Mateo 11:12-19
Mateo 11:12-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, umambo hwokudenga hwanga huchipfuurira mberi nechisimba, uye varume vechisimba vanohutora. Nokuti Vaprofita vose neMirayiro vakaprofita kusvikira pana Johani. Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achizouya. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe. “Rudzi urwu ndingaruenzanisa nei? Vakafanana navana vari mumisika vari kudanidzira kuna vamwe vachiti: “ ‘Takakuridzirai hwamanda, asi hamuna kutamba; takaimba rwiyo rworufu, uye hamuna kuchema.’ Nokuti Johani akanga asingadyi kana kunwa asi vakati, ‘Ane dhimoni.’ Mwanakomana woMunhu akanga achidya uye achinwa, zvino vanoti, ‘Houno wamakaro nomunwi, shamwari yavateresi na“vatadzi”.’ Asi uchenjeri hunozviratidza kuti hwakarurama namabasa ahwo.”
Mateo 11:12-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, ushe hwedenga hunopambwa, vapambi vanohutora nesimba. Nokuti vaporofita vose nomutemo zvakaporofita kusvikira kuna Johani. Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achinzi anouya. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe. “Asi ndichafananidza rudzi urwu neiko? Rwakafanana navana vagere padare, vanodanidzira kushamwari dzavo, vachiti, ‘Takakuridzirai nyere, mukasatamba; takaungudza, mukasachema.’ Nokuti Johani akauya, asingadyi, asinganwi, zvino vanoti, ‘Ane mweya wakaipa.’ “Mwanakomana womunhu akauya, achidya, achinwa, zvino voti, ‘Tarirai munhu anokara, nomunwi, shamwari yavateresi navatadzi!’ Kuchenjera kwakaruramiswa namabasa ako.”
Mateo 11:12-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kubvira pamazuva aJohani Muombeki kusvikira iye zvino, umambo hwedenga hwakapinda mukurwiswa uye vanhu vechisimba vari kuhupamba. Nokuti vaporofita vose nomutemo zvakaporofita kudzamara pana Johani. Kana muchida zvenyu kuzvibvuma iye ndiye Eriya uya ainzi achauya. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe. “Ko chizvarwa chino ndingachienzanise neiko? Chakafanana navana vagere pamisika vachidaidzira kuna vamwe vavo vachiti, ‘Takakuridzirai nyere, asi hamuna kutamba. Takaungudza, asi imi hamuna kuchema; nokuti Johani akauya asingadyi kana kunwa asi vanhu vakati ano mweya wakaipa. Mwanakomana womunhu akauya achidya uye achinwa.’ Vanhu vakati, ‘Tarisai muone munhu uyu ane nhafu uye chidhakwa neshamwari yavateresi navatadzi.’ Asi ungwaru hunopembedzwa namabasa aho.”
Mateo 11:12-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kubva pamazuʋa aJohane Mubapatidzi kuȿikira ɀino, ʋushe bgokuɗeŋga bgunopambga, ʋapambi ʋanobgutora nesimba. Nokuti ʋaprofita ʋose nomurairo ʋakaprofita kuȿikira kunaJohane. Kana muciɗa kuɀigamucira, ndiye Eria wakaŋga acinzi unoʋuya. Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe. Asi ndicafananidza rudzi urwu neiko? rwakafanana naʋana ʋagere paɗare, ʋanoɗanidzira kushamŋari dzaʋo, ʋaciti: Takakuridzirai nyere, mukasatamba; takakuririrai, mukasacema. Nokuti Johane wakaʋuya, asiŋgadyi, asiŋganwi, ɀino ʋanoti: Unomŋeya wakaipa. Mŋanakomana womunhu wakaʋuya, acidya, acinwa, ɀino ʋoti: Tarirai munhu unokara, nomunwi, neshamŋari yaʋateresi naʋatadzi! Kucenjera kwakaruramiswa namaɓasa ako.
Mateo 11:12-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)