Mateo 15:25-28
Mateo 15:25-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mukadzi uya akauya akasvikopfugama pamberi pake akati, “Ishe, ndibatsireiwo!” Akapindura akati, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana muchichikandira imbwa.” Mukadzi uya akati, “Hongu Ishe, kunyange nembwa dzinodyawo zvimedu zvinodonha kubva patafura yatenzi wadzo.” Ipapo Jesu akapindura akati, “Mai, mune kutenda kukuru! Chikumbiro chenyu chanzwikwa.” Mwanasikana wake akabva aporeswa kubva panguva iyoyo.
Mateo 15:25-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akauya, akamupfugamira, akati, “Ishe, dondibatsirai henyu.” Akapindura, akati, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana, ndokuchikandira mbwanana.” Akati, “Hongu, Ishe, kunyange nembwananawo dzinodya zvimedu zvinodonha patafura ravatenzi vadzo.” Zvino Jesu akapindura, akati kwaari, “Haiwa, mai, kutenda kwako kukuru, zvaunoda ngazviitwe.” Mwanasikana wake akapora kubva panguva iyo.
Mateo 15:25-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi mudzimai uya akauya akapfugama pamberi pake achiti, “Tenzi, ndibatsirei zvenyu.” Jesu akamupindura achiti, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana uchichikanda kuimbwa.” Mudzimai uya akati, “Hongu zvazvo Tenzi; asi kunyange mbwanana dzinodya tumedu tunodonha pateburu yavatenzi vadzo.” Jesu akamupindura achiti, “Iwe mudzimai chitendero chako chikuru! Ngazviitwe sokuda kwako.” Mwanasikana wake akabva anaya pakarepo.
Mateo 15:25-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino akaʋuya, akamunamata, akati: Ishe, ɗondiɓatsirai henyu. Akapindura, akati: Haɀina‐kunaka kutora ciŋgwa caʋana, ndokucikandira imbganana. Akati: Hoŋo, Ishe, kunyaŋge nembganana ʋo dzinodya ɀimeɗu ɀinoɗonha patafura raʋatenzi ʋadzo. Ɀino Jesu akapindura, akati kwaari: Haiwa, mai, kutenda kwako kukuru, ɀaunoɗa ŋgaɀiitwe. Mŋanasikana wake akapora kubva paŋguʋa iyo.
Mateo 15:25-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)