Mateo 13:45-46
Mateo 13:45-46 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Umambo hwokudenga hwakafananazve nomutengesi wezvinhu anotsvaka maparera akaisvonaka. Akati awana rimwe rawo rinokosha akaenda akandotengesa zvose zvaakanga anazvo uye akaritenga.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 13Mateo 13:45-46 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ushe hwedenga hwakafananazve nomushambadzi anotsvaka mapera akanaka; akati awana pera rimwe rinomutengo mukuru, akaenda, akandotengesa zvose zvaakanga anazvo, akaritenga iro.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 13Mateo 13:45-46 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Uyewo umambo hwedenga hwakaita somunhu anoshava matombo amapera anokosha anoti kana awana pera rimwechete rinokosha kwazvo, anoenda ondotengesa zvose zvaanazvo oritenga.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 13