Mateo 12:15-21
Mateo 12:15-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Achiziva izvi, Jesu akabva panzvimbo iyi. Vazhinji vakamutevera, akaporesa varwere vavo vose. Akavayambira kuti vasafamba vachitaura kuti iye ndiye ani. Izvi zvakanga zvichizadzisa zvainge zvataurwa nomuprofita Isaya achiti: “Houno muranda wangu wandakasarudza, wandinoda, anondifadza; ndichaisa Mweya wangu paari, iye achazivisa nyika kutonga kwakarurama. Haazokakavari kana kuridza mhere; hakuna anozonzwa inzwi rake mumigwagwa. Rutsanga rwakapwanyika haangarutyori, nomwenje unopfuta zvishoma haangaudzimi, kusvikira atungamirira kutonga kwakarurama mukukunda. Marudzi ose achaisa tariro yawo muzita rake.”
Mateo 12:15-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Jesu paakaziva izvi, akabva abva ikoko. Vanhu vazhinji vakamutevera akavarapa vose. Akavakohomedza kuti vasamuzivise kuvanhu. Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zviya zvakataurwa nomuporofita Isaya zvokuti, “Tarirai muone muranda wangu wandakasarudza, wangu chaiye wapamwoyo wandinofarira. Ndichaisa Mweya wangu paari iye achaparidza kutonga kwakarurama kune vechirudzi. Haazoiti gakava kana kudaidzira hapana achanzwa izwi rake mumigwagwa. Rutsanga runenge rwatyoka haarudimburi, rambi rine tambo ine kamoto kanoti roi roi haaridzimi, kusvikira ruenzaniso rwakunda muzita rake vechirudzi vachava netariro.”
Mateo 12:15-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akati achizviziva, akabvapo; vanhu vazhinji vakamutevera, akavaporesa vose, akavaraira kuti varege kumuzivisa pachena, kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya, achiti, “Tarira, muranda wangu wandakasanangura; Mudikanwi wangu, anofarirwa nomweya wangu, Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake, Iye achazivisa vahedheni kutonga. Haangarwi, haangaiti mhere-mhere; Hakuna munhu achanzwa izwi rake mumigwagwa. Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, Nomwenje unopwititika haangaudzimi, Kusvikira achiita kutonga kuti kukunde. Vahedheni vachaita zita rake tariro yavo.”
Mateo 12:15-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu paakaziva izvi, akabva abva ikoko. Vanhu vazhinji vakamutevera akavarapa vose. Akavakohomedza kuti vasamuzivise kuvanhu. Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zviya zvakataurwa nomuporofita Isaya zvokuti, “Tarirai muone muranda wangu wandakasarudza, wangu chaiye wapamwoyo wandinofarira. Ndichaisa Mweya wangu paari iye achaparidza kutonga kwakarurama kune vechirudzi. Haazoiti gakava kana kudaidzira hapana achanzwa izwi rake mumigwagwa. Rutsanga runenge rwatyoka haarudimburi, rambi rine tambo ine kamoto kanoti roi roi haaridzimi, kusvikira ruenzaniso rwakunda muzita rake vechirudzi vachava netariro.”
Mateo 12:15-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu wakati aciɀiziʋa, akabva’po; ʋanhu ʋazhinji ʋakamuteʋera, akaʋaporesa ʋose, akaʋaraira kuti ʋarege kumuziʋisa pacena, kuti ɀiitike ɀakarebga nomuprofita Isaya, aciti: Tarira, muranda waŋgu wandakasanaŋgura; Muɗikanwa waŋgu, unofarirwa nomŋeya waŋgu: Ndicaisa Mŋeya waŋgu pamsoro pake, Iye ucaziʋisa ʋahedeni kutoŋga. Haaŋgarwi, haaŋgaiti mhere‐mhere; Hakunomunhu ucanzwa inzwi rake munzira dzomumusha. Rutsaŋga rwakapxanyika haaŋgaruvuni, Nomŋenje unopxititika haangaudzimi, Kuȿikira acituma kutoŋga kuti kukunde. Ʋahedeni ʋacaita zita rake tariro yaʋo.