Mateo 15:21-39
Mateo 15:21-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jesu akabvapo, akaenda kumativi enyika yeTire neSidhoni. Zvino, tarira, mukadzi muKanani akabva kunyika iyo, akadana, achiti, “Ndinzwirei ngoni, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi; mwanasikana wangu akabatwa kwazvo nomweya wakaipa.” Asi haana kumupindura neshoko rimwe. Ipapo vadzidzi vake vakauya vakakumbira kwaari, vachiti, “Mumuendesei, nokuti anodanidzira shure kwedu.” Asi akapindura, akati, “Ndakangotumirwa kumakwai akarashika eimba yavaIsiraeri.” Zvino akauya, akamupfugamira, akati, “Ishe, dondibatsirai henyu.” Akapindura, akati, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana, ndokuchikandira mbwanana.” Akati, “Hongu, Ishe, kunyange nembwananawo dzinodya zvimedu zvinodonha patafura ravatenzi vadzo.” Zvino Jesu akapindura, akati kwaari, “Haiwa, mai, kutenda kwako kukuru, zvaunoda ngazviitwe.” Mwanasikana wake akapora kubva panguva iyo. Jesu akati achibva ipapo, akaenda achitevedza gungwa reGariria, akakwira mugomo, akagarapo pasi. Zvino vanhu vazhinji vakauya kwaari navanokamhina, nezvirema, namapofu, nembeveve, navamwe vazhinji, vakavaisa pamberi paJesu; akavaporesa. Naizvozvo vanhu vazhinji vakashamiswa vachiona mbeveve dzichitaura, nezvirema zvapora, navanokamhina vachifamba, namapofu achiona; vakarumbidza Mwari wavaIsiraeri. Zvino Jesu akadanira vadzidzi vake kwaari, akati, “Ndine tsitsi navanhu vazhinji ava, nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya; handidi kuvaendesa vane nzara, zvimwe vangaziya panzira.” Vadzidzi vakati kwaari, “Tichawanepiko murenje zvingwa zvakawanda zvakadaro, kuti tigutise vanhu vazhinji vakadai?” Jesu akati kwavari, “Mune zvingwa zvinganiko?” Vakati, “Zvinomwe, nehove duku shomanana.” Zvino akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi; akatora zvingwa zvinomwe nehove, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi vakapa vanhu vazhinji. Vakadya vose, vakaguta; vakanonga zvimedu zvakasara, vakawana matengu manomwe azere. Vakadya vakanga vari varume vane zviuru zvina, vakadzi navana vasingaverengwi. Zvino akati aendesa vanhu vazhinji, akapinda muigwa, akasvika munyika yeMagadhani.
Mateo 15:21-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akabvapo akaenda kudunhu reTire neSidhoni. Mumwe mukadzi muKenani womunzvimbo iyi akauya achidanidzira achiti, “Ishe, mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni! Mwanasikana wangu ari kutambudzwa zvikuru nedhimoni rakamubata.” Jesu haana chaakapindura. Ipapo vadzidzi vake vakauya kwaari vakasvikoti, “Mudzingei nokuti ari kuramba achidanidzira kwatiri.” Akati kwavari, “Ndakatumwa kumakwai akarasika eIsraeri chete.” Mukadzi uya akauya akasvikopfugama pamberi pake akati, “Ishe, ndibatsireiwo!” Akapindura akati, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana muchichikandira imbwa.” Mukadzi uya akati, “Hongu Ishe, kunyange nembwa dzinodyawo zvimedu zvinodonha kubva patafura yatenzi wadzo.” Ipapo Jesu akapindura akati, “Mai, mune kutenda kukuru! Chikumbiro chenyu chanzwikwa.” Mwanasikana wake akabva aporeswa kubva panguva iyoyo. Jesu akabvapo akatevedza gungwa reGarirea. Ipapo akakwira mugomo akagara pasi. Uye vanhu vazhinji vakauya kwaari navakaremara, mapofu, mhetamakumbo, mbeveve navamwe vazhinji, vakasvikovaisa patsoka dzake uye akavaporesa. Vanhu vakashamiswa kuona mbeveve dzichitaura, mhetamakumbo dzichitwasanudzwa, vakaremara vachifamba namapofu achiona. Vakarumbidza Mwari weIsraeri. Jesu akadana vadzidzi vake akati kwavari, “Ndiri kunzwa tsitsi pamusoro pavanhu ava; vanga vachingova neni kwamazuva matatu uye havachina chokudya. Handidi kuti ndivaendese vaine nzara nokuti vangaziya nenzara munzira.” Vadzidzi vake vakapindura vachiti, “Ndokupi kwatingawana chingwa chinokwana vanhu vose ava muno musango makadai?” Jesu akabvunza akati, “Mune zvingwa zvingani?” Ivo vakati, “Tine zvinomwe notuhove tushoma shoma.” Akarayira kuti vanhu vose vagare pasi. Ipapo akatora zvingwa zvinomwe zviya nehove dziya, akavonga, akazvimedura ndokuzvipa kuvadzidzi, ivowo ndokupa vanhu vose. Vose vakadya vakaguta. Mushure, vadzidzi vakanhongera zvimedu zvakanga zvasara zvikazadza matengu manomwe. Vanhu vakadya vaiva varume zviuru zvina, vakadzi navana vasingaverengerwi. Mushure mokunge Jesu aendesa vanhu vazhinji ava, akapinda mugwa ndokubva aenda kudunhu reMagadhani.
Mateo 15:21-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akabvapo akaenda kudunhu reTire neSidhoni. Hoyo mumwe mudzimai wechiKanani, womudunhu iroro, akauya achichema achiti, “Ndinzwireiwo tsitsi, Tenzi, Mwanakomana waDhavhidhi; mwanasikana wangu akagarwa zvakanyanya nomweya wakaipa.” Asi Jesu haana chaakamupindura. Vadzidzi vake vakauya vakamukumbira vachiti, “Mutaurirei aende nokuti ari kutitevera achichema.” Iye akapindura achiti, “Ini ndakatumwa kuhwai dzakarasika dzemba yaIsiraeri.” Asi mudzimai uya akauya akapfugama pamberi pake achiti, “Tenzi, ndibatsirei zvenyu.” Jesu akamupindura achiti, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana uchichikanda kuimbwa.” Mudzimai uya akati, “Hongu zvazvo Tenzi; asi kunyange mbwanana dzinodya tumedu tunodonha pateburu yavatenzi vadzo.” Jesu akamupindura achiti, “Iwe mudzimai chitendero chako chikuru! Ngazviitwe sokuda kwako.” Mwanasikana wake akabva anaya pakarepo. Jesu akabva ikoko akazopfuura achitevedza gungwa reGarirea. Akakwira muchikomo ndokugara pasi imomo. Zvita zvavanhu zvakawanda zvakauya kwaari. Vakaungana kwaari nemhetamakumbo navakaremara namapofu nembeveve navamwe vakadaro. Vakavaisa patsoka dzake. Iye akavaporesa zvokuti gurusvusvu riya ravanhu rakashamiswa, pavakaona mbeveve dzichitaura, zvirema zvaita zvakanaka nemhetamakumbo dzavakufamba namapofu avakuona. Vakarumbidza Mwari wavaIsiraeri. Jesu akadaidza vadzidzi vake akati, “Ndine urombo kwazvo negungano ravanhu iri nokuti vanga vaneni kwamazuva matatu aya zvino havachisina chokudya. Handide kuvaendesa nenzara vangadaro vakaziya panzira.” Vadzidzi vakamubvunza kuti, “Tingawane kupi chingwa chinokwana kugutsa gungano guru ravanhu rakadai murenje muno?” Jesu akati kwavari, “Mune zvingwa zvingani?” Ivo vakati, “Tine zvinomwe netuhove tushoma.” Akati vanhu vagare pasi. Akatora zvingwa zviya zvinomwe nehove. Akatenda, ndokuzvimedura ozvipa kuvadzidzi. Vadzidzi vakazvipawo kuvanhu. Vose vakadya vakaguta. Vakanhongerera zvimedu zvakasara zvikazadza tswanda nomwe. Vakadya vacho vaiva zviuru zvina zvavarume tisingaverengi zvedu vakadzi navana. Jesu akazoendesa vanhu ndokukwira mugwa woenda kudunhu reMagadhani.
Mateo 15:21-39 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jesu wakabva’po, akaenda kumatiʋi enyika yeTire neSidoni. Ɀino, tarira, mukadzi muKanani wakabva kunyika iyo, akaɗana, aciti: Ndinzwirei ŋgoni, Ishe, Mŋanakomana waDavidi; mŋanasikana waŋgu wakaɓatwa kwaɀo nomŋeya wakaipa. Asi haana‐kumupindura neshoko rimŋe. Ipapo ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya ʋakakumbira kwaari, ʋaciti: Mumuendisei, nokuti unoɗanidzira shure kweɗu. Asi wakapindura, akati: Ndakaŋgotumirwa kumakwai akarashika eimba yaʋaIsraeri. Ɀino akaʋuya, akamunamata, akati: Ishe, ɗondiɓatsirai henyu. Akapindura, akati: Haɀina‐kunaka kutora ciŋgwa caʋana, ndokucikandira imbganana. Akati: Hoŋo, Ishe, kunyaŋge nembganana ʋo dzinodya ɀimeɗu ɀinoɗonha patafura raʋatenzi ʋadzo. Ɀino Jesu akapindura, akati kwaari: Haiwa, mai, kutenda kwako kukuru, ɀaunoɗa ŋgaɀiitwe. Mŋanasikana wake akapora kubva paŋguʋa iyo. Jesu wakati acibva ipapo, akaenda napaguŋgwa reGarirea, akakwira mugomo, akagara’po pasi. Ɀino ʋanhu ʋazhinji ʋakaʋuya kwaari naʋanokamhina, neɀirema, namapofu, nembeʋeʋe, naʋamŋe ʋazhinji, ʋakaʋaisa pamberi paJesu; akaʋaporesa. Naiɀoɀo ʋanhu ʋazhinji ʋakashamiswa ʋaciʋona mbeʋeʋe dzicitaura, neɀirema ɀapora, naʋanokamhina ʋacifamba, namapofu aciʋona; ʋakarumbidza Mŋari waʋaIsraeri. Ɀino Jesu wakaɗanira ʋadzidzi ʋake kwaari, akati: Ndinetsits inaʋanhu ʋazhinji aʋa, nokuti atoʋa mazuʋa matatu aʋakagara neni ʋasinaɀaʋaŋgadya; handiɗi kuʋaendisa ʋanenzara, ɀimŋe ʋaŋgaziya panzira. Ʋadzidzi ʋakati kwaari: Ticawanepiko murenje ɀiŋgwa ɀakawanda ɀakaɗaro, kuti tigutise ʋanhu ʋazhinji ʋakaɗai? Jesu akati kwaʋari: Muneɀiŋgwa ɀiŋganiko? Ʋakati: Ɀinomŋe, nehoʋe ɗuku shomanene. Ɀino akaraira ʋanhu ʋazhinji kuti ʋagare pasi; akatora ɀiŋgwa ɀinomŋe nehoʋe, akaʋoŋga, akaɀimeɗura, ndokupa ʋadzidzi ʋake, ʋadzidzi ʋakapa ʋanhu ʋazhinji. Ʋakadya ʋose, ʋakaguta; ʋakanoŋga ɀimeɗu ɀakasara, mateŋgu manomŋe azere. Ʋakadya ʋakaŋga ʋari ʋarume ʋaneɀuru ɀinna, ʋakadzi naʋana ʋasiŋgaʋereŋgwi. Ɀino wakati aendisa ʋanhu ʋazhinji, akapinda mugwa, akaȿika munyika yeMagadani.
Mateo 15:21-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)