Mateo 10:36-39
Mateo 10:36-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
navavengi vomunhu vachava veimba yake. “Anoda baba kana mai kupfuureni, haana kufanireni; nowanoda mwanakomana nomwanasikana kupfuureni, haana kufanireni. Asingatakuri muchinjikwa wake, akanditevera, haana kufanireni. ANowana upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu, achahuwana.
Mateo 10:36-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
vavengi vomunhu vachava hama dzake dzomumba.’ “Ani naani anoda baba vake kana mai vake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu; uye ani naani anoda mwanakomana kana mwanasikana wake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu. Uye uyo asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera haana kukodzera kuva wangu. Ani naani anowana upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi uyo acharasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana.
Mateo 10:36-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
navavengi vomunhu vachava veimba yake. “Anoda baba kana mai kupfuureni, haana kufanireni; nowanoda mwanakomana nomwanasikana kupfuureni, haana kufanireni. Asingatakuri muchinjikwa wake, akanditevera, haana kufanireni. ANowana upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu, achahuwana.
Mateo 10:36-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mhandu dzomunhu dzichava dzomumba make. “Munhu anoda baba namai kupinda ini haakodzeri kuva wangu. Uyo anoda mwanakomana kana mwanasikana wake kupinda ini haakodzeri kuva wangu. Aninaani asingatore muchinjikwa wake achinditevera haakodzeri kuva wangu. Uyo anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo. Uyo anorasikirwa noupenyu hwake, pamusana pangu, achahuchengetedza.
Mateo 10:36-39 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
naʋaʋeŋgi ʋomunhu ʋacaʋa ʋeimba yake. Unoɗa ɓaɓa kana mai kupfuʋureni, haana‐kufanireni; nounoɗa mŋanakomana nomŋanasikana kupfuʋureni, haana‐kufanireni. Usiŋgatori mucinjikwa wake, akanditeʋera, haana‐kufanireni. Unowana ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo; asi unorashikirwa noʋupenyu bgake nokuɗa kwaŋgu, ucabguwana.
Mateo 10:36-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)