Mateo 14:25-26
Mateo 14:25-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Panguva yechina yousiku Jesu akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. Vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya kwazvo. Vakaridza mhere nokutya vakati, “Hero dzangaradzimu!”
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 14Mateo 14:25-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nenguva yechina yousiku akauya kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. Zvino vadzidzi vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakavhunduka, vachiti, “Madzimudzangara,” vakaridza mhere nokutya.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 14Mateo 14:25-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuzoti yava nguva yomurirakamwe akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa. Asi vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya zvikuru vachiti, “Idzimudzangara.” Vakaridza mhere nokutya.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 14