Mateo 12:33-40
Mateo 12:33-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Itai kuti muti uve wakanaka uye michero yawo ichava yakanaka kana kuti itai kuti muti uve wakaipa, uye michero yawo ichava yakaipa, nokuti muti uchazivikanwa nemichero yawo. Imi vana venyoka, zvingaitike here kuti imi makaipa kudai mutaure chipi zvacho chakanaka? Nokuti muromo unotaura zviri mumwoyo. Munhu akanaka anobudisa zvakanaka zvagara zviri mudura romwoyo wake, uye munhu akaipa anobudisa zvakaipa zvagara zviri mudura romwoyo wake. Asi ndinokuudzai kuti vanhu vachazvidavirira pamusi wokutongwa pamusoro peshoko rimwe nerimwe ravakataura risina maturo. Nokuti namashoko ako ucharuramisirwa, uye namashoko ako uchawanikwa une mhosva.” Ipapo vamwe vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo chechishamiso kubva kwamuri.” Akavapindura akati, “Rudzi rwakaipa nerwoupombwe runokumbira chiratidzo! Asi hapana chiratidzo chichapiwa kwarwuri kunze chete kwechiratidzo chomuprofita Jona. Nokuti Jona sezvaakaita mazuva matatu nousiku hutatu ari mudumbu rehove huru, saizvozvo Mwanakomana woMunhu achava mumwoyo wenyika kwamazuva matatu nousiku hutatu.
Mateo 12:33-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Itai muti uve wakanaka, nemichero yawo yakanakawo; kana itai muti uve wakaipa, nemichero yawo yakaipawo; nokuti muti unozikanwa nemichero yawo. Imi, vana venyoka, mungagona seiko kutaura zvinhu zvakanaka, zvamuri vakaipa? Nokuti muromo unotaura zvizere mumwoyo. “Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka papfuma yake yakanaka; nomunhu akaipa anobudisa zvinhu zvakaipa papfuma yake yakaipa. Ndinoti kwamuri, shoko rimwe nerimwe risina maturo rakarehwa navanhu, vachazvidavirira pamusoro paro nezuva rokutonga. Nokuti namashoko ako ucharuramiswa, uye namashoko ako uchapiwa mhosva.” Zvino vamwe vanyori navaFarisi vakapindura, vakati, “Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo kwamuri.” Akapindura, akati kwavari, “Rudzi rwakaipa rwoupombwe runotsvaka chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo, asi chiratidzo chomuporofita Jona. Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu nousiku utatu, saizvozvo Mwanakomana womunhu achava mumwoyo wenyika mazuva matatu nousiku utatu.
Mateo 12:33-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Itai kuti muti uve wakanaka, muchero wawo uchavawo wakanaka; itai kuti muti uve wakaipa muchero wawo uchavawo wakaipa, nokuti muti unozivikanwa nomuchero wawo. Imi vana venyoka, mungataure sei zvakanaka imi makaipa, nokuti muromo unotaura zvinenge zvichitofashukira mumwoyo. Munhu wakanaka anoburitsa zvinhu zvakanaka zvichibva muupfumi hwake hwakanaka. Munhu wakaipa anoburitsawo mudura rake rouipi. Ndinokutaurirai kuti pazuva rokutongwa, vanhu vachazvidavirira izwi rimwe nerimwe ravanotaura zvisina mwero nokuti mazwi ako ndiwo achakupembedza uye mazwi ako ndiwo achakubatisa nemhosva.” Dzimwe nyanzvi dzomutemo navaFarisei vakati kwaari, “Mudzidzisi tingade kuona chiratidzo chinobva kwamuri.” Asi iye akavapindura achiti, “Chizvarwa chakaipa uye chenzenza chinotsvaka chiratidzo, asi hapana chiratidzo chachichapiwa kusiya kwaJona sechiratidzo. Sezvakangoita Jona akagara mazuva matatu nousiku hutatu ari mudumbu mezihove, ndizvozvowo zvichaita Mwanakomana womunhu, achava pasi penyika siku nesikati kwamazuva matatu.
Mateo 12:33-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Itai muti uʋe wakanaka, neɀiɓereko ɀawo ɀakanaka ʋo; kana itai muti uʋe wakaipa, neɀiɓereko ɀawo ɀakaipa ʋo; nokuti muti unozikanwa neɀiɓereko ɀawo. Imi, ɀiɓereko ɀenyoka, muŋgagona seiko kutaura ɀinhu ɀakanaka, ɀamuri ʋakaipa? Nokuti muromo unotaura ɀizere pamŋoyo. Munhu wakanaka unoɓuɗisa ɀinhu ɀakanaka pafuma yake yakanaka; nomunhu wakaipa unoɓuɗisa ɀinhu ɀakaipa pafuma yake yakaipa. Ndinoti kwamuri: Shoko rimŋe nerimŋe risinamaturo, rakarebga naʋanhu, ʋacaɀiɗaʋirira pamsoro paro nezuʋa rokutoŋga. Nokuti namashoko ako ucaruramiswa, ʋuye namashoko ako ucagurwa. Ɀino ʋamŋe ʋanyori naʋaFarise ʋakapindura, ʋakati: Mudzidzisi, tinoɗa kuʋona ciratidzo kwamuri. Akapindura, akati kwaʋari: Rudzi rwakaipa rwoʋupombge runotȿaka ciratidzo, asi haruŋgapiwi ciratidzo, asi ciratidzo comuprofita Jona. Nokuti Jona seɀaakaʋa muɗumbu rehoʋe huru mazuʋa matatu noʋusiku bgutatu, saiɀoɀo Mŋanakomana womunhu ucaʋa mumŋoyo wenyika mazuʋa matatu noʋusiku bgutatu.
Mateo 12:33-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)