Mateo 16:11-20
Mateo 16:11-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hamunzwisisi sei kuti ndanga ndisingatauri kwamuri nezvechingwa? Asi chenjererai mbiriso yavaFarisi navaSadhusi.” Ipapo vakanzwisisa kuti ainge asingavaudzi kuti vachenjerere mbiriso inoshandiswa muchingwa, asi nezvedzidziso yavaFarisi navaSadhusi. Jesu akati asvika kudunhu reKesaria Firipi, akabvunza vadzidzi vake akati, “Vanhu vanoti Mwanakomana woMunhu ndiani?” Vakati, “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi, vamwewo vanoti Eria, vamwewo vachiti Jeremia kana mumwe wavaprofita.” Akabvunza akati, “Ko, imi munoti ndini ani?” Simoni Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.” Jesu akapindura akati, “Wakaropafadzwa iwe Simoni mwanakomana waJona, nokuti izvi hazvina kuzarurirwa kwauri nomunhu asi naBaba vangu vari kudenga. Ndinoti kwauri, iwe ndiwe Petro, paruware urwu ndichavaka kereke yangu, kunyange masuo eHadhesi haangaikundi. Ndichakupa kiyi dzoumambo hwokudenga; chose chaunosunga pano pasi chichasungwa kudenga, uye chose chaunosunungura pano pasi nokudenga chichasunungurwa.” Ipapo akayambira vadzidzi vake kuti vasaudze ani zvake kuti iye ndiye Kristu.
Mateo 16:11-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hamunzwisisi neiko, kuti handina kutaura kwamuri pamusoro pezvingwa? Asi muchenjere mbiriso yavaFarisi navaSadhusi.” Zvino vakanzwisisa kuti haana kutaura kuti vachenjere mbiriso yezvingwa, asi dzidziso yavaFarisi navaSadhusi. Jesu akati asvika kumativi enyika yeKesaria Firipi, akabvunza vadzidzi vake, akati, “Vanhu vanoti Mwanakomana womunhu ndianiko?” Vakati, “Vamwe vanoti, Johani Mubhabhatidzi; vamwe Eria; vamwe Jeremiya, kana mumwe wavaporofita.” Akati kwavari, “Ko imi munoti ndini ani?” Ipapo Simoni Petirosi akapindura, akati, “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.” Jesu akapindura, akati kwaari, “Wakaropafadzwa iwe, Simoni Bharijona, nokuti nyama neropa hazvina kukuzivisa izvozvo, asi Baba vangu vari kudenga. Neni ndinoti kwauri, ndiwe Petirosi, pamusoro poruware urwu ndichavaka kereke yangu, masuo eHadhesi haangaikundi. Ndichakupa kiyi dzoushe hwedenga; chinhu chipi nechipi chauchasunga panyika, chichasungwa kudenga, nechinhu chipi nechipi chauchasunungura panyika, chichasunungurwa kudenga.” Ipapo akaraira vadzidzi vake kuti varege kuudza munhu kuti ndiye Kristu.
Mateo 16:11-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ko munotadza nei kunzwisisa kuti handisi kutaura nezvechingwa. Chenjererai mbiriso yavaFarisei navaSadhusei.” Ipapo vakabva vanzwisisa kuti akanga asingavataurire kuchenjerera mbiriso yechingwa asi yedzidziso yavaFarisei neyavaSadhusei. Jesu paakasvika kudunhu reSezariafiripi, akabvunza vadzidzi vake achiti, “Vanhu vanoti Mwanakomana womunhu ndiani?” Vakati, “Vamwe vanoti ndiJohani Muombeki vamwewo vachiti ndiEriya, vamwewo vachiti ndiJeremiya kana kuti mumwe wavaporofita.” Akazoti kwavari, “Ko imi, munoti ndini ani?” Simoni Pita akapindura achiti, “Ndimi Kristu chaiye Mwanakomana waMwari mupenyu.” Jesu akamupindurawo achiti, “Zvako wakakomborerwa Simoni mwanakomana waJona, nokuti haasi munhu ane nyama neropa akakuzivisa izvi asi Baba vangu vari kudenga. Zvino ini ndinoti kwauri ndiwe Pita uye paruware urwu ndichavakira sangano rangu. Masimba erufu haachazorikuriri. Ndichakupa kii dzoumambo hwedenga. Chose chauchasunga pasi pano chichabva chasungwawo kudenga. Chose chauchasunungura pasi pano chichabva chasunungurwawo kudenga.” Ipapo Jesu akatsindidza vadzidzi vake kuti vasataurire kana munhu zvake kuti ndiye Mesia.
Mateo 16:11-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hamunzwisisi neiko, kuti handina‐kutaura kwamuri pamsoro peɀiŋgwa? Asi mucenjere mbiriso yaʋaFarise naʋaSaduse. Ɀino ʋakanzwisisa kuti haana‐kutaura kuti ʋacenjere mbiriso yeɀiŋgwa, asi dzidziso yaʋaFarise naʋaSaduse. Jesu wakati aȿika kumatiʋi enyika yeKesaria Firipo, akabvunza ʋadzidzi ʋake, akati: Ʋanhu ʋanoti Mŋanakomana womunhu ndianiko? Ʋakati: Ʋamŋe ʋanoti: Johane Mubapatidzi; ʋamŋe Eria; ʋamŋe Jeremia, kana mumŋe waʋaprofita. Akati kwaʋari: Ko imi munoti ndini ani? Ipapo Simoni Petro akapindura, akati: Ndimi Kristu Mŋanakomana waMŋari mupenyu. Jesu akapindura, akati kwaari: Wakaropafadzwa iwe, Simoni Bar‐Jona, nokuti nyama neropa haɀinakukuziʋisa iɀoɀo, asi Ƃaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga. Neni ndinoti kwauri, ndiwe Petro, pamsoro poruware urwu ndicaʋaka kereke yaŋgu, masuʋo eHadesi haaŋgaikundi. Ndicakupa kiyi dzoʋushe bgokuɗeŋga; cinhu cipi necipi caucasuŋga panyika, cicasuŋgwa kuɗeŋga, necinhu cipi necipi caucasunuŋgura panyika, cicasunuŋgurwa kuɗeŋga. Ipapo akaraira ʋadzidzi ʋake kuti ʋarege kuʋudza munhu kuti ndiye Kristu.
Mateo 16:11-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)