Mateo 11:25-26
Mateo 11:25-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Panguva iyoyo Jesu akati, “Ndinokurumbidzai Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navakadzidza, uye mukazvizarurira kuvana vaduku. Hongu, Baba nokuti izvi ndizvo zvakakufadzai.
Mateo 11:25-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nenguva iyo Jesu akapindura, akati, “Ndinokutendai, Baba, Ishe wekudenga napasi, kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvozvi, mukazvizivisa vacheche. Hongu, Baba, nokuti ndizvo zvakakufadzai.
Mateo 11:25-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo Jesu akati, “Ndinokutendai Baba, Tenzi wedenga napasi kuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navanonzwisisa mukazvizivisa kuvana vaduku. Hongu Baba, aya madiro enyu.
Mateo 11:25-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Neŋguʋa iyo Jesu akapindura, akati: Ndinokutendai, Ƃaɓa, Ishe wokuɗeŋga napasi, kuti makaʋanzira ʋakacenjera naʋakaŋgwara ɀinhu iɀoɀi, mukaɀizarurira ʋacece. Hoŋo, Ƃaɓa, nokuti ndiɀo ɀakakufadzai.