Mateo 13:24-47
Mateo 13:24-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akavaudza mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hunofananidzwa nomunhu akakusha mbeu yakanaka mumunda make. Asi munhu wose avete, muvengi wake akauya akakusha sawi pakati pegorosi, ndokubva aenda. Asi kuzoti gorosi ramera rikatumbuka, ipapo sawi rakaonekwawo. “Varanda vomuridzi womunda vakauya kwaari vakasvikoti, ‘Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Ko, zvino sawi rakazobvepi?’ “Akavapindura achiti, ‘Muvengi ndiye akaita izvi.’ “Varanda vakamubvunza vakati, ‘Munoda kuti tiende kunoridzura here?’ “Akapindura akati, ‘Kwete, nokuti paya pamunodzura sawi, mungazodzura pamwe chete nezviyo. Regai zvikurirane pamwe chete, tozozviona pakukohwa. Panguva iyoyo ndinozoudza vakohwi kuti: Tangai kuunganidza sawi murisunge muzvisote zvichazopiswa. Mushure mozounganidza gorosi mugoriisa mudura rangu.’ ” Akavaudzazve mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana nembeu yemasitadhi iyo yakatorwa nomunhu akaidyara mumunda make. Kunyange zvazvo iri iyo mbeu dukusa pambeu dzenyu, asi painokura ndiyo huru kwazvo pambeu dzose dzomubindu uye inova muti wokuti shiri dzedenga dzinouya dzichimhara pamapazi awo.” Akavaudzazve mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana nembiriso, iyo inotorwa nomunhukadzi oisanganisa nefurawa yakawanda, kusvikira yapinda muchikanyiwa chose.” Jesu akataura zvinhu izvi zvose kuvanhu nemifananidzo. Haana chaakataura kwavari asingashandisi mifananidzo. Saizvozvo zvakazadziswa zvakanga zvataurwa kubudikidza nomuprofita zvichinzi: “Ndichataura nemifananidzo, ndichataura zvinhu zvakavanzika kubva pakusikwa kwenyika.” Ipapo akasiya vanhu vazhinji akapinda mumba. Vadzidzi vake vakauya kwaari vakasvikoti, “Titsanangurirei zvinorehwa nomufananidzo wamasawi mumunda.” Akapindura akati, “Uyo akadyara mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana woMunhu. Munda ndiyo nyika, uye mbeu yakanaka inomirira vanakomana voumambo. Masawi ndiwo vanakomana vowakaipa, muvengi anoadyara ndiye dhiabhori. Kukohwa ndiko kuguma kwenyika, uye vakohwi ndivo vatumwa. “Sokudzurwa kunoitwa masawi achipiswa mumoto, ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. Mwanakomana woMunhu achatuma vatumwa vake uye vachadzura kubva muumambo hwake zvose zvinokonzera chivi navose vanoita zvakaipa. Vachavakanda muvira romoto umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno. Ipapo vakarurama vachapenya sezuva vari muumambo hwaBaba vavo. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe. “Umambo hwokudenga hwakafanana nepfuma yakavigwa mumunda. Mumwe murume akati aiwana, akaivigazve, uye ipapo mukufara kwake, akaenda akandotengesa zvose zvaaiva nazvo ndokutenga munda iwoyo. “Umambo hwokudenga hwakafananazve nomutengesi wezvinhu anotsvaka maparera akaisvonaka. Akati awana rimwe rawo rinokosha akaenda akandotengesa zvose zvaakanga anazvo uye akaritenga. “Zvakare umambo hwokudenga hwakafanana nousvasvi hwakakandwa mugungwa uye hukabata marudzi ose ehove.
Mateo 13:24-47 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo, achiti, “Ushe hwedenga hunofanidzwa nomunhu akakusha mbeu yakanaka mumunda make. Asi vanhu vavete, muvengi wake akauya, akakusha masawi pakati pezviyo, akaenda. Asi chipande chakati chamera nokubereka, zvino masawi akaonekwawo. Zvino varanda vomuridzi weimba vakauya, vakati kwaari, ‘Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Munda wawanepiko masawi?’ Akati kwavari, ‘Munhu anondivenga aita izvozvo.’ Varanda vakati kwaari, ‘Ko munoda kuti tindoaunganidza here?’ Akati, ‘Kwete, zvimwe kana muchiunganidza masawi, mungadzura nezviyowo.’ “Regai zvikure zvose zviri zviviri kusvikira pakucheka; nenguva yokucheka ndichati kuvacheki, ‘Tangai kuunganidza masawi, muasunge zvimwanda kuti apiswe, asi mututire zviyo mudura rangu.’ ” Akaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo, achiti, “Ushe hwedenga hwakafanana netsanga yembeu yemasitadhi, yakatorwa nomunhu, akaidyara mumunda make; iyo iduku kumbeu dzose, asi kana yakura, ihuru pamiriwo yose, inoita muti wakakura ukadaro kuti shiri dzedenga dzinouya, dzichigara mumatavi awo.” Akavaudza mumwe mufananidzo, akati, “Ushe hwedenga hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi, akaiisa muzviero zvitatu zvoupfu, kusvikira hwose hwaviriswa.” Zvinhu zvose Jesu wakaudza vanhu vazhinji nemifananidzo; haana kutaura chinhu kwavari asingafananidzi; kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita, achiti, “Ndichataura nemifananidzo, Ndichataura zvakavanzika kubva pakuvambwa kwenyika.” Zvino Jesu akati aendesa vanhu vazhinji, akapinda mumba, vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati, “Tidudzirei mufananidzo wamasawi omumunda.” Akapindura, akati, “Anokusha mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana womunhu. Munda inyika; mbeu yakanaka ndivo vanakomana voushe, masawi ndiwo vanakomana vomuipi. Muvengi akakusha ndiye Dhiabhori; kucheka ndiko kuguma kwenyika; vacheki ndivo vatumwa vaMwari. “Zvino masawi sezvaanounganidzwa achipiswa mumoto, ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika. Mwanakomana womunhu achatuma vatumwa vake, vagounganidza muushe hwake zvose zvinogumbusa, navanoita zvisakarurama, vachavakandira muvira romoto; ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno. Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muushe hwaBaba vavo. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe. “Ushe hwedenga hwakafanana nepfuma yakavanzwa mumunda, iyo yakawanikwa nomunhu, akaivanzazve; zvino nokufara kwake anoenda, akatengesa zvose zvaanazvo, akatenga munda uyo. “Ushe hwedenga hwakafananazve nomushambadzi anotsvaka mapera akanaka; akati awana pera rimwe rinomutengo mukuru, akaenda, akandotengesa zvose zvaakanga anazvo, akaritenga iro. “Ushe hwedenga hwakafananazve nousvasvi hunokandirwa mugungwa, hunounganidza marudzi ose ehove
Mateo 13:24-47 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Umambo hwedenga hungafananidzwe nomunhu akadyara mbeu yakanaka mumunda make. Asi vanhu vakarara, muvengi wake akauya akadyara sawi mukati mekoroni akabva aenda. Padzakabuda dzikatumbuka sawi rakaonekwawo.” Vashandi vepamba ipapo vakauya vakati kwaari, “Changamire, hamuna kudyara mbeu yakanaka here mumunda menyu? Ko sawi rakazobva kupi?” Iye akati kwavari, “Muvengi ndiye akaita izvi.” Vashandi vakati kwaari, “Mungade here kuti tindoridzura?” Asi iye akati, “Kwete, mungadaro mukadzipurirana nekoroni pamunenge muchidzura sawi. Regai zvikurirane pamwechete kusvikira panguva yokukohwa. Panguva yokukohwa ndichataurira vakohwi kuti, ‘Tangai kuunganidza sawi murisunge muzvisumbu kuti zvipiswe muunganidze koroni muitutire mudura rangu.’ ” Akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Umambo hwedenga hwakaita setsanga yemasitadhi yakatorwa nomunhu akaidyara mumunda make. Ndiyo tsanga dukuduku pane dzimwe tsanga dzose. Asi kana ichinge yakura inoita gwenzi guru kupinda mamwe ose, ichizova muti, zvokuti shiri dzedenga dzinouya dzichizoita matendere adzo mumapazi awo.” Jesu akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Umambo hwedenga hwakaita sembiriso yakatorwa nomumwe mudzimai akaisanganisa nezviereso zvitatu zvoupfu hwekoroni kusvikira mukanyiwa wose wafuta.” Jesu akataura zvose izvi kugungano ravanhu nemienzaniso. Hapana zvaaimbovataurira asingashandisi mienzaniso. Izvi zvaizadzisa zvakambotaurwa nomuporofita zvokuti, “Ndichazarura muromo wangu ndichitaura nemienzaniso. Ndichadudzira zvakavandika zvapasichigare.” Akabva pagungano ravanhu akapinda mumba. Vadzidzi vake vakauya kwaari vachiti, “Titsanangurirei muenzaniso wesawi romumunda.” Jesu akapindura achiti, “Anodyara mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana womunhu. Munda wacho ndiyo nyika. Mbeu yakanaka ndivo vana voumambo. Sawi ndivo vana vomuipi. Muvengi akaridyara ndiDhiabhori. Kukohwa ndiko kuguma kwapasi. Vakohwi ndivo vatumwa. Sokuunganidzwa kunoitwa sawi richipiswa nomoto ndizvo zvichaitwawo pakuguma kwapasi. Mwanakomana womunhu achatuma vatumwa vake. Vachaunganidza vagobvisa muumambo hwake vose vanokonzera vanhu kutadza navose vanoita zvakaipa vachivakanda muvira romoto. Ikoko vanhu vachachema vachirumanidza mazino. Vakarurama vachapenya sezuva muumambo hwababa vavo. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe. “Umambo hwodenga hwakaita soupfumi hwakavigwa mumunda hunoti kana munhu ahuwana anohuvigazve. Pamusana pokufara, anoenda ondotengesa zvose zvaanazvo otenga munda iwoyo. “Uyewo umambo hwedenga hwakaita somunhu anoshava matombo amapera anokosha anoti kana awana pera rimwechete rinokosha kwazvo, anoenda ondotengesa zvose zvaanazvo oritenga. “Umambo hwedenga hwakafananazve nousvasvi hwakakandwa mugungwa hukakukudza hove dzorudzi norudzi.
Mateo 13:24-47 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakaisa pamberi paʋo mumŋe mufananidzo, aciti: Ʋushe bgokuɗeŋga bgunofananidzwa nomunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make. Asi ʋanhu ʋaʋete, muʋeŋgi wake akaʋuya, akakusha mashawi pakati peɀiyo, akaenda. Asi cipande cakati camera nokuɓereka, ɀino mashawi akaʋonekwa ʋo. Ɀino ʋaranda ʋomŋene weimba ʋakaʋuya, ʋakati kwaari: Ishe, hamuna‐kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Munda wawanepiko mashawi? Akati kwaʋari: Munhu unondiʋeŋga waita iɀoɀo. Ʋaranda ʋakati kwaari: Ko munoɗa kuti tindoaʋuŋganidza here? Akati: Kwete, ɀimŋe kana muciʋuŋganidza mashawi, muŋgadzura neɀiyo ʋo. Regai ɀikure ɀose ɀiri ɀiʋiri kuȿikira pakuceka; neŋguʋa yokuceka ndicati kuʋaceki: Taŋgai kuʋuŋganidza mashawi, muasuŋge mŋanda kuti apiswe, asi muʋuŋganidze ɀiyo muɗura raŋgu. Wakaisa pamberi paʋo mumŋe mufananidzo, aciti: Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana netsaŋga yembeu yemastarda, yakatorwa nomunhu, akaidɀara mumunda make; iyo iɗuku kumbeu dzose, asi kana yakura, ihuru pamiriʋo yose, inoita muti wakakura ukaɗaro kuti shiri dzokuɗeŋga dzinoʋuya, dzicigara pamataʋi awo. Akaʋaʋudza mumŋe mufananidzo, akati: Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi, akaiisa muɀiyero ɀitatu ɀoʋupfu, kuȿikira bgose bgaʋiriswa. Ɀinhu ɀose Jesu wakaʋudza ʋanhu ʋazhinji nemifananidzo; haana‐kutaura cinhu kwaʋari asiŋgafananidzi; kuti ɀiitike ɀakarebga nomuprofita, aciti: Ndicashamisa muromo waŋgu nemifananidzo, Ndicataura ɀakaŋga ɀakaʋanzika kubva pakuʋambga kwenyika. Ɀino Jesu wakati aendisa ʋanhu ʋazhinji, akapinda mumba, ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Tiɗudzirei mufananidzo wamashawi omumunda. Akapindura, akati: unokusha mbeu yakanaka ndiye Mŋanakomana womunhu. Munda inyika; mbeu yakanaka ndiʋo ʋanakomana ʋoʋushe; mashawi ndiʋo ʋanakomana ʋowakaipa. Muʋeŋgi wakakusha ndiye Diaborosi; kuceka ndiko kuguma kwenyika; ʋaceki ndiʋo ʋatumŋa. Ɀino mashawi seɀaanoʋuŋganidzwa acipiswa mumŋoto, ndiɀo ɀicaitwa pakuguma kwenyika. Mŋanakomana womunhu ucatuma ʋatumŋa ʋake, ʋagoʋuŋganidza muʋushe bgake ɀose ɀinogumbusa, naʋanoita ɀisakarurama, ʋacaʋakandira muʋira romŋoto; ipapo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno. Ipapo ʋakarurama ʋacapenya sezuʋa muʋushe bgaƂaɓa ʋaʋo. Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe. Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana nefuma yakaʋanzwa mumunda, iyo yakawanikwa nomunhu, akaiʋanza ɀe; ɀino nokufara kwake unoenda, akateŋgesa ɀose ɀaanaɀo, akateŋga munda uyo. Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana ɀe nomuteŋgi unotȿaka maparera akanaka; akati awana parera rimŋe rinomuteŋgo mukuru, akaenda, akandoteŋgesa ɀose ɀaakaŋga anaɀo, akariteŋga iro. Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana ɀe norutaʋa runokandirwa muguŋgwa, runoʋuŋganidza marudzi ose ehoʋe
Mateo 13:24-47 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)