Mateo 11:20-30
Mateo 11:20-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jesu akatanga kutuka maguta akanga aitwa zvishamiso zvake zvizhinji, nokuti akanga asina kutendeuka. “Une nhamo iwe Korazini! Une nhamo iwe Bhetisaidha! Kudai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muTire neSidhoni vangadai vakatendeuka kare vakapfeka masaga uye vakazvizora dota. Asi ndinokuudzai kuti Tire neSidhoni zvicharerukirwa pazuva rokutongwa kupfuura imi. Uye iwe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Kwete, asi uchaiswa pakadzikadzika. Dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muSodhomu, ringadai richiripo nanhasi. Asi ndinokuudza kuti guta reSodhomu richarerukirwa pazuva rokutongwa kupfuura iwe.” Panguva iyoyo Jesu akati, “Ndinokurumbidzai Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navakadzidza, uye mukazvizarurira kuvana vaduku. Hongu, Baba nokuti izvi ndizvo zvakakufadzai. “Zvinhu zvose zvakapiwa kwandiri naBaba vangu. Hakuna anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba, uye hakuna anoziva Baba kunze kwoMwanakomana naavo chete Mwanakomana vaanenge asarudza kuti avazarurire. “Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo. Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu hariremi uye mutoro wangu wakareruka.”
Mateo 11:20-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akatanga kutuka maguta makanga maitwa mabasa ake esimba mazhinji, nokuti haana kutendeuka, akati, “Une nhamo iwe, Korazini! Une nhamo iwe, Bhetisaidha! Nokuti mabasa akaitwa mukati menyu, dai aiitwa muTire neSidhoni, vangadai vatendeuka kare vakaisa masaga nedota. “Asi ndinoti kwamuri, Tire neSidhoni acharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuuremi. Iwe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Uchaburukira kuHadhesi, nokuti dai iwo mabasa esimba akaitwa mukati mako, akaitwa muSodhoma, ringadai richipo nanhasi. “Asi ndinoti kwamuri, ‘Nyika yeSodhoma icharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuura iwe.’ ” Nenguva iyo Jesu akapindura, akati, “Ndinokutendai, Baba, Ishe wekudenga napasi, kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvozvi, mukazvizivisa vacheche. Hongu, Baba, nokuti ndizvo zvakakufadzai. “Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu, hakuna anoziva Mwanakomana, asi Baba; hakuna anoziva Baba, asi Mwanakomana, naiye waanenge Mwanakomana achida kumuzivisa iye. “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndinomwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unorerukira.”
Mateo 11:20-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akatanga kutsiura maguta maakanga aita zvishamiso zvake zvizhinji nokuti havana kutendeuka. Akati, “Zvichakuwana zvako iwe Korezeini; zvichakuwana iwe Bhetisaidha nokuti dai kuri kuti zvishamiso zvakaitwa mamuri zvakaitwa muTire nomuSidhoni, vangadai vakapinduka kare kare vakatopfeka masaga nokuzvizora madota. Ndinokutaurirai kuti pazuva rokutongwa, zvichava nyore kuguta reTire nereSidhoni panemi. Ko iwe Kapenaumu uchasimudzirwa kudenga here? Uchatodzikiswa kunzvimbo yavafi. Dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvakaitwa muguta reSodhomu ringadai richimire nanhasi uno. Chandinokutaurirai ndechokuti, ‘Pazuva rokutongwa, zvichava nyore kunyika yeSodhomu panewe.’ ” Ipapo Jesu akati, “Ndinokutendai Baba, Tenzi wedenga napasi kuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navanonzwisisa mukazvizivisa kuvana vaduku. Hongu Baba, aya madiro enyu. Zvinhu zvose zvakaiswa mumaoko angu naBaba vangu; uye hakuna anoziva Mwanakomana kusiya Baba uyewo hakuna anoziva Baba kusiya Mwanakomana nouyo anenge asarudzwa zvake naMwanakomana kuti amuzivise kwaari. “Uyai kwandiri imi mose makaremerwa, makatakura mutoro unorema, ini ndichakuzorodzai. Torai joko rangu mudzidze kwandiri nokuti ndine mwoyo munyoro uye ndakazvirereka muchazviwanira mwoyo yenyu zororo nokuti joko rangu rakanaka uye mutoro wangu wakareruka.”
Mateo 11:20-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakataŋga kutuka maguta makaŋga maitwa maɓasa ake esimba mazhinji, nokuti haana‐kutendeʋuka, akati: Unenhamo iwe, Korazini! Unenhamo iwe, Betsaida! Nokuti maɓasa akaitwa mukati menyu, ɗai aiitwa muTire neSidoni, ʋaŋgaɗai ʋatendeʋuka kare ʋanamasaga neɗota. Asi ndinoti kwamuri: Tire neSidoni acarerukirwa nezuʋa rokutoŋgwa kupfuʋuremi. Iwe Kapernaume, ucasimudzirwa kuɗeŋga here? Ucaɓurukira kuHadesi, nokuti ɗai iwo maɓasa esimba akaitwa mukati mako, akaitwa muSodoma, riŋgaɗai rici’po nanhasi. Asi ndinoti kwamuri: Nyika yeSodoma icarerukirwa nezuʋa rokutoŋgwa kupfuʋura iwe. Neŋguʋa iyo Jesu akapindura, akati: Ndinokutendai, Ƃaɓa, Ishe wokuɗeŋga napasi, kuti makaʋanzira ʋakacenjera naʋakaŋgwara ɀinhu iɀoɀi, mukaɀizarurira ʋacece. Hoŋo, Ƃaɓa, nokuti ndiɀo ɀakakufadzai. Ɀinhu ɀose ndakaɀipiwa naƂaɓa ʋaŋgu, hakuna‐unoziʋa Mŋanakomana, asi Ƃaɓa; hakuna‐unoziʋa Ƃaɓa, asi Mŋanakomana, naiye Mŋanakomana waaneŋge aciɗa kumuzarurira iye. Ʋuyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndicakuzorodzai. Muise joko raŋgu pamsoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndinomŋoyo unoɀininipisa, kuti muwane zororo pamŋeya yenyu. Nokuti joko raŋgu rakanaka, nomutoro waŋgu unorerukira.
Mateo 11:20-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)