Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 13:24-35

Mateo 13:24-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jesu akavaudza mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hunofananidzwa nomunhu akakusha mbeu yakanaka mumunda make. Asi munhu wose avete, muvengi wake akauya akakusha sawi pakati pegorosi, ndokubva aenda. Asi kuzoti gorosi ramera rikatumbuka, ipapo sawi rakaonekwawo. “Varanda vomuridzi womunda vakauya kwaari vakasvikoti, ‘Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Ko, zvino sawi rakazobvepi?’ “Akavapindura achiti, ‘Muvengi ndiye akaita izvi.’ “Varanda vakamubvunza vakati, ‘Munoda kuti tiende kunoridzura here?’ “Akapindura akati, ‘Kwete, nokuti paya pamunodzura sawi, mungazodzura pamwe chete nezviyo. Regai zvikurirane pamwe chete, tozozviona pakukohwa. Panguva iyoyo ndinozoudza vakohwi kuti: Tangai kuunganidza sawi murisunge muzvisote zvichazopiswa. Mushure mozounganidza gorosi mugoriisa mudura rangu.’ ” Akavaudzazve mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana nembeu yemasitadhi iyo yakatorwa nomunhu akaidyara mumunda make. Kunyange zvazvo iri iyo mbeu dukusa pambeu dzenyu, asi painokura ndiyo huru kwazvo pambeu dzose dzomubindu uye inova muti wokuti shiri dzedenga dzinouya dzichimhara pamapazi awo.” Akavaudzazve mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana nembiriso, iyo inotorwa nomunhukadzi oisanganisa nefurawa yakawanda, kusvikira yapinda muchikanyiwa chose.” Jesu akataura zvinhu izvi zvose kuvanhu nemifananidzo. Haana chaakataura kwavari asingashandisi mifananidzo. Saizvozvo zvakazadziswa zvakanga zvataurwa kubudikidza nomuprofita zvichinzi: “Ndichataura nemifananidzo, ndichataura zvinhu zvakavanzika kubva pakusikwa kwenyika.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 13

Mateo 13:24-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Akaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo, achiti, “Ushe hwedenga hunofanidzwa nomunhu akakusha mbeu yakanaka mumunda make. Asi vanhu vavete, muvengi wake akauya, akakusha masawi pakati pezviyo, akaenda. Asi chipande chakati chamera nokubereka, zvino masawi akaonekwawo. Zvino varanda vomuridzi weimba vakauya, vakati kwaari, ‘Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Munda wawanepiko masawi?’ Akati kwavari, ‘Munhu anondivenga aita izvozvo.’ Varanda vakati kwaari, ‘Ko munoda kuti tindoaunganidza here?’ Akati, ‘Kwete, zvimwe kana muchiunganidza masawi, mungadzura nezviyowo.’ “Regai zvikure zvose zviri zviviri kusvikira pakucheka; nenguva yokucheka ndichati kuvacheki, ‘Tangai kuunganidza masawi, muasunge zvimwanda kuti apiswe, asi mututire zviyo mudura rangu.’ ” Akaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo, achiti, “Ushe hwedenga hwakafanana netsanga yembeu yemasitadhi, yakatorwa nomunhu, akaidyara mumunda make; iyo iduku kumbeu dzose, asi kana yakura, ihuru pamiriwo yose, inoita muti wakakura ukadaro kuti shiri dzedenga dzinouya, dzichigara mumatavi awo.” Akavaudza mumwe mufananidzo, akati, “Ushe hwedenga hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi, akaiisa muzviero zvitatu zvoupfu, kusvikira hwose hwaviriswa.” Zvinhu zvose Jesu wakaudza vanhu vazhinji nemifananidzo; haana kutaura chinhu kwavari asingafananidzi; kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita, achiti, “Ndichataura nemifananidzo, Ndichataura zvakavanzika kubva pakuvambwa kwenyika.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 13

Mateo 13:24-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Umambo hwedenga hungafananidzwe nomunhu akadyara mbeu yakanaka mumunda make. Asi vanhu vakarara, muvengi wake akauya akadyara sawi mukati mekoroni akabva aenda. Padzakabuda dzikatumbuka sawi rakaonekwawo.” Vashandi vepamba ipapo vakauya vakati kwaari, “Changamire, hamuna kudyara mbeu yakanaka here mumunda menyu? Ko sawi rakazobva kupi?” Iye akati kwavari, “Muvengi ndiye akaita izvi.” Vashandi vakati kwaari, “Mungade here kuti tindoridzura?” Asi iye akati, “Kwete, mungadaro mukadzipurirana nekoroni pamunenge muchidzura sawi. Regai zvikurirane pamwechete kusvikira panguva yokukohwa. Panguva yokukohwa ndichataurira vakohwi kuti, ‘Tangai kuunganidza sawi murisunge muzvisumbu kuti zvipiswe muunganidze koroni muitutire mudura rangu.’ ” Akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Umambo hwedenga hwakaita setsanga yemasitadhi yakatorwa nomunhu akaidyara mumunda make. Ndiyo tsanga dukuduku pane dzimwe tsanga dzose. Asi kana ichinge yakura inoita gwenzi guru kupinda mamwe ose, ichizova muti, zvokuti shiri dzedenga dzinouya dzichizoita matendere adzo mumapazi awo.” Jesu akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Umambo hwedenga hwakaita sembiriso yakatorwa nomumwe mudzimai akaisanganisa nezviereso zvitatu zvoupfu hwekoroni kusvikira mukanyiwa wose wafuta.” Jesu akataura zvose izvi kugungano ravanhu nemienzaniso. Hapana zvaaimbovataurira asingashandisi mienzaniso. Izvi zvaizadzisa zvakambotaurwa nomuporofita zvokuti, “Ndichazarura muromo wangu ndichitaura nemienzaniso. Ndichadudzira zvakavandika zvapasichigare.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 13

Mateo 13:24-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Wakaisa pamberi paʋo mumŋe mufananidzo, aciti: Ʋushe bgokuɗeŋga bgunofananidzwa nomunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make. Asi ʋanhu ʋaʋete, muʋeŋgi wake akaʋuya, akakusha mashawi pakati peɀiyo, akaenda. Asi cipande cakati camera nokuɓereka, ɀino mashawi akaʋonekwa ʋo. Ɀino ʋaranda ʋomŋene weimba ʋakaʋuya, ʋakati kwaari: Ishe, hamuna‐kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Munda wawanepiko mashawi? Akati kwaʋari: Munhu unondiʋeŋga waita iɀoɀo. Ʋaranda ʋakati kwaari: Ko munoɗa kuti tindoaʋuŋganidza here? Akati: Kwete, ɀimŋe kana muciʋuŋganidza mashawi, muŋgadzura neɀiyo ʋo. Regai ɀikure ɀose ɀiri ɀiʋiri kuȿikira pakuceka; neŋguʋa yokuceka ndicati kuʋaceki: Taŋgai kuʋuŋganidza mashawi, muasuŋge mŋanda kuti apiswe, asi muʋuŋganidze ɀiyo muɗura raŋgu. Wakaisa pamberi paʋo mumŋe mufananidzo, aciti: Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana netsaŋga yembeu yemastarda, yakatorwa nomunhu, akaidɀara mumunda make; iyo iɗuku kumbeu dzose, asi kana yakura, ihuru pamiriʋo yose, inoita muti wakakura ukaɗaro kuti shiri dzokuɗeŋga dzinoʋuya, dzicigara pamataʋi awo. Akaʋaʋudza mumŋe mufananidzo, akati: Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi, akaiisa muɀiyero ɀitatu ɀoʋupfu, kuȿikira bgose bgaʋiriswa. Ɀinhu ɀose Jesu wakaʋudza ʋanhu ʋazhinji nemifananidzo; haana‐kutaura cinhu kwaʋari asiŋgafananidzi; kuti ɀiitike ɀakarebga nomuprofita, aciti: Ndicashamisa muromo waŋgu nemifananidzo, Ndicataura ɀakaŋga ɀakaʋanzika kubva pakuʋambga kwenyika.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 13

Mateo 13:24-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)