Mateo 10:39-42
Mateo 10:39-42 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
ANowana upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu, achahuwana. “Anokugamuchirai imi, anondigamuchireni; noanogamuchireni, anogamuchira akandituma. Anogamuchira muporofita muzita romuporofita achapiwa mubayiro womuporofita; noanogamuchira akarurama muzita roakarurama, achapiwa mubayiro woakarurama. Ani naani unopa muzita romudzidzi mumwe wavaduku ava mukombe bedzi wemvura inotonhora anwe, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haangatongorasikirwi nomubayiro wake.”
Mateo 10:39-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ani naani anowana upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi uyo acharasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana. “Anokugamuchirai anogamuchira ini, uye anogamuchira ini anogamuchira iye akandituma. Ani naani anogamuchira muprofita nokuti muprofita achagamuchira mubayiro womuprofita, uye ani naani anogamuchira munhu akarurama nokuda kwokuti akarurama, achagamuchira mubayiro womunhu akarurama. Uye kana munhu akapa mukombe wemvura inotonhorera kuno mumwe wavaduku ava nokuda kwokuti iye mudzidzi wangu, ndinokuudzai chokwadi kuti haazorasikirwi nomubayiro wake.”
Mateo 10:39-42 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
ANowana upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu, achahuwana. “Anokugamuchirai imi, anondigamuchireni; noanogamuchireni, anogamuchira akandituma. Anogamuchira muporofita muzita romuporofita achapiwa mubayiro womuporofita; noanogamuchira akarurama muzita roakarurama, achapiwa mubayiro woakarurama. Ani naani unopa muzita romudzidzi mumwe wavaduku ava mukombe bedzi wemvura inotonhora anwe, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haangatongorasikirwi nomubayiro wake.”
Mateo 10:39-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uyo anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo. Uyo anorasikirwa noupenyu hwake, pamusana pangu, achahuchengetedza. “Uyo anogamuchira imi anogamuchirawo ini. Anogamuchira ini anogamuchirawo uyo akandituma. Anogamuchira muporofita pamusana pokuti muporofita anowanawo mubayiro womuporofita. Uyowo anogamuchira munhu akarurama pamusana pokuti munhu wakarurama achagamuchirawo mubayiro womunhu wakarurama. Munhuwo anopa kune mumwe wavaduku ava kunyange mukombe wemvura inotonhora nokuda kokuti mudzidzi, zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri haamborega kuwana mubayiro wake.”
Mateo 10:39-42 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Unowana ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo; asi unorashikirwa noʋupenyu bgake nokuɗa kwaŋgu, ucabguwana. Unokugamucirai imi, unondigamucireni; nounogamucireni, unogamucira wakandituma. Unogamucira muprofita muzita romuprofita, ucapiwa muɓairo womuprofita; nounogamucira wakarurama muzita rowakarurama, ucapiwa muɓairo wowakarurama. Aninani unopa muzita romudzidzi mumŋe waʋaɗuku aʋa mukombe ɓedzi wemvura inotonhora anwe, ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, haaŋgatoŋgorashikirwi nomuɓairo wake.
Mateo 10:39-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)