Mateo 12:18-23
Mateo 12:18-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Houno muranda wangu wandakasarudza, wandinoda, anondifadza; ndichaisa Mweya wangu paari, iye achazivisa nyika kutonga kwakarurama. Haazokakavari kana kuridza mhere; hakuna anozonzwa inzwi rake mumigwagwa. Rutsanga rwakapwanyika haangarutyori, nomwenje unopfuta zvishoma haangaudzimi, kusvikira atungamirira kutonga kwakarurama mukukunda. Marudzi ose achaisa tariro yawo muzita rake.” Ipapo vakauya kwaari nomurume akanga akabatwa nedhimoni ari bofu uye ari mbeveve, uye Jesu akamuporesa, zvokuti akagona zvose kutaura nokuona. Vanhu vose vakashamiswa uye vakati, “Kuti uyu angava Mwanakomana waDhavhidhi here?”
Mateo 12:18-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Tarira, muranda wangu wandakasanangura; Mudikanwi wangu, anofarirwa nomweya wangu, Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake, Iye achazivisa vahedheni kutonga. Haangarwi, haangaiti mhere-mhere; Hakuna munhu achanzwa izwi rake mumigwagwa. Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, Nomwenje unopwititika haangaudzimi, Kusvikira achiita kutonga kuti kukunde. Vahedheni vachaita zita rake tariro yavo.” Zvino vakaisa kwaari munhu aiva nomweya wakaipa, raiva bofu nembeveve; akamuporesa, naizvozvo mbeveve yakataura nokuonawo. Vanhu vazhinji vose vakashamiswa, vakati, “Ko uyu haasi mwanakomana waDhavhidhi here?”
Mateo 12:18-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Tarirai muone muranda wangu wandakasarudza, wangu chaiye wapamwoyo wandinofarira. Ndichaisa Mweya wangu paari iye achaparidza kutonga kwakarurama kune vechirudzi. Haazoiti gakava kana kudaidzira hapana achanzwa izwi rake mumigwagwa. Rutsanga runenge rwatyoka haarudimburi, rambi rine tambo ine kamoto kanoti roi roi haaridzimi, kusvikira ruenzaniso rwakunda muzita rake vechirudzi vachava netariro.” Kwakauiswa kwaari bofu raive mbeveve rine mweya wakaipa akariporesa zvokuti mbeveve iya yakataura ikakwanisa kuona. Vanhu vose vakashamiswa vakati, “Uyu angave mwana waDhavhidhi here uyu?”
Mateo 12:18-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarira, muranda waŋgu wandakasanaŋgura; Muɗikanwa waŋgu, unofarirwa nomŋeya waŋgu: Ndicaisa Mŋeya waŋgu pamsoro pake, Iye ucaziʋisa ʋahedeni kutoŋga. Haaŋgarwi, haaŋgaiti mhere‐mhere; Hakunomunhu ucanzwa inzwi rake munzira dzomumusha. Rutsaŋga rwakapxanyika haaŋgaruvuni, Nomŋenje unopxititika haangaudzimi, Kuȿikira acituma kutoŋga kuti kukunde. Ʋahedeni ʋacaita zita rake tariro yaʋo. Ɀino ʋakaisa kwaari munhu waiʋa nomŋeya wakaipa, raiʋa ɓofu nembeʋeʋe; akamuporesa, naiɀoɀo mbeʋeʋe yakataura nokuʋona ʋo. Ʋanhu ʋazhinji ʋose ʋakashamiswa, ʋakati: Ko uyu haazi mŋanakomana waDavidi here?
Mateo 12:18-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)