Mateo 15:21-28
Mateo 15:21-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akabvapo akaenda kudunhu reTire neSidhoni. Mumwe mukadzi muKenani womunzvimbo iyi akauya achidanidzira achiti, “Ishe, mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni! Mwanasikana wangu ari kutambudzwa zvikuru nedhimoni rakamubata.” Jesu haana chaakapindura. Ipapo vadzidzi vake vakauya kwaari vakasvikoti, “Mudzingei nokuti ari kuramba achidanidzira kwatiri.” Akati kwavari, “Ndakatumwa kumakwai akarasika eIsraeri chete.” Mukadzi uya akauya akasvikopfugama pamberi pake akati, “Ishe, ndibatsireiwo!” Akapindura akati, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana muchichikandira imbwa.” Mukadzi uya akati, “Hongu Ishe, kunyange nembwa dzinodyawo zvimedu zvinodonha kubva patafura yatenzi wadzo.” Ipapo Jesu akapindura akati, “Mai, mune kutenda kukuru! Chikumbiro chenyu chanzwikwa.” Mwanasikana wake akabva aporeswa kubva panguva iyoyo.
Mateo 15:21-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jesu akabvapo, akaenda kumativi enyika yeTire neSidhoni. Zvino, tarira, mukadzi muKanani akabva kunyika iyo, akadana, achiti, “Ndinzwirei ngoni, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi; mwanasikana wangu akabatwa kwazvo nomweya wakaipa.” Asi haana kumupindura neshoko rimwe. Ipapo vadzidzi vake vakauya vakakumbira kwaari, vachiti, “Mumuendesei, nokuti anodanidzira shure kwedu.” Asi akapindura, akati, “Ndakangotumirwa kumakwai akarashika eimba yavaIsiraeri.” Zvino akauya, akamupfugamira, akati, “Ishe, dondibatsirai henyu.” Akapindura, akati, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana, ndokuchikandira mbwanana.” Akati, “Hongu, Ishe, kunyange nembwananawo dzinodya zvimedu zvinodonha patafura ravatenzi vadzo.” Zvino Jesu akapindura, akati kwaari, “Haiwa, mai, kutenda kwako kukuru, zvaunoda ngazviitwe.” Mwanasikana wake akapora kubva panguva iyo.
Mateo 15:21-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akabvapo akaenda kudunhu reTire neSidhoni. Hoyo mumwe mudzimai wechiKanani, womudunhu iroro, akauya achichema achiti, “Ndinzwireiwo tsitsi, Tenzi, Mwanakomana waDhavhidhi; mwanasikana wangu akagarwa zvakanyanya nomweya wakaipa.” Asi Jesu haana chaakamupindura. Vadzidzi vake vakauya vakamukumbira vachiti, “Mutaurirei aende nokuti ari kutitevera achichema.” Iye akapindura achiti, “Ini ndakatumwa kuhwai dzakarasika dzemba yaIsiraeri.” Asi mudzimai uya akauya akapfugama pamberi pake achiti, “Tenzi, ndibatsirei zvenyu.” Jesu akamupindura achiti, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana uchichikanda kuimbwa.” Mudzimai uya akati, “Hongu zvazvo Tenzi; asi kunyange mbwanana dzinodya tumedu tunodonha pateburu yavatenzi vadzo.” Jesu akamupindura achiti, “Iwe mudzimai chitendero chako chikuru! Ngazviitwe sokuda kwako.” Mwanasikana wake akabva anaya pakarepo.
Mateo 15:21-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jesu wakabva’po, akaenda kumatiʋi enyika yeTire neSidoni. Ɀino, tarira, mukadzi muKanani wakabva kunyika iyo, akaɗana, aciti: Ndinzwirei ŋgoni, Ishe, Mŋanakomana waDavidi; mŋanasikana waŋgu wakaɓatwa kwaɀo nomŋeya wakaipa. Asi haana‐kumupindura neshoko rimŋe. Ipapo ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya ʋakakumbira kwaari, ʋaciti: Mumuendisei, nokuti unoɗanidzira shure kweɗu. Asi wakapindura, akati: Ndakaŋgotumirwa kumakwai akarashika eimba yaʋaIsraeri. Ɀino akaʋuya, akamunamata, akati: Ishe, ɗondiɓatsirai henyu. Akapindura, akati: Haɀina‐kunaka kutora ciŋgwa caʋana, ndokucikandira imbganana. Akati: Hoŋo, Ishe, kunyaŋge nembganana ʋo dzinodya ɀimeɗu ɀinoɗonha patafura raʋatenzi ʋadzo. Ɀino Jesu akapindura, akati kwaari: Haiwa, mai, kutenda kwako kukuru, ɀaunoɗa ŋgaɀiitwe. Mŋanasikana wake akapora kubva paŋguʋa iyo.
Mateo 15:21-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)