu cipi necipi caucasuŋga panyika, cicasuŋgwa kuɗeŋga, necinhu cipi necipi caucasunuŋgura panyika, cicasunuŋgurwa kuɗeŋga. Ipapo akaraira ʋadzidzi ʋake kuti ʋarege kuʋudza munhu kuti ndiye Kristu. Kubva paŋguʋa iyo Jesu wakataŋga kuratidza ʋadzidzi ʋake, kuti unofanira kuenda Jerusarema, kundotambudzwa ɀizhinji naʋakuru naʋaprista ʋakuru naʋanyori, nokuʋurawa, nokumutswa ɀe nezuʋa retatu. Petro akaenda naye ʋari ʋoga, akataŋga kumuraira, akati: Mŋari ŋgaakunzwirei ŋgoni, Ishe! hamuŋgaitirwi iɀoɀo. Asi wakatendeʋuka, akati kunaPetro: Ibva shure kwaŋgu, Satani! Uri cigumbuso kwandiri, nokuti hauraŋgariri ɀinhu ɀaMŋari, asi ɀinhu ɀaʋanhu.
Mateo 16:13-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)