Mateo 12:1-8
Mateo 12:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Panguva iyoyo Jesu akapfuura nomuminda yaiva nezviyo uri musi weSabata. Vadzidzi vake vakanga vava nenzara ndokubva vatanga kupurura hura hwezviyo zviya vachidya. VaFarisi pavakazviona, vakati kwaari, “Tarirai, vadzidzi venyu vari kuita zvisingabvumirwi nomusi weSabata.” Akati kwavari, “Ko, hamuna kuverenga here zvakaitwa naDhavhidhi navamwe vake pavakanga vava nenzara? Akapinda muimba yaMwari iye nevamwe vake vakadya chingwa chitsvene chavaisabvumirwa kudya, asi chaingodyiwa navaprista chete. Kana kuti hamuna kuverenga here muMurayiro kuti nomusi weSabata vaprista mutemberi vanosvibisa zuva iri asi vasingapiwi mhosva? Ndinokuudzai kuti mukuru kupfuura temberi ari pano. Dai maiziva zvinorehwa namashoko anoti, ‘Ndinoda ngoni, kwete zvibayiro,’ hamaizopa mhosva vasina mhosva. Nokuti Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe weSabata.”
Mateo 12:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nenguva iyo Jesu akafamba napakati peminda yezviyo nomusi weSabata; vadzidzi vake vakanga vane nzara, vakapurura hura, vachidya. VaFarisi vakati vachizviona, vakati kwaari, “Tarira, vadzidzi vako vanoita zvisina kutenderwa nomusi weSabata.” Asi akati kwavari, “Ko hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga aziya, iye navakanga vanaye; kuti akapinda mumba maMwari, akadya zvingwa zvokuratidza, zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa naye, navaiva naye, asi navapristi bedzi? Ko hamuna kurava muMutemo, kuti neSabata vapristi vanotyora murayiro weSabata mutemberi, vasina mhosva? Asi ndinoti kwamuri, anokurira temberi ari pano. Asi dai maiziva kuti zvinoti kudini kuti, ‘Ndinoda ngoni, handidi chibayiro,’ mungadai musina kutonga vasina mhosva. Nokuti Mwanakomana womunhu ndiye Ishe weSabata.”
Mateo 12:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Neimwe nguva Jesu aifamba nomuminda yekoroni nomusi weSabata. Vadzidzi vake vakanga vava nenzara, vakatanga kupurura hura dzekoroni vachidya. VaFarisei pavakazviona vakati kwaari, “Tarisai muone vadzidzi venyu vari kuita zvisingabvumirwi nomutemo pamusi reSabata.” Iye akati kwavari, “Hamuna here kumboverenga zvakaitwa naDhavhidhi paakanga ava nenzara pamwechete nevaakanga ainavo kuti akapinda mumba maMwari akadya chingwa chakanga chakasumwa kuna Mwari chaakanga asingabvumirwi, pamutemo, uye navakanga vainaye kuti vadye kusiya vapristi bedzi. Kana kuti hamuna kuverenga here mubhuku romutemo kuti pamusi weSabata muTemberi, vapristi vanon'oresa Sabata asi vasingapari mhosva. Asi ndinokutaurirai kuti pano pane zvakakura kupinda Temberi. Dai zvenyu maiziva zvinoreva izvi zvokuti, ‘Chandinoda ini itsitsi kwete chibayiro, mungadai musina kupa mhosva vasina mhosva nokuti Mwanakomana womunhu ndiye Tenzi weSabata.’ ”
Mateo 12:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Neŋguʋa iyo Jesu wakafamba napakati peminda yeɀiyo nomusi wesaɓata; ʋadzidzi ʋake ʋakaŋga ʋanenzara, ʋakataŋga kutanha hura, ʋacidya. ƲaFarise ʋakatiʋaciɀiʋona, ʋakati kwaari: Tarira, ʋadzidzi ʋako ʋanoita ɀisina‐kutenderwa nomusi wesaɓata. Asi wakati kwaʋari: Ko hamuna‐kuraʋa here ɀakaitwa naDavidi, musi waakaŋga aziya, iye naʋakaŋga ʋanaye; kuti wakapinda mumba maMŋari, akadya ɀiŋgwa ɀokuratidza, ɀakaŋga ɀisina‐kutenderwa kudyiwa naye, naʋaiʋa naye, asi naʋaprista ɓedzi? Ko hamuna‐kuraʋa pamurairo, kuti nesaɓata ʋaprista ʋanoputsa murairo wesaɓata mutembere, ʋasinemhoȿa? Asi ndinoti kwamuri: Unokurira tembere uri pano. Asi ɗai maiziʋa kuti ɀinoti kuɗini kuti: Ndinoɗa ŋgoni, handiɗi ciɓayiro, muŋgaɗai musina‐kutoŋga ʋasinemhoȿa. Nokuti Mŋanakomana womunhu ndiye Ishe wesaɓata ʋo.
Mateo 12:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)