Mateo 14:17-20
Mateo 14:17-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ivo vakapindura vakati, “Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri.” Akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” Uye akarayira kuti vanhu vagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zvishanu nehove dziya mbiri akatarira kudenga akavonga, akazviropafadza uye akazvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi, vadzidzi vakapa vanhu. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakaunganidza zvimedu zvainge zvasara zvikazadza matengu gumi namaviri.
Mateo 14:17-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakati kwaari, “Hatina chinhu pano, asi zvingwa zvishanu bedzi nehove mbiri.” Iye akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” Akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi pauswa, akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, ndokutarira kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi vakapa vanhu vazhinji. Vakadya vose, vakaguta; vakaunganidza zvimedu zvakasara, matengu ane gumi namaviri azere.
Mateo 14:17-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakati kwaari, “Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri chete.” Iye akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” Akati vanhu ngavagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zviya zvishanu nehove mbiri. Akatarisa kudenga, ndokukomborera, ndokumedura, akapa zvingwa zviya kuvadzidzi. Vadzidzi vakazvipa kuvanhu. Vose vakadya vakaguta. Vakaunganidza tswanda gumi nembiri dzizere dzezvimedu zvakasara.
Mateo 14:17-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakati kwaari: Hatinecinhu pano, asi ɀiŋgwa ɀishanu ɓedzi nehoʋe mbiri. Iye akati: Ʋuyai naɀo ʋuno kwandiri Akaraira ʋanhu ʋazhinji kuti ʋagare pasi paʋuswa, akatora ɀiŋgwa ɀishanu nehoʋe mbiri, ndokutarira kuɗeŋga, akaʋoŋga, akameɗura ɀiŋgwa, ndokupa ʋadzidzi ʋake, ʋadzidzi ʋakapa ʋanhu ʋazhinji. Ʋakadya ʋose, ʋakaguta; ʋakaʋuŋganidza ɀimeɗu ɀakasara, mateŋgu anegumi namaʋiri azere.
Mateo 14:17-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)