Mateo 11:20-24
Mateo 11:20-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jesu akatanga kutuka maguta akanga aitwa zvishamiso zvake zvizhinji, nokuti akanga asina kutendeuka. “Une nhamo iwe Korazini! Une nhamo iwe Bhetisaidha! Kudai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muTire neSidhoni vangadai vakatendeuka kare vakapfeka masaga uye vakazvizora dota. Asi ndinokuudzai kuti Tire neSidhoni zvicharerukirwa pazuva rokutongwa kupfuura imi. Uye iwe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Kwete, asi uchaiswa pakadzikadzika. Dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muSodhomu, ringadai richiripo nanhasi. Asi ndinokuudza kuti guta reSodhomu richarerukirwa pazuva rokutongwa kupfuura iwe.”
Mateo 11:20-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akatanga kutuka maguta makanga maitwa mabasa ake esimba mazhinji, nokuti haana kutendeuka, akati, “Une nhamo iwe, Korazini! Une nhamo iwe, Bhetisaidha! Nokuti mabasa akaitwa mukati menyu, dai aiitwa muTire neSidhoni, vangadai vatendeuka kare vakaisa masaga nedota. “Asi ndinoti kwamuri, Tire neSidhoni acharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuuremi. Iwe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Uchaburukira kuHadhesi, nokuti dai iwo mabasa esimba akaitwa mukati mako, akaitwa muSodhoma, ringadai richipo nanhasi. “Asi ndinoti kwamuri, ‘Nyika yeSodhoma icharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuura iwe.’ ”
Mateo 11:20-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akatanga kutsiura maguta maakanga aita zvishamiso zvake zvizhinji nokuti havana kutendeuka. Akati, “Zvichakuwana zvako iwe Korezeini; zvichakuwana iwe Bhetisaidha nokuti dai kuri kuti zvishamiso zvakaitwa mamuri zvakaitwa muTire nomuSidhoni, vangadai vakapinduka kare kare vakatopfeka masaga nokuzvizora madota. Ndinokutaurirai kuti pazuva rokutongwa, zvichava nyore kuguta reTire nereSidhoni panemi. Ko iwe Kapenaumu uchasimudzirwa kudenga here? Uchatodzikiswa kunzvimbo yavafi. Dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvakaitwa muguta reSodhomu ringadai richimire nanhasi uno. Chandinokutaurirai ndechokuti, ‘Pazuva rokutongwa, zvichava nyore kunyika yeSodhomu panewe.’ ”
Mateo 11:20-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakataŋga kutuka maguta makaŋga maitwa maɓasa ake esimba mazhinji, nokuti haana‐kutendeʋuka, akati: Unenhamo iwe, Korazini! Unenhamo iwe, Betsaida! Nokuti maɓasa akaitwa mukati menyu, ɗai aiitwa muTire neSidoni, ʋaŋgaɗai ʋatendeʋuka kare ʋanamasaga neɗota. Asi ndinoti kwamuri: Tire neSidoni acarerukirwa nezuʋa rokutoŋgwa kupfuʋuremi. Iwe Kapernaume, ucasimudzirwa kuɗeŋga here? Ucaɓurukira kuHadesi, nokuti ɗai iwo maɓasa esimba akaitwa mukati mako, akaitwa muSodoma, riŋgaɗai rici’po nanhasi. Asi ndinoti kwamuri: Nyika yeSodoma icarerukirwa nezuʋa rokutoŋgwa kupfuʋura iwe.
Mateo 11:20-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)