Mateo 12:28-30
Mateo 12:28-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi kana ndichibudisa madhimoni noMweya waMwari zvinoreva kuti umambo hwaMwari hwasvika kwamuri. “Uyezve, munhu angapinda sei mumba momunhu ane simba agoenda nezvinhu zvake asina kutanga asunga munhu uyu ane simba? Ipapo anogona kuzopamba imba yake. “Uyo asineni anopesana neni, nouyo asingaunganidzi neni anoparadza.
Mateo 12:28-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa noMweya waMwari, ipapo hushe hwaMwari hwasvika kwamuri. “Munhu angapinda seiko paimba yaanesimba, akatora nhumbi dzake, kana asati ambosunga uya anesimba? Ipapo achaparadza imba yake. Asi neni, anopesana neni, noasingaunganidzi neni, anoparadza.
Mateo 12:28-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino kana ndichidzinga mweya yakaipa noMweya waMwari, saka umambo hwaMwari hwatosvika pamuri. Kana kuti zvingaitike sei kutoti munhu angapinde mumba merume rine simba achipamba zvinhu zvaro, asi kuti atanga arisunga, ndokuzopamba zvemba yaro. “Uyo asineni, ari kurwisana neni; asingaunganidzi neni, anoparadza.
Mateo 12:28-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi kana ndiciɓuɗisa mŋeya yakaipa noMŋeya waMŋari, ipapo ʋushe bgaMŋari bgaȿika kwamuri. Munhu uŋgapinda seiko paimba younesimba, akatora nhumbi dzake, kana asati ambosuŋga iye unesimba? Ipapo ucaparadza imba yake. Usi neni, unopesana neni, nousiŋgaʋuŋganidzi neni, unoparadza.
Mateo 12:28-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)