Mateo 13:36-46
Mateo 13:36-46 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo akasiya vanhu vazhinji akapinda mumba. Vadzidzi vake vakauya kwaari vakasvikoti, “Titsanangurirei zvinorehwa nomufananidzo wamasawi mumunda.” Akapindura akati, “Uyo akadyara mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana woMunhu. Munda ndiyo nyika, uye mbeu yakanaka inomirira vanakomana voumambo. Masawi ndiwo vanakomana vowakaipa, muvengi anoadyara ndiye dhiabhori. Kukohwa ndiko kuguma kwenyika, uye vakohwi ndivo vatumwa. “Sokudzurwa kunoitwa masawi achipiswa mumoto, ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. Mwanakomana woMunhu achatuma vatumwa vake uye vachadzura kubva muumambo hwake zvose zvinokonzera chivi navose vanoita zvakaipa. Vachavakanda muvira romoto umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno. Ipapo vakarurama vachapenya sezuva vari muumambo hwaBaba vavo. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe. “Umambo hwokudenga hwakafanana nepfuma yakavigwa mumunda. Mumwe murume akati aiwana, akaivigazve, uye ipapo mukufara kwake, akaenda akandotengesa zvose zvaaiva nazvo ndokutenga munda iwoyo. “Umambo hwokudenga hwakafananazve nomutengesi wezvinhu anotsvaka maparera akaisvonaka. Akati awana rimwe rawo rinokosha akaenda akandotengesa zvose zvaakanga anazvo uye akaritenga.
Mateo 13:36-46 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jesu akati aendesa vanhu vazhinji, akapinda mumba, vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati, “Tidudzirei mufananidzo wamasawi omumunda.” Akapindura, akati, “Anokusha mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana womunhu. Munda inyika; mbeu yakanaka ndivo vanakomana voushe, masawi ndiwo vanakomana vomuipi. Muvengi akakusha ndiye Dhiabhori; kucheka ndiko kuguma kwenyika; vacheki ndivo vatumwa vaMwari. “Zvino masawi sezvaanounganidzwa achipiswa mumoto, ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika. Mwanakomana womunhu achatuma vatumwa vake, vagounganidza muushe hwake zvose zvinogumbusa, navanoita zvisakarurama, vachavakandira muvira romoto; ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno. Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muushe hwaBaba vavo. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe. “Ushe hwedenga hwakafanana nepfuma yakavanzwa mumunda, iyo yakawanikwa nomunhu, akaivanzazve; zvino nokufara kwake anoenda, akatengesa zvose zvaanazvo, akatenga munda uyo. “Ushe hwedenga hwakafananazve nomushambadzi anotsvaka mapera akanaka; akati awana pera rimwe rinomutengo mukuru, akaenda, akandotengesa zvose zvaakanga anazvo, akaritenga iro.
Mateo 13:36-46 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akabva pagungano ravanhu akapinda mumba. Vadzidzi vake vakauya kwaari vachiti, “Titsanangurirei muenzaniso wesawi romumunda.” Jesu akapindura achiti, “Anodyara mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana womunhu. Munda wacho ndiyo nyika. Mbeu yakanaka ndivo vana voumambo. Sawi ndivo vana vomuipi. Muvengi akaridyara ndiDhiabhori. Kukohwa ndiko kuguma kwapasi. Vakohwi ndivo vatumwa. Sokuunganidzwa kunoitwa sawi richipiswa nomoto ndizvo zvichaitwawo pakuguma kwapasi. Mwanakomana womunhu achatuma vatumwa vake. Vachaunganidza vagobvisa muumambo hwake vose vanokonzera vanhu kutadza navose vanoita zvakaipa vachivakanda muvira romoto. Ikoko vanhu vachachema vachirumanidza mazino. Vakarurama vachapenya sezuva muumambo hwababa vavo. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe. “Umambo hwodenga hwakaita soupfumi hwakavigwa mumunda hunoti kana munhu ahuwana anohuvigazve. Pamusana pokufara, anoenda ondotengesa zvose zvaanazvo otenga munda iwoyo. “Uyewo umambo hwedenga hwakaita somunhu anoshava matombo amapera anokosha anoti kana awana pera rimwechete rinokosha kwazvo, anoenda ondotengesa zvose zvaanazvo oritenga.
Mateo 13:36-46 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jesu wakati aendisa ʋanhu ʋazhinji, akapinda mumba, ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Tiɗudzirei mufananidzo wamashawi omumunda. Akapindura, akati: unokusha mbeu yakanaka ndiye Mŋanakomana womunhu. Munda inyika; mbeu yakanaka ndiʋo ʋanakomana ʋoʋushe; mashawi ndiʋo ʋanakomana ʋowakaipa. Muʋeŋgi wakakusha ndiye Diaborosi; kuceka ndiko kuguma kwenyika; ʋaceki ndiʋo ʋatumŋa. Ɀino mashawi seɀaanoʋuŋganidzwa acipiswa mumŋoto, ndiɀo ɀicaitwa pakuguma kwenyika. Mŋanakomana womunhu ucatuma ʋatumŋa ʋake, ʋagoʋuŋganidza muʋushe bgake ɀose ɀinogumbusa, naʋanoita ɀisakarurama, ʋacaʋakandira muʋira romŋoto; ipapo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno. Ipapo ʋakarurama ʋacapenya sezuʋa muʋushe bgaƂaɓa ʋaʋo. Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe. Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana nefuma yakaʋanzwa mumunda, iyo yakawanikwa nomunhu, akaiʋanza ɀe; ɀino nokufara kwake unoenda, akateŋgesa ɀose ɀaanaɀo, akateŋga munda uyo. Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana ɀe nomuteŋgi unotȿaka maparera akanaka; akati awana parera rimŋe rinomuteŋgo mukuru, akaenda, akandoteŋgesa ɀose ɀaakaŋga anaɀo, akariteŋga iro.
Mateo 13:36-46 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)